ShonaTeam Jeremiah « 12 »

12Imwi Jehovha, makarurama, pandinokakavadzana nemwi, zvakadaro ndichataura nemwi zvemitongo yenyu. Sei nzira dzevakaipa dzichibudirira, uye vagere zvakanaka vose vanonyengera nekunyengera?

2 Imwi makavasima, zvirokwazvo vanodzika midzi; vanofamba, zvirokwazvo vanobereka zvibereko; imwi muri pedo nemuromo wavo, asi muri kure neitsvo dzavo.

3 Asi imwi Jehovha munondiziva; makandiona, uye makaidza moyo wangu kwamuri; vadzurei semakwai ekubaiwa, uye muvatsaurire zuva rekubaiwa.

4 Nyika ichachema kusvika rinhi, nemiriwo yesango rose ichasvava? Nekuda kwekuipa kwevagari vayo, mhuka neshiri zvinoparara, nokuti vanoti: Haangaoni mugumo wedu.

5 Kana wakamhanya nevetsoka, vakakunetesa, zvino ungakwikwidzana nemabhiza sei? Kana uchivimba nenyika yerunyararo, uchaita sei pakukukumuka kweJoridhani?

6 Nokuti kunyange hama dzako neimba yababa vako, naivo vakaita nekunyengera kwauri; hongu, ivo vakadanidzira shure kwako zvakazara; usavavimba, kunyange vakataura zvakanaka kwauri.

Jehovha achatonga Judha nevavengi vavo

7 Ndasiya imba yangu, ndarasa nhaka yangu; ndapa mudikanwi wemweya weupenyu wangu muruoko rwevavengi vake.

8 Nhaka yangu yava kwandiri seshumba mudondo; yandibudisira inzwi rayo; naizvozvo ndakaivenga.

9 Nhaka yangu kwandiri igondo rine mavara here? Magora akaikomba kuirwisa. Uyai muunganidze zvikara zvose zvesango, muzviunze kuti zvidye.

10 Vafudzi vazhinji vakaparadza munda wangu wemizambiringa, vakatsika-tsika mugove wangu pasi petsoka dzavo, vakaita mugove wangu unofadza uve renje riri dongo.

11 Vakauita dongo; unochemera kwandiri uri dongo; nyika yose yakaitwa dongo, nokuti hakuna munhu anouisa pamoyo.

12 Vaparadzi vakasvika pamidunduru yose murenje; nokuti munondo waJehovha uchapedza kubva kumugumo wenyika kusvika kumugumo wenyika; hakuna nyama ichava nerugare.

13 Vakadzvara gorosi, asi vachakohwa minzwa; vakazvitambudza, asi havangavi nepundutso; uye muchanyara negoho guru renyu, nekuda kwekutsamwa kunopfuta kwaJehovha.

14 Anoreva seizvi Jehovha: Pamusoro pevekwangu vose vakaipa vanobata nhaka yandakagarisa vanhu vangu Israeri: Tarira, ndichavadzura kubva panyika yavo, uye ndichadzura imba yaJudha kubva pakati pavo.

15 Zvino zvichaitika shure kwekunge ndavadzura, ndichadzoka, uye ndichavanzwira tsitsi, ndigovadzosera, umwe neumwe kunhaka yake, uye umwe neumwe kunyika yekwake.

16 Zvino zvichaitika, kana vakashingairira kudzidza nzira dzevanhu vangu, kupika nezita rangu, neupenyu hwaJehovha, sezvavakadzidzisa vanhu vangu kupika naBhaari, ipapo vachavakwa pakati pevanhu vangu.

17 Asi kana vasingateereri, ndichadzura kwazvo nekuparadza rudzi irwo, anoreva Jehovha.