ShonaTeam Jeremiah « 26 »

Vanhu vanoti Jeremiya anofanira kuurawa

26Pakutanga kweutongi hwaJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo waJudha kwakasvika shoko iri kubva kuna Jehovha richiti:

2 Anoreva seizvi Jehovha: Mira pachivanze cheimba yaJehovha, utaure kumaguta ose aJudha, vanouya kuzoshumira muimba yaJehovha, mashoko ose andinokuraira kutaura kwavari; usadukupisa shoko.

3 Zvimwe vangateerera vakadzoka, umwe neumwe panzira yake yakaipa; kuti ndizvidembe pachakaipa chandakavavarira kuita kwavari nekuda kwekuipa kwezviito zvavo.

4 Zvino uchati kwavari: Anoreva seizvi Jehovha: Kana musinganditeereri kufamba mumurairo wangu wandakaisa pamberi penyu,

5 kuti muteerere kumashoko evaranda vangu vaporofita vandinotuma kwamuri, hongu ndichimuka mangwanani uye ndichituma, asi hamuna kuteerera;

6 zvino ndichaita imba iyi seShiro, uye ndichaita guta iri chakatukwa kumarudzi ose epanyika.

7 Naizvozvo vapristi nevaporofita nevanhu vose vakanzwa Jeremiya achitaura mashoko awa muimba yaJehovha.

8 Zvino zvakaitika Jeremiya apedza kutaura zvose Jehovha zvaaiva araira kuti ataure kuvanhu vose, kuti vapristi nevaporofita nevanhu vose vakamubata, vachiti: Uchafa zvekufa.

9 Wakaporofitirei muzita raJehovha uchiti: Imba iyi ichava seShiro, uye guta iri richava dongo risina mugari? Vanhu vose ndokuunganira Jeremiya muimba yaJehovha.

10 Zvino machinda aJudha paakanzwa zvinhu izvi, ipapo vakakwira kubva kuimba yamambo kuenda kuimba yaJehovha, ndokugara pamapindiro epasuwo idzva raJehovha.

11 Zvino vapristi nevaporofita vakataura kumachinda uye kuvanhu vose, vachiti: Murume uyu wakafanira mutongo werufu, nokuti wakaporofita achipokana neguta iri, sezvamakanzwa nenzeve dzenyu.

12 Zvino Jeremiya wakataura kumisoro yose nekuvanhu vose achiti: Jehovha wakandituma kuporofita maererano neimba iyi uye maererano neguta iri mashoko ose amakanzwa.

13 Naizvozvo ikozvino gadzirisai nzira dzenyu nezviito zvenyu, muteerere inzwi raJehovha Mwari wenyu; ipapo Jehovha achazvidemba pamusoro pechakaipa chaakataura kupokana nemwi.

14 Asi ini, tarirai, ndiri muruoko rwenyu; itai kwandiri sezvakanaka uye sezvakarurama pameso penyu.

15 Asi zivai zvirokwazvo kuti kana muchindiuraya, muchamisa ropa risina mhosva pamusoro penyu, uye pamusoro peguta iri, uye pamusoro pevagari varo, nokuti zvirokwazvo Jehovha wakandituma kwamuri kutaura mashoko awa ose munzeve dzenyu.

16 Zvino machinda nevanhu vose vakati kuvapristi nekuvaporofita: Munhu uyu haafaniri mutongo werufu, nokuti wakataura kwatiri muzita raJehovha Mwari wedu.

17 Zvino kwakasimuka vamwe vevakuru venyika, ndokutaura kuungano yose yevanhu vachiti:

18 Mikaya muMorashitiri wakaporofita pamazuva aHezekia mambo waJudha, ndokutaura kuvanhu vose vaJudha achiti: Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Ziyoni richarimwa semunda, neJerusarema richava mirwi, negomo reimba rive nzvimbo dzakakwirira dzesango.

19 Hezekia mambo waJudha naJudha wose vakandomuuraya here? Haana kutya Jehovha, akanyengetedza chiso chaJehovha, uye Jehovha akazvidemba pamusoro pechakaipa chaaiva areva pamusoro pavo here? Naizvozvo tingaita uipi ukuru kurwisa mweya yeupenyu yedu.

20 Uye kwaiva nemunhu wakaporofita muzita raJehovha, Uriya, mwanakomana waShemaya weKiriati-Jearimi; wakaporofita zvaipokana neguta iri nenyika iyi zvakafanana nemashoko ose aJeremiya.

21 Zvino mambo Jehoyakimu nevakuru vake vose nemachinda ose vakati vanzwa mashoko ake, mambo wakatsvaka kumuuraya; asi Uriya wakati achizvinzwa akatya, ndokutiza ndokuenda kuEgipita.

22 Zvino mambo Jehoiakimi wakatuma vanhu kuEgipita, Erinatani mwanakomana waAkibhori, nevamwe vanhu vanaye, kuenda kuEgipita.

23 Zvino vakabudisa Uriya muEgipita, ndokumuuisa kuna mambo Jehoyakimu; iye wakamuuraya nemunondo, ndokukanda chitunha chake muguva revanakomana vevanhu.

24 Asi ruoko rwaAhikami mwanakomana waShafani rwaiva naJeremiya, kuti vasamupa muruoko rwevanhu kuti vamuuraye.