ShonaTeam Jeremiah « 21 »

Jeremiya anoporofita kuti Jerusarema richaparadzwa

21Shoko rakasvika kuna Jeremiya kubva kuna Jehovha, mambo Zedhekia paakatuma kwaari Pashuri mwanakomana waMarikija, naZefaniya mwanakomana waMaaseya mupristi, achiti:

2 Tibvunzire hako kuna Jehovha, nokuti Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi ari kurwa nesu; zvimwe Jehovha angatiitira zvinoenderana nemabasa ake anoshamisa, kuti akwire kubva kwatiri.

3 Zvino Jeremiya wakati kwavari: Muchareva seizvi kuna Zedhekia:

4 Anoreva seizvi Jehovha Mwari waIsraeri: Tarirai, ndichashandura zvombo zvehondo zviri muruoko rwenyu, zvamunorwisa nazvo mambo weBhabhironi nevaKaradhiya vanokukombai kunze kwerusvingo; uye ndichavaunganidza pakati peguta iri.

5 Zvino ini ndichakurwisa neruoko rwakatandavadzwa, uye nechanza chine simba, uye mukutsamwa nemukupfuta uye nehasha huru.

6 Zvino ndicharova vagari vemuguta iri, munhu pamwe nechipfuwo; vachafa nekuda kwedenda guru.

7 Zvino pashure peizvi, anoreva Jehovha, ndichapa Zedhekia mambo waJudha, nevaranda vake, nevanhu, nevakasara muguta iri padenda, pamunondo, nepanzara, muruoko rwaNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, nemuruoko rwevavengi vavo, nemuruoko rweavo vanotsvaka upenyu hwavo; uye achavarova nekwakapinza kwemunondo; haangavaregi, uye haangavanzwiri tsitsi, uye haangavanzwiri ngoni.

8 Zvino uchati kuvanhu ava: Anoreva seizvi Jehovha: Tarira, ndakaisa pamberi pako nzira yeupenyu nenzira yerufu.

9 Anosara muguta iri achafa nemunondo, uye nenzara, uye nedenda; asi anobuda ndokuwira kuvaKaradhiya vanokukombai, achararama, neupenyu hwake huchava chakapambiwa kwaari.

10 Nokuti ndakaisa chiso changu kurwisana neguta iri nechakaipa, uye kwete nechakanaka, anoreva Jehovha; richapiwa muruoko rwamambo weBhabhironi, uye acharipisa nemoto.

11 Zvino maererano neimba yamambo waJudha, inzwai shoko raJehovha.

12 Imwi imba yaDhavhidhi, anoreva seizvi Jehovha: Tongai mutongo mangwanani, uye nunurai wakatapwa kubva muruoko rwemumanikidzi, zvimwe kupfuta kwangu kungabuda semoto ndokupisa zvekuti hapana angadzima nekuda kwekuipa kwezviito zvenyu.

13 Tarira, ndinorwisana newe, iwe mugarikadzi wemumupata, dombo remubani, anoreva Jehovha; imwi munoti: Ndiyani achaburuka kutirwisa? Kana ndiyani angapinda panzvimbo dzedu dzekugara?

14 Asi ndichakurangai zvichienderana nezvibereko zvezviito zvenyu, anoreva Jehovha; uye ndichabatidza moto musango raro, uye uchapedza zvinhu zvose zvakaupoteredza.