ShonaTeam Jeremiah « 15 »

15Zvino Jehovha wakati kwandiri: Kunyange kwanga kumire pamberi pangu Mozisi naSamueri, moyo wangu hausi kuvanhu ava; vadzinge pamberi pangu, uvarege vabude.

2 Zvino zvichaitika pavachati kwauri: Tichabuda tiendepi? Zvino uchavaudza kuti: Anoreva seizvi Jehovha: Vekufa vanoenda mukufa, uye vemunondo vanoenda kumunondo, uye venzara vanoenda kunzara, uye vekutapwa vanoenda kukutapwa.

3 Zvino ndichavatemera marudzi mana, anoreva Jehovha; munondo kuuraya, nembwa kukwekweredza, neshiri dzekumatenga nemhuka dzepanyika kudya nekuparadza.

4 Ndichavapa vave chinhu chinotyisa kuushe hwose hwepanyika, nekuda kwaManase, mwanakomana waHezekia, mambo waJudha, nekuda kwezvaakaita paJerusarema.

5 Nokuti ndiani uchakunzwira tsitsi, iwe Jerusarema? Uye ndiani achakuchema? Uye ndiani anotsauka kukubvunza mufaro?

6 Iwe wakandisiya, anoreva Jehovha, iwe wadzokera shure; naizvozvo ndichakutandavadzira ruoko rwangu, uye ndichakuparadza; ndaneta nekuzvidemba.

7 Zvino ndichavarudza nemusero pamasuwo epanyika; ndichavatorera vana, ndichaparadza vanhu vangu; havana kudzoka panzira dzavo.

8 Chirikadzi dzavo dzandiwandira kupfuura jecha remakungwa; ndakauisa pamusoro pavo, pamusoro pamai vejaya, muparadzi pamasikati makuru; ndakamuwisira pamusoro pavo kamwe-kamwe, guta nezvityiso.

9 Iye wakabereka vanomwe, wapera simba, wafema kwekupedzisira; zuva rake ravira achiri masikati; wakanyadziswa nekusvodeswa; zvino vakasara vavo ndichavapa kumunondo pamberi pevavengi vavo, anoreva Jehovha.

10 Nhamo kwandiri, mai vangu, zvamakandibereka, munhu wenharo nemunhu wegakava panyika yose! Handina kupa chikwereti chinobereka, uye havana kundikweretesa nezvibereko; umwe neumwe wavo anondituka.

11 Jehovha akati: Zvirokwazvo zvichanakira vakasara vako; zvirokwazvo ndichakukumbirira pamuvengi panguva yakaipa nepanguva yekutambudzika.

12 Dare ringavhuna here dare rekumaodzanyemba kana ndarira?

13 Fuma yako nezvinokosha zvako ndichazvipa kukutapwa pasina mutengo, uye nekuda kwezvivi zvako zvose, nekumiganhu yako yose.

14 Uye ndichakupfuudza pamwe nevavengi vako munyika yausingazivi; nokuti moto wakabatidzwa mukutsamwa kwangu; uchapfuta pamusoro penyu.

15 Jehovha, imwi munoziva; ndirangarirei, mundishanyire, munditsivire vadzingiriri vangu; musandibvisa pamoyo murefu wenyu; zivai kuti nekuda kwenyu ndakatakura kushoorwa.

16 Mashoko enyu akawanikwa, uye ndakaadya; uye shoko renyu rakava mufaro kwandiri nekufara kukuru kwemoyo wangu; nokuti zita renyu rakadanwa pamusoro pangu, imwi Jehovha, Mwari wehondo.

17 Handina kugara paungano yevaseki, kana kufara; ndakagara ndoga nekuda kweruoko rwenyu, nokuti makandizadza nekutsamwa.

18 Sei kurwadziwa kwangu kuripo nekusingaperi, nevanga rangu risingarapiki? Raramba kupora. Muchava kwandiri zvirokwazvo semurevi wenhema here, mvura isingavimbiki?

19 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha: Kana ukadzoka, ndichakudzosa, uchamira pamberi pangu; uye kana ukabvisa zvakakosha pane zvisina maturo, uchava semuromo wangu; ivo ngavadzokere kwauri, asi iwe usadzokera kwavari.

20 Nokuti ndichakuita rusvingo rwendarira rwakakombwa kuvanhu ava; uye vachakurwisa, asi havangakukundi, nokuti ndinewe kukuponesa nekukununura, anoreva Jehovha.

21 Uye ndichakununura kubva muruoko rwevakaipa, uye ndichakudzikinura kubva muchanza chevanotyisa.