ShonaTeam Jeremiah « 14 »

Shoko raJehovha pamusoro pekusanaya kwemvura

14Shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya maererano nenyaya dzenzara huru.

2 Judha anochema; nemasuwo ake anoshaiwa simba; akasviba kusvika muvhu; uye kuchema kweJerusarema kwakwira.

3 Zvino vakuru vavo vanotuma vadiki vavo kumvura; vanosvika kumadziva, havasi kuwana mvura, vanodzoka nezvirongo zvavo zvisina chinhu; vakanyara nekukanganiswa, uye vanofukidza musoro wavo.

4 Nokuti ivhu rakatsemuka, nokuti hakuna mvura panyika; varimi vanonyara, vanofukidza musoro wavo.

5 Zvirokwazvo, nondokadzi inoberekawo musango, ndokusiya, nokuti hakuna uswa.

6 Zvino mbizi dzinomira pamidunduru; dzinofembedza mhepo semabukanana; meso adzo aneta, nokuti hakuna uswa.

7 Kunyange zvivi zvedu zvichipupura kutipikisa, Jehovha, itai nekuda kwezita renyu; nokuti kudzokera-dzokera mashure kwedu kuzhinji; takakutadzirai.

8 Imwi Tariro yaIsraeri, Muponesi wake panguva yedambudziko, munoitirei semutorwa panyika, uye semufambi anotsaukira parutivi kuzorara usiku?

9 Munoitirei semunhu anovhunduka, seane simba asingagoni kuponesa? Zvakadaro imwi Jehovha muri pakati pedu, uye takatumidzwa nezita renyu; regai kutisiya.

10 Anoreva seizvi Jehovha pamusoro pevanhu ava: Saizvozvo vakada kudzungaira, havana kudzora tsoka dzavo; naizvozvo Jehovha haavafariri; ikozvino acharangarira zvakaipa zvavo, nekushanyira zvivi zvavo.

11 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Usanyengeterera vanhu ava zvive zvakanaka kwavari.

12 Pavanotsanya handinganzwi kuchema kwavo, uye pavanopa chipo chinopiswa nechipo chechidyiwa handingazvigamuchiri; asi ndichavapedza nemunondo uye nenzara uye nehosha.

13 Zvino ndakati: Haiwa, Ishe Jehovha, tarirai, vaporofita vanoti kwavari: Hamungaoni munondo, uye hamungavi nenzara; asi ndichakupai rugare rwechokwadi panzvimbo ino.

14 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Vaporofita vanoporofita nhema muzita rangu; handina kuvatuma, uye handina kuvaraira, uye handina kutaura kwavari; vanokuporofitirai chiratidzo chenhema, nekuuka, nezvisina maturo, nekunyengera kwemoyo wavo.

15 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha maererano nevaporofita vanoporofita muzita rangu, uye ini ndisina kuvatuma, zvakadaro vachiti: Munondo nenzara hazvingavi munyika ino: Nemunondo uye nenzara vaporofita avo vachapedzwa.

16 Nevanhu vavanoporofita vachakandwa munzira dzeJerusarema nekuda kwenzara nemunondo; uye havangavi neanovaviga, ivo, vakadzi vavo, nevanakomana vavo, nevakunda vavo; nokuti ndichadururira uipi hwavo pamusoro pavo.

17 Naizvozvo uchareva shoko iri kwavari: Meso angu ngaayerere misodzi siku nesikati, uye ngaarege kuguma, nokuti mhandara yemukunda wevanhu vangu yavhunika kuvhunika kukuru, warohwa chibhakera chinorwadza kwazvo.

18 Kana ndichibudira musango, zvino tarira vakaurawa nemunondo! Uye kana ndichipinda muguta, zvino tarira vanorwara nenzara! Nokuti vari vaviri muporofita nemupristi vanotenderera munyika asi vasingazivi.

19 Maramba Judha chose here? Mweya weupenyu wenyu wasema Ziyoni here? Matiroverei, uye pasina kurapika kwatiri? Takarindira rugare, asi hakuna chakanaka, nenguva yekurapiwa, asi tarirai, kuvhunduswa!

20 Jehovha, tinoziva uipi hwedu, kutadza kwemadzibaba edu; nokuti takakutadzirai.

21 Regai kutisema nekuda kwezita renyu; regai kushoora chigaro cheushe chekukudzwa kwenyu; rangarirai, musaputsa sungano yenyu nesu.

22 Chiripo here pane zvisina maturo zvevahedheni zvingauisa mvura? Kana matenga angapa kupfunha here? Hamusi imwi Jehovha Mwari wedu here? Naizvozvo ndicharindira kwamuri; nokuti ndimwi makaita zvinhu izvi zvose.