ShonaTeam Jeremiah « 24 »

Mufananidzo wemuonde wakanaka nemuonde wakaipa

24Jehovha wakandiratidza, zvino tarira, matengu maviri emaonde akaiswa pamberi petembere yaJehovha, shure kwekunge Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi atapa Jekoniya mwanakomana waJehoyakimu, mambo waJudha, nemachinda aJudha, nevavezi, nevapfuri, paJerusarema, akavaisa kuBhabhironi.

2 Imwe tswanda yaiva nemaonde akanaka kwazvo, semaonde anotanga kuibva; asi imwe tswanda yaiva nemaonde akaipa kwazvo, asingadyiki nekuda kwekuipa.

3 Ipapo Jehovha wakati kwandiri: Unoonei Jeremiya? Ini ndokuti: Maonde; maonde akanaka, akanaka kwazvo, neakaipa, akaipa kwazvo, asingadyiki nekuda kwekuipa.

4 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri zvekare richiti:

5 Anoreva seizvi Jehovha, Mwari waIsraeri: Sezvakaita maonde awa akanaka, saizvozvo ndicharangarira vatapwa vaJudha, vandakatuma vabve panzvimbo ino vaende kunyika yevaKaradhiya, zvive zvakanaka.

6 Nokuti ndichaisa ziso rangu pamusoro pavo pane zvakanaka, uye ndichavadzosa kunyika iyi, uye ndichavavaka, uye kwete kuvakoromora, uye ndichavasima, uye kwete kuvadzura.

7 Zvino ndichavapa moyo wekundiziva, kuti ndiri Jehovha; uye vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo; nokuti vachadzokera kwandiri nemoyo wavo wose.

8 Uye semaonde akaipa, asingadyiki nekuda kwekuipa, zvirokwazvo, anoreva seizvi Jehovha, saizvozvo ndichapa Zedhekia mambo waJudha, nemachinda ake, nevakasara veJerusarema, vakasara panyika ino, nevagere panyika yeEgipita.

9 Zvino ndichavapa kuti vave chityiso paushe hwose hwepanyika, kuvarwadzisa, chishoorwa, neshumo, chiseko, nechakatukwa, panzvimbo dzose pandichavadzingira.

10 Zvino ndichatuma pakati pavo munondo, nzara, nehosha, kusvika vapera munyika yandakavapa ivo nemadzibaba avo.