ShonaTeam Jeremiah « 22 »

Mambo waJudha anonyeverwa

22Anoreva seizvi Jehovha: Burukira kuimba yamambo waJudha, ugonotaurako shoko iri.

2 Zvino uti: Inzwa shoko raJehovha, iwe mambo waJudha, ugere pamusoro pechigaro cheushe chaDhavhidhi, iwe nevaranda vako nevanhu vako vanopinda nepamasuwo awa.

3 Anoreva seizvi Jehovha: Itai mutongo nekururamisa, uye nunurai wakatapwa kubva muruoko rwemumanikidzi, uye musaita chakaipa, musaitira mhirizhonga mutorwa, nherera, kana chirikadzi, uye musateura ropa risina mhosva panzvimbo iyi.

4 Nokuti kana muchiita chinhu ichi zvirokwazvo, ipapo pachapinda nepamasuwo eimba iyi madzimambo anogarira Dhavhidhi pachigaro chake cheushe, vakatasva dzingoro nemabhiza, iye nevaranda vake nevanhu vake.

5 Asi kana musingateereri mashoko awa, ndinopika neni, anoreva Jehovha, kuti imba iyi ichava dongo.

6 Nokuti anoreva seizvi Jehovha maererano neimba yamambo waJudha: Iwe Giriyadhi kwandiri, musoro weRebhanoni; zvirokwazvo ndichakuita renje, maguta asingagarwi.

7 Nokuti ndichakugadzirira vaparadzi, umwe neumwe ane zvombo zvake; uye vachatema misidhari yako yakasarudzwa, ndokukandira mumoto.

8 Zvino marudzi mazhinji achapfuura paguta iri, zvino achati, umwe neumwe kune wekwake: Jehovha wakaitirei zvakadai kuguta iri guru?

9 Ipapo vachati: Nokuti vakasiya sungano yaJehovha, Mwari wavo, ndokunamata vamwe vamwari, nekuvashumira.

10 Musachema wakafa, uye musamuungudzira; chemerai zvinorwadza uyo anoenda, nokuti haachadzokizve, kana kuzoona nyika yechizvarigo chake.

11 Nokuti anoreva seizvi Jehovha maererano naSharumi mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, wakatonga pachinzvimbo chaJosiya baba vake, wakabuda panzvimbo iyi: Haachazodzokizve pano;

12 asi achafira kunzvimbo kwavakamutapira, uye haachazoonizve nyika iyi.

13 Nhamo kune anovaka imba yake nekusarurama, nemakamuri ake ekumusoro nekusaruramisira, achishandisa simba rewekwake pasina mubairo, uye asingamupi mubairo wake;

14 anoti: Ndichazvivakira imba hurusa nemakamuri ekumusoro akafaranuka, achizvitemera mahwindo; ndokufukidzwa nemusidhari, nekudzurwa nezvitsvuku.

15 Uchatonga here, nokuti unopisa hasha mumusidhari here? Baba vako havana kudya nekunwa here, ndokuita mutongo nekururamisira, ipapo zvikavanakira?

16 Vaitonga nyaya yemurombo neanoshaiwa, ipapo zvikava zvakanaka. Uku kwaiva kusiri kundiziva here? anoreva Jehovha.

17 Asi meso ako nemoyo wako hazvisi pane zvimwe kunze kwepakuchiva kwako, nepakuteura ropa risina mhosva, nepakumanikidza, nepamhirizhonga, kuzviita.

18 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha maererano naJehoyakimu mwanakomana waJosiya, mambo waJudha: Havangamuchemi vachiti: Haiwa, munin'ina wangu! Kana: Haiwa, hanzvadzi! Havangamuchemi vachiti: Haiwa, ishe! Kana: Haiwa, ukuru hwake!

19 Achavigwa sekuvigwa kwembongoro, achakweverwa nekurasiwa kunze kwemasuwo eJerusarema.

20 Kwira kuRebhanoni, uye danidzira; uye simudza inzwi rako muBhashani; uye danidzira uri paAbharimi; nokuti vadikanwi vako vose vaparadzwa.

21 Ndakataura newe pakutambarara kwako; wakati: Haudi kunzwa. Iyi yakava tsika yako kubva paudiki hwako, kuti hauna kuteerera kuinzwi rangu.

22 Mhepo ichadya vafudzi vako vose, nevadikanwi vako vachaenda muutapwa; zvirokwazvo ipapo uchanyadziswa nekukanganiswa nekuda kweuipi hwako hwose.

23 Iwe, mugari wemuRebhanoni, unoita dendere rako mumisidhari, uchanzwisa tsitsi sei kana marwadzo achisvika pamusoro pako, kurwadziwa kwakaita semukadzi ari kusununguka!

24Neupenyu hwangu, anoreva Jehovha, kunyange Konia mwanakomana waJehoyakimu mambo waJudha aiva chidhindo paruoko rwangu rwerudyi, zvakadaro ndaikubvarura ipapo.

25 Zvino ndichakupa muruoko rwevanotsvaka upenyu hwako, nemuruoko rwevechiso chaunotya, imo muruoko rwaNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, nemuruoko rwevaKaradhiya.

26 Zvino ndichakukandira kunze, pamwe namai vako vakakubereka, mune imwe nyika, mausina kuberekerwa, uye muchafirapo.

27 Asi kunyika yavanosimudzira moyo kudzokerako, havangadzokeriko.

28 Munhu uyu Konia chifananidzo chinozvidzwa chakaputsika here? Mudziyo usingafadzi here? Vakakandirwei panze, iye nechizvarwa chake, uye vakandirwa panyika yavasingazivi?

29 Nyika, nyika, nyika, inzwa inzwi raJehovha.

30 Anoreva seizvi Jehovha: Nyora munhu uyu kuti haana vana, murume asingazobudiriri pamazuva ake, nokuti hakuna munhu wechizvarwa chake achabudirira, agere pachigaro cheushe chaDhavhidhi, achiri kutonga kwaJudha.