ShonaTeam Jeremiah « 17 »

17Chivi chaJudha chakanyorwa nepeni yedare, nekwakapinza kwedhaimani; chakavezerwa pahwendefa yemoyo yavo, nepanyanga dzemaaritari enyu;

2 vana vavo vachiri kurangarira maaritari avo nematanda avo ekunamata nawo pamiti mitema pamidunduru yakakwirira.

3 Iwe gomo rangu musango, ndichapa fuma yako nezvinokosha zvako zvose kukutapwa, nzvimbo dzako dzakakwirira nekuda kwechivi kumiganhu yako yose.

4 Newe, iwe pachako, ucharega nhaka yako yandakakupa, uye ndichakuita ushandire vavengi vako munyika yausingazivi; nokuti imwi makabatidza moto pakutsamwa kwangu; uchapfuta kusvika rinhi narinhi.

5 Anoreva seizvi Jehovha: Wakatukwa murume anovimba nemunhu, uye anoita nyama ive simba rake, uye ane moyo unotsauka kubva pana Jehovha.

6 Nokuti achava segwenzi murenje, risingaoni kana chakanaka chichisvika, asi achagara nzvimbo dzakaoma murenje, munyika yemunyu isingagarwi.

7 Wakaropafadzwa murume anovimba naJehovha, uye chivimbo chake chiri Jehovha.

8 Nokuti achava semuti wakasimwa pamvura zhinji, uye unotandavadzira midzi yawo kurwizi, usingatyi panosvika kupisa, asi mashizha awo achava matema; uye haungarangariri pagore rekutsva, uye hauregi kubereka muchero.

9 Moyo unonyengera kupfuura zvose, uye wakaora chose; ndiani angauziva?

10 Ini Jehovha ndinonzvera moyo, ndinoidza itsvo, iko kupa umwe neumwe zvinoenderana nenzira dzake, zvinoenderana nechibereko chezviito zvake.

11Segwari rinogarira mazai risingachochonyi, wakadaro anounganidza fuma asi kwete mukururama; achaisiya pahafu yemazuva ake, uye pakuguma kwake achava benzi.

12 Chigaro cheushe chinobwinya chiri pakakwirira kubva pakutanga, inzvimbo yeimba yedu tsvene.

13 Jehovha, tariro yaIsraeri, vose vanokusiyai vachanyadziswa; uye vanobva pandiri vachanyorwa muvhu; nokuti vakasiya Jehovha, chitubu chemvura zhinji mhenyu.

14 Ndiporesei Jehovha, zvino ndichaporeswa; ndiponesei, zvino ndichaponeswa; nokuti muri rumbidzo yangu.

15 Tarira, vanoti kwandiri: Shoko raJehovha riripi? Ngariuye ikozvino.

16 Kana ndiri ini, handina kukurumidza kuti ndisava mufudzi shure kwako, uye handina kushuva zuva renjodzi, imwi munoziva; zvakabuda mumuromo mangu zvaiva pamberi penyu.

17 Rega kuva chityiso kwandiri; imwi muri utiziro hwangu pazuva rechakaipa.

18 Ngavanyare vanondidzingirira, asi ini ngandirege kunyara; ivo ngavavhunduswe, asi ini ndirege kuvhunduswa; uisai pamusoro pavo zuva rechakaipa, uye muvaparadze nekuparadza kwakapetwa kaviri.

Kuchengeta Sabata

19 Anoreva seizvi Jehovha kwandiri: Enda unomira pasuwo revana vevanhu, panopinda napo madzimambo aJudha, nepavanobuda napo, nepamasuwo ose eJerusarema;

20 zvino uti kwavari: Inzwai shoko raJehovha, imwi madzimambo aJudha, naJudha wose, nevagari vose veJerusarema, vanopinda nepamasuwo awa.

21 Anoreva seizvi Jehovha: Zvichenjerei, zvino musatakura mutoro nezuva resabata, kana kuupinza nepamasuwo eJerusarema.

22 Uye musabudisa mutoro padzimba dzenyu nezuva resabata, uye musaita basa ripi neripi; asi itai zuva resabata rive dzvene, sezvandakaraira madzibaba enyu.

23 Asi havana kuteerera, uye havana kurerekera nzeve yavo; asi vakaomesa mutsipa wavo kuti varege kunzwa, uye kuti varege kugamuchira kurairwa.

24 Zvino zvichaitika, kana mukanditeerera nekushingaira, anoreva Jehovha, kuti musapinza mutoro nepamasuwo eguta rino nezuva resabata, asi mukaita zuva resabata rive dzvene, kuti musaita basa ripi neripi mariri;

25 ipapo pachapinda pamasuwo eguta rino madzimambo nemachinda anogara pachigaro cheushe chaDhavhidhi, vakatasva ngoro nemabhiza, ivo nemachinda avo, varume vaJudha, nevagari veJerusarema; uye guta rino richagara nekusingaperi.

26 Uye vachauya kubva kumaguta aJudha, nekunzvimbo dzakapoteredza Jerusarema, nepanyika yaBhenjamini, nepamapani, nepamakomo, nekuchamhembe, vachiunza chipo chinopiswa, nechibairo, nechipo cheupfu, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira, uye vachiunza chibairo chekuvonga kuimba yaJehovha.

27 Asi kana mukasanditeerera, kuita zuva resabata dzvene, kuti musatakura mutoro pamunopinda pamasuwo eJerusarema nezuva resabata, ipapo ndichabatidza moto pamasuwo aro, uye uchapedza mizinda yeJerusarema, uye haungadzimwi.