ShonaTeam Jeremiah « 18 »

Shoko remuumbi

18Shoko rakasvika kuna Jeremiya kubva kuna Jehovha, richiti:

2 Simuka, uburukire kuimba yemuumbi; zvino ipapo ndichakunzwisa mashoko angu.

3 Zvino ndakaburukira kuimba yemuumbi; zvino tarira, waiita basa pamavhiri.

4 Zvino mudziyo waaiita nevhu waiva washatiswa muruoko rwemuumbi; zvino akaitazve nayo umwe mudziyo, sezvaiva zvakarurama pameso emuumbi kuita.

5 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

6 Imba yaIsraeri, handingaiiti kwamuri sezvaita muumbi uyu here? anoreva Jehovha. Tarira, seivhu riri muruoko rwemuumbi, makadaro imwi muruoko rwangu, imwi imba yaIsraeri.

7Nechinguvana ndichataura maererano nerudzi, uye maererano neushe, kudzura, nekuputsa, nekuparadza;

8 kana rudzi urwo, rwandataura kururwisa, rwukatendeuka pauipi hwarwo, ndichazvidemba pamusoro pechakaipa chandinofunga kuita kwarwuri.

9 Uye nechinguvana ndichataura maererano nerudzi, uye maererano neushe, kuvaka nekurwusima.

10 Kana rwukaita chakaipa pameso angu, kuti rwusateerera kuinzwi rangu, ipapo ndichazvidemba pane zvakanaka zvandakareva kurwuitira zvakanaka.

11 Naizvozvo ikozvino, taura hako kuvanhu vaJudha nekuvagari veJerusarema, uti: Anoreva seizvi Jehovha: Tarira, ndinokuvakira zvakaipa, ndinokurongera zano; dzokai ikozvino umwe neumwe panzira yake yakaipa, uye muite nzira dzenyu nezviito zvenyu zvive zvakanaka.

12 Asi ivo vakati: Hapana tariro; asi tichafamba tichitevera mazano edu, uye tichaita umwe neumwe murangariro wemoyo wake wakaipa.

13 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha: Bvunzai zvino pakati pevahedheni: Ndiyani wakambonzwa zvinhu zvakadaro? Mhandara yekwaIsraeri yakaita chinhu chinotyisa zvikuru.

14Munhu angasiya magada echando eRebhanoni anobva paibwe remusango here? Mvura zhinji isingazikanwi inotonhora inoyerera ichibva kumwe ingasiiwa here?

15 Nokuti vanhu vangu vakandikanganwa, vakapisira vamwari venhema zvipfungaidzo zvinonhuhwira; uye vakazvigumbusa panzira dzavo, makwara ekare, kuti vafambe mumakwara, nzira isina kusimudzirwa.

16 Kuti vaite nyika yavo dongo, kuridzirwa murudzo nekusingaperi; umwe neumwe unopfuurapo achashamiswa, uye achadzungudza musoro wake.

17 Ndichavaparadzira semhepo yekumabvazuva pamberi pemuvengi; ndichavaratidza musana, uye kwete chiso, pazuva redambudziko ravo.

18 Zvino vakati: Uyai, timurangane mazano Jeremiya; nokuti murairo haungaparari kubva kumupristi, nekuraira kubva kune vakachenjera, kana shoko kubva kumuporofita. Uyai ngatimurove nerurimi, uye ngatisateerera kune ripi neripi remashoko ake.

19 Ndirangarirei Jehovha, zvino muteerere kuinzwi revanondikakavadza.

20 Chakaipa chinotsiviwa pachinzvimbo chechakanaka here? Nokuti vacherera mweya weupenyu wangu gomba. Rangarirai kuti ndakamira pamberi penyu kutaura zvakanaka pamusoro pavo, kuti mutsause kutsamwa kwenyu kubva kwavari.

21 Naizvozvo ipai vana vavo kunzara, uye mudurure ropa ravo nesimba remunondo, uye vakadzi vavo ngavafirwe nevana vavo, uye vave chirikadzi, uye varume vavo ngavaurawe norufu, majaya avo acharohwa nemunondo pahondo.

22 Kuchema ngakunzwikwe kubva padzimba dzavo, pamuchauisa pakarepo boka revarwi pamusoro pavo, nokuti vakachera gomba kunditora, nekuvanzira tsoka dzangu misungo.

23 Zvakadaro imwi Jehovha munoziva zano ravo rose vachindirwisa kundiuraya; musaregerera kuipa kwavo, uye musadzima chivi chavo kubva pachiso chenyu, asi ngavapidigurwe pamberi penyu; batai navo panguva yekutsamwa kwenyu.