ShonaTeam Jeremiah « 20 »

Jeremiya anosungwa nekurohwa nemupristi Pashuri

20Zvino Pashuri mwanakomana waImeri mupristi, waivawo mutariri mukuru muimba yaJehovha, wakanzwa Jeremiya achiporofita zvinhu izvi.

2 Ipapo Pashuri wakarova muporofita Jeremiya, ndokumuisa mumatanda aiva pasuwo rekumusoro raBhenjamini, raiva muimba yaJehovha.

3 Zvino zvakaitika chifume kuti Pashuri wakabudisa Jeremiya kubva mumatanda. Jeremiya ndokuti kwaari: Jehovha haana kukutumidza zita rako Pashuri, asi Magori-Misabhibhi.

4 Nokuti anoreva seizvi Jehovha: Tarira, ndichakuita chinhu chinotyisa kwauri pachako, nekushamwari dzako dzose; uye vachawa nemunondo wevavengi vavo, uye meso ako achaona; uye ndichapa Judha wose muruoko rwamambo weBhabhironi, uye iye achavatapira kuBhabhironi, nekuvauraya nemunondo.

5 Uye ndichaisa fuma yose yeguta iri, nebasa raro rose, nezvinokosha zvaro zvose, nenhumbi dzose dzemadzimambo eJudha, ndichapa muruoko rwevavengi vavo; ivo vachavapamba ndokuvatora ndokuvauisa kuBhabhironi.

6 Newe Pashuri, nevose vagari veimba yako, muchaenda muutapwa; uye uchauya kuBhabhironi, ndokufako, ndokuvigwako, iwe neshamwari dzako dzose vawakaporofitera nhema.

7 Jehovha, makandigombedzera, zvino ndakagombedzereka; mune simba paneni, makakunda; ndiri mukusekwa zuva rose; umwe neumwe anondinyomba.

8 Nokuti pose pandinotaura, ndinochema, ndinodanidzira mhirizhonga nemharadzo, nokuti shoko raJehovha rakaitwa chinoshoorwa kwandiri, nechiseko zuva rose.

9 Zvino ndakati: Handichamurangariri, uye handichataurizve muzita rake. Asi mumoyo mangu maiva semoto unopfuta wakapfigirwa mumapfupa angu, uye ndaiva ndaneta nekuzvidzora, uye ndaiva ndisingagoni.

10 Nokuti ndakanzwa kunyeya kwevazhinji, kutya kumativi ose, vachiti: Revai, nesu tichazvireva. Vose vane rugare neni vakarindira kugumburwa kwangu, vachiti: Zvimwe achakwezvewa, tigomukunda, uye tichatsiva tsvivo yedu kwaari.

11 Asi Jehovha aneni semhare inotyisa; naizvozvo vadzingiriri vangu vachagumburwa, uye havangakundi; vachanyadziswa kwazvo, nokuti havangabudiriri; chinyadzo chekusingaperi chisingazokanganikwi.

12 Asi imwi Jehovha wehondo, munoedza wakarurama, munoona itsvo nemoyo, ngandione tsivo yenyu kwavari; nokuti ndakazarura nyaya yangu kwamuri.

13 Imbirai Jehovha, rumbidzai Jehovha; nokuti wakanunura mweya weupenyu weanoshaiwa kubva paruoko rwevaiti vezvakaipa.

14 Ngaritukwe zuva randakaberekwa naro; zuva mai vangu ravakandibereka naro ngarirege kuropafadzwa.

15 Ngaatukwe munhu anouisa mashoko kuna baba vangu, achiti: Waberekerwa mwanakomana; achivafadza kwazvo.

16 Zvino munhu uyo ngaave semaguta Jehovha aakapidigura, akasazvidemba; uye ngaanzwe kuchema mangwanani nekudanidzira pamasikati makuru.

17 Nokuti haana kundiuraya kubva muchizvaro, namai vangu vakava guva rangu kwandiri, nechizvaro chake chirambe chakazvitakura.

18 Ndakabudireiko pachizvaro, kuti ndione kutambudzika nekuchema, kuti mazuva angu apere pakunyadziswa?