ShonaTeam Jeremiah « 13 »

Mufananidzo webhanhire

13Anoreva seizvi Jehovha kwandiri: Enda unozvitengera bhanhire remucheka, zvino uriise pachiuno chako, uye usariisa mumvura.

2 Zvino ndakatenga bhanhire zvichienderana neshoko raJehovha, ndokuriisa pachiuno changu.

3 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri rwechipiri, richiti:

4 Tora bhanhire rawatenga, riri pachiuno chako, ugosimuka uende kuFurati, zvino urivigepo mumukaha wedombo.

5 Zvino ndakaenda, ndikanoriviga pana Furati, Jehovha sezvaakandiraira.

6 Zvino zvakaitika shure kwemazuva mazhinji, kuti Jehovha wakati kwandiri: Simuka uende kuFurati, ugotorapo bhanhire randakakuraira kuti urivigepo.

7 Zvino ndakaenda kuFurati, ndokuchera, ndokutora bhanhire kubva panzvimbo pandaiva ndariviga; zvino tarira, bhanhire raiva raora, raiva risingabatsiri chinhu.

8 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

9 Anoreva seizvi Jehovha: Saizvozvo ndichaodza kuzvikudza kwaJudha nekuzvikudza kukuru kweJerusarema.

10 Vanhu ava vakaipa, vanoramba kunzwa mashoko angu, vanofamba muukukutu hwemoyo wavo, vakatevera vamwe vamwari kuvashumira nekuvanamata, vachava sebhanhire iri risingabatsiri chinhu.

11 Nokuti bhanhire sezvarinonamatira pachiuno chemunhu, saizvozvo ndaiva ndanamatidza imba yose yaIsraeri neimba yose yaJudha kwandiri, anoreva Jehovha, kuti kwandiri vave vanhu uye vave zita uye vave rumbidzo uye vave kubwinya; asi havana kuteerera.

12 Naizvozvo uchataura shoko iri kwavari: Anoreva seizvi Jehovha Mwari waIsraeri: Hombodo imwe neimwe ichazadzwa newaini. Zvino vachati kwauri: Zvirokwazvo hatizivi here kuti hombodo imwe neimwe ichazadzwa newaini?

13 Zvino uchati kwavari: Anoreva seizvi Jehovha: Tarira, ndichazadza nekudhakwa vagari vose venyika ino, nemadzishe agere pachigaro cheushe chaDhavhidhi, nevapristi, nevaporofita, nevagari vose veJerusarema.

14 Zvino ndichavagumhanisa umwe kune umwe, nemadzibaba nevanakomana pamwe chete, anoreva Jehovha; handinganzwiri tsitsi uye handingaregeri uye handingavi nengoni, kuti ndisavaparadza.

15 Inzwai, uye ipai nzeve, regai kuzvikudza, nokuti Jehovha wataura.

16 Ipai Jehovha Mwari wenyu rumbidzo, asati auisa rima, netsoka dzenyu dzisati dzagumburwa pamakomo erima; uye muchakarindira chiedza, asi achachiita kuva mumvuri werufu, achiite kuva rima gobvu.

17 Asi kana musingazvinzwi, mweya weupenyu wangu uchachema pakavanda nekuda kwekuzvikudza; zvino ziso rangu richachema zvinorwadza nekuyerera misodzi, nokuti boka raJehovha ratapwa.

18 Iti kuna mambo nekuna mambokadzi: Zvideredzei, garai pasi, nokuti zvishongo zvemisoro yenyu zvichawira pasi, korona yerukudzo rwenyu.

19 Maguta ekuchamhembe achavharwa, uye hakuna achazarura; Judha achatapwa, iye wose, achatapwa chose.

20 Simudza meso ako, zvino uchavaona vanobva kumaodzanyemba. Riripi boka rawapiwa, makwai ako akanaka?

21 Uchatii kana achiita murango pamusoro pako, nokuti iwe wakavadzidzisa kuti vave madzimambo, vave musoro pamusoro pako? Marwadzo haangakubati here semukadzi ari kusununguka?

22 Zvino kana ukati mumoyo mako: Sei izvi zvandiwira? Nekuda kweuwandu hwezvakaipa zvako nguvo dzako dzafukurwa, zvitsitsinho zvako zvabatwa nekumanikidza.

23 MuEtiyopiya angashandura ganda rake here, kana ingwe mavara ayo? Saizvozvo imwi munogona kuita zvakanaka, makadzidziswa kuita zvakaipa.

24 Naizvozvo ndichavaparadzira sehundi inopfuura iri mumhepo yerenje.

25 Uyu mujenya wako, mugove wezviyero zvako, kubva kwandiri, anoreva Jehovha, nokuti wakandikanganwa, ndokuvimba nenhema.

26 Naizvozvo neni ndichafukura nguvo dzako pamusoro pechiso chako, kuti kunyadzwa kwako kuonekere.

27 Ufeve hwako, nekupfeza kwako kukuru, kunyadza kweupombwe hwako pamidunduru musango; ndakaona zvinyangadzo zvako. Nhamo kwauri, Jerusarema! Ucharamba usina kuchena kusvika rinhi?