ShonaTeam Jeremiah « 25 »

Nyika yaJudha ichava renje makore makumi manomwe

25Shoko rakasvika kuna Jeremiya maererano nevanhu vose vaJudha, mugore rechina raJehoyakimu mwanakomana waJosiya, mambo waJudha; raiva gore rekutanga raNebhukadhirezari mambo weBhabhironi;

2 iro Jeremiya muporofita raakataura kuvanhu vose vaJudha nekuvagari vose veJerusarema achiti:

3 Kubva pagore regumi nematatu raJosiya mwanakomana waAmoni, mambo waJudha, kusvikawo pazuva rino, ava makore makumi maviri nematatu, shoko raJehovha raiuya kwandiri; uye ndakataura kwamuri, ndichimuka mangwanani ndokutaura, asi hamuna kuteerera.

4 Zvino Jehovha wakakutumirai varanda vake vose vaporofita, achimuka mangwanani ndokutuma, asi hamuna kuteerera, uye hamuna kurerekera nzeve yenyu kuti munzwe;

5 vachiti: Dzokai ikozvino umwe neumwe panzira yake yakaipa, nepakuipa kwemabasa enyu, mugogara munyika Jehovha yaakapa kwamuri nekumadzibaba enyu, kubva rinhi narinhi kusvika rinhi narinhi;

6 uye musatevera vamwe vamwari kuvashumira nekuvanamata, uye musanditsamwisa nebasa remaoko enyu, kuti ndirege kukuitirai zvakaipa.

7 Asi hamuna kunditeerera, anoreva Jehovha, kuti munditsamwise nemabasa emaoko enyu, muitirwe zvakaipa.

8 Naizvozvo, anoreva seizvi Jehovha wehondo: Zvamusina kunzwa mashoko angu,

9 tarirai, ndichatuma, ndiuise marudzi ose ekumaodzanyemba, anoreva Jehovha, nekuna Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, muranda wangu, ndivauise pamusoro penyika iyi, nepamusoro pevageremo, nepamusoro pemarudzi awa ose akaipoteredza; ndichavaparadza chose, nekuvaita chishamiso nechinoridzirwa muridzo, nematongo nekusingaperi.

10 Ndichaparadzawo kwavari inzwi rekuseka, nenzwi rekufara, inzwi rechikomba, nenzwi remwenga, inzwi remakuyo, nechiedza chemwenje.

11 Uye nyika iyi yose richava dongo, chishamiso; uye marudzi awa achabatira mambo weBhabhironi makore makumi manomwe.

12 Zvino zvichaitika kana makore makumi manomwe apera, anoreva Jehovha, ndicharova mambo weBhabhironi nerudzi urwo pamusoro pezvakaipa zvavo, nenyika yevaKaradhiya; uye ndichaiita matongo nekusingaperi.

13 Uye ndichauisa pamusoro penyika iyo mashoko angu ose andakataura pamusoro payo, zvose zvakanyorwa mubhuku iri, Jeremiya zvaakaporofita pamusoro pemarudzi ose.

14 Nokuti marudzi mazhinji nemadzimambo makuru vachavasunga ivo vamene vave varanda; uye ndichavaripira zvakaenzana nekubata kwavo nezvakaenzana nebasa remaoko avo.

15 Nokuti anoreva seizvi Jehovha Mwari waIsraeri kwandiri: Tora mukombe wewaini yekutsamwa uku paruoko rwangu, uinwise marudzi ose andinokutumira kwaari.

16 Zvino vachanwa, ndokudzedzereswa ndokupenga, nekuda kwemunondo wandichatuma pakati pavo.

17 Ipapo ndakatora mukombe paruoko rwaJehovha, ndikanwisa marudzi ose Jehovha aakandituma kwaari;

18 Jerusarema, nemaguta aJudha, nemadzimambo awo, machinda awo, kuvaita matongo, chishamiso, chinhu chinoridzirwa muridzo, nechakatukwa, sepazuva rino;

19 Farao mambo weEgipita, nevaranda vake, nemachinda ake, nevanhu vake vose;

20 nemarudzi ose akavhengana, nemadzimambo ose enyika yeUzi, nemadzimambo ose enyika yevaFirisitia, neAshikeroni, neGaza, neEkironi, nevakasara veAshidhodhi;

21 Edhomu, naMoabhu, nevana vaAmoni;

22 nemadzimambo ose eTire, nemadzimambo ose eSidhoni, nemadzimambo echiwi chiri mhiri kwegungwa;

23 neDhedhani, neTema, neBhuzi, nevose vakaveurwa kumakona;

24 nemadzimambo ose eArabhiya, nemadzimambo ose emarudzi akavhengana vanogara murenje;

25 nemadzimambo ose eZimiri, nemadzimambo ose eEramu, nemadzimambo ose eMedhi;

26 nemadzimambo ose ekumaodzanyemba, vepedo nevekure, umwe neumwe, neushe hwose hwenyika huri pachiso chenyika; namambo weSheshaki achanwa shure kwavo.

27 Zvino iwe uchati kwavari: Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Inwai, uye dhakwai, uye murutse, uye muwe, mugosamukazve, nekuda kwemunondo wandinotuma pakati penyu.

28 Zvino zvichaitika kana vachiramba kutora mukombe paruoko rwako kuti vanwe, ipapo uchati kwavari: Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Muchanwa zvirokwazvo!

29 Nokuti tarira, ndinotanga kuunza chakaipa paguta rinodanwa nezita rangu, zvino imwi mungava vasina mhosva zvirokwazvo here? Imwi hamungavi vasina mhosva. Nokuti ndichadanira munondo pamusoro pevagari vose vepanyika, anoreva Jehovha wehondo.

30 Naizvozvo iwe uvaporofitire mashoko awa ose, uye uti kwavari: Jehovha achaomba kubva kumusoro, achabudisa inzwi rake ari paugaro hwake utsvene; achaombera zvikuru pamusoro pemafuro ake; achapangura mhururu sevanotsika mazambiringa kurwisa vagari vose vepanyika.

31 Ruzha rwuchasvika kumugumo wenyika, nokuti Jehovha ane kupokana nemarudzi, achatongesa nyama yose; achavapa vakaipa kumunondo, anoreva Jehovha.

32 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Tarira, chakaipa chichabuda kubva kurudzi kuenda kurudzi, uye chamupupuri chikuru chichamutswa kubva kumacheto enyika.

33 Uye vakaurawa pazuva iro vachabva kune rumwe rutivi kusvika kune rumwe rutivi rwenyika; havangachemwi uye havangaunganidzwi uye havangavigwi; vachava mupfudze pamusoro pechiso chenyika.

34 Ungudzai, imwi vafudzi, uye chemai muzviumburudze, imwi vakuru vemapoka, nokuti mazuva ekuurawa kwenyu nekuparadzirwa kwenyu azadziswa, uye muchawa semudziyo unodikanwa.

35 Matiziro achapera kuvafudzi, nekupukunyuka kuvakuru veboka.

36Kuchava neinzwi rekuchema revafudzi, nekurira kwevakuru veboka, nokuti Jehovha waparadza mafuro avo.

37 Zvino mafuro erugare achaparadzwa nekuda kwekupfuta kwehasha dzaJehovha.

38 Wakasiya gara rake seshumba; nokuti nyika yavo yava dongo nekuda kwekutyisa kwemumanikidzi, uye nekuda kwekutsamwa kwake kunotyisa.