ShonaTeam Jeremiah « 19 »

Chirongo chakaputsika

19Anoreva seizvi Jehovha: Enda unotenga chirongo chakaumbwa chemuumbi wehari, uye kubva kuvakuru vevanhu, uye kubva kuvakuru vevapristi.

2 Zvino ubude uende kumupata wemwanakomana waHinomi, uri pakupinda pasuwo rezvaenga zvehari, zvino uparidzirepo mashoko andichakuudza.

3 Uye uti: Inzwai shoko raJehovha, imwi madzimambo aJudha nevagari veJerusarema. Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Tarirai, ndichauisa chakaipa pamusoro penzvimbo ino, zvekuti nzeve dzeupi neupi anochinzwa dzichaunga.

4 Nokuti vakandisiya, vakaita nzvimbo iyi ive yevemarudzi, uye vakapisirapo zvipfungaidzo zvinonhuhwira kune vamwe vamwari, vavasina kuziva, ivo, nemadzibaba avo, nemadzimambo aJudha; uye vakazadza nzvimbo ino neropa revasina mhosva.

5 Vakavakawo nzvimbo dzakakwirira dzaBhaari, kuti vapise vanakomana vavo nemoto, kuva zvipo zvinopiswa kuna Bhaari; zvandisina kuraira, zvandisina kutaura, zvisina kupinda mumoyo mangu.

6 Naizvozvo tarirai, mazuva anouya, anoreva Jehovha, apo nzvimbo ino paisingazonzi Tofeti, kana Mupata wemwanakomana waHinomi, asi Mupata weKuurawa.

7 Zvino ndichaparadza zano raJudha neJerusarema panzvimbo iyi; uye ndichavawisisa nemunondo pamberi pevavengi vavo, uye neruoko rwevanotsvaka upenyu hwavo, uye zvitunha zvavo ndichazvipa zvive kudya kweshiri dzekumatenga nekwemhuka dzepanyika.

8 Zvino ndichaita guta iri dongo nechinoridzirwa muridzo; umwe neumwe anopfuura nemariri achashamiswa agoridza muridzo nekuda kwematambudziko aro ose.

9 Zvino ndichavadyisa nyama yevanakomana vavo, nenyama yevakunda vavo, uye vachadya umwe neumwe nyama yeshamwari yake, pakukombwa nepakumanikidzwa, apo vavengi vavo, ivo vanotsvaka upenyu hwavo pavachavamanikidza.

10 Ipapo uchaputsa chirongo pamberi pevarume vakaenda newe.

11 Zvino uchati kwavari: Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Saizvozvo ndichaputsa vanhu ava neguta iri, seanoputsa mudziyo wemuumbi, usingazogoni kugadzirwazve; zvino vachaviga vakafa paTofeti, nokuti hakuchazovi nenzvimbo yekuviga.

12 Ndichaitira nzvimbo iyi seizvi, anoreva Jehovha, nekuvagari vayo, nekuita guta iri seTofeti.

13 Zvino dzimba dzeJerusarema nedzimba dzemadzimambo aJudha dzakasvibiswa senzvimbo yeTofeti, nekuda kwedzimba dzose dzavakapisira zvipfungaidzo zvinonhuhwira pamusoro pematenga adzo kuhondo yose yekumatenga, nekudururira vamwe vamwari zvipo zvinodururwa.

14 Ipapo wakauya Jeremiya kubva kuTofeti, iko Jehovha kwaaiva amutuma kunoporofita, ndokumira pachivanze cheimba yaJehovha, ndokuti kuvanhu vose:

15 Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Tarirai, ndichauisa pamusoro peguta rino nepamusoro pemisha yaro yose chakaipa chose chandakataura pamusoro paro; nokuti vakaomesa mutsipa wavo, kuti varege kunzwa mashoko angu.