ShonaTeam Jeremiah « 16 »

Jehovha acharova vaJudha

16Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

2 Usazvitorera mukadzi, uye usava nevanakomana nevanasikana panzvimbo ino.

3 Nokuti anoreva seizvi Jehovha pamusoro pevanakomana nepamusoro pevanasikana vanoberekerwa panzvimbo ino, nepamusoro pana mai vavo vakavabereka, nepamusoro pemadzibaba avo akavabereka panyika ino:

4 Vachafa nerufu rukuru rwunorwadza; havangachemwi, uye havangavigwi, vachava semupfudze pamusoro pechiso chenyika; uye vachapedzwa nemunondo uye nenzara; nezvitunha zvavo zvichava zvekudya zveshiri dzekumatenga nezvemhuka dzenyika.

5 Nokuti anoreva seizvi Jehovha: Usapinda muimba yekuchema, uye usaenda kunoungudza, uye usavachema; nokuti ndabvisa rugare rwangu pavanhu ava, anoreva Jehovha, rudo rweunyoro, nenyasha huru.

6 Zvino vakuru nevadiki vachafa panyika ino, havangavigwi; uye havangavachemi, uye havangazviguri, uye havangazvivevuri nekuda kwavo.

7 Uye havangavaguriri chingwa pakuchema kwavo, kuvanyaradza pamusoro pewakafa; uye havangavapi mukombe wenyaradzo kuti vanwe nekuda kwababa vavo uye nekuda kwamai vavo.

8 Newe usapinda muimba yemabiko, kuti ugare navo kuti udye nekunwa.

9 Nokuti anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Tarirai, ndichagumisa panzvimbo ino, pameso penyu uye pamazuva enyu, inzwi remufaro, neinzwi rekupembera, inzwi rechikomba, neinzwi remwenga.

10 Zvino zvichaitika pauchaudza vanhu ava mashoko awa ose, zvino vachati kwauri: Sei Jehovha ataura chakaipa chose chikuru ichi kwatiri? Kana: Kuipa kwedu ndekupi? Kana: Chivi chedu chatakatadzira Jehovha Mwari wedu ndechipi?

11 Ipapo uchati kwavari: Nokuti madzibaba enyu akandisiya, anoreva Jehovha, uye vakafamba vachitevera vamwe vamwari, uye vakavashumira, uye vakavakotamira, ndokusiya ini, uye havana kuchengeta murairo wangu;

12 zvino imwi makaita zvakaipa kupfuura madzibaba enyu; nokuti tarirai, munofamba umwe neumwe achitevera ukukutu hwemoyo wake wakaipa, kuti asanditeerera.

13 Naizvozvo ndichakurasirai kunze kwenyika ino kuenda kunyika yamusingazivi, imwi nemadzibaba enyu; uye ikoko muchanoshumira vamwe vamwari masikati neusiku, kwandisingakunzwirii nyasha.

14 Naizvozvo tarirai, mazuva anouya, anoreva Jehovha, kuti hakuchazonzi: NaJehovha mupenyu, wakakwidza vana vaIsraeri kubva munyika yeEgipita;

15 asi: NaJehovha mupenyu, wakakwidza vana vaIsraeri kubva kunyika yekumaodzanyemba, uye kubva kunyika dzose kwaakanga avadzingira; nokuti ndichavadzosa kunyika yekwavo yandakapa madzibaba avo.

16 Tarirai, ndichatumira kunodana varedzi vazhinji vehove, anoreva Jehovha, zvino vachavaredza; uye shure kweizvozvo ndichatuma kuvavhimi vazhinji, zvino vachavavhima kubva pagomo ripi neripi uye kubva pachikomo chipi nechipi, uye kubva mumapako emabwe.

17 Nokuti meso angu ari pamusoro penzira dzavo dzose; hadzina kuvanzwa pachiso changu; nekuipa kwavo hakuna kuvigwa pameso angu.

18 Zvino kutanga ndichatsiva kuipa kwavo nechivi chavo kakapetwa kaviri, nokuti vakasvibisa nyika yangu; vakazadza nhaka yangu nezvitunha zvezvinosemesa nezvinyangadzo zvavo.

19 Imwi Jehovha, simba rangu, nenhare yangu, neutiziro hwangu pazuva rekutambudzika; marudzi achauya kwamuri kubva kumigumo yenyika, uye achati: Zvirokwazvo madzibaba edu akagara nhaka yenhema, zvisina maturo, musina batsiro mazviri.

20 Munhu ungazviitira vamwari vasati vari vamwari here?

21 Naizvozvo, tarirai, ndichavazivisa nenguva ino, ndichavazivisa ruoko rwangu nesimba rangu; zvino vachaziva kuti zita rangu ndiJehovha.