ShonaTeam Jeremiah « 11 »

11Shoko rakasvika kuna Jeremiya kubva kuna Jehovha, richiti:

2 Inzwai mashoko esungano iyi, mutaure kuvanhu vaJudha, nekuvagari veJerusarema.

3 Zvino uti kwavari: Anoreva seizvi Jehovha, Mwari waIsraeri: Wakatukwa munhu asingateereri mashoko esungano iyi,

4 andakaraira madzibaba enyu nezuva randakavabudisa munyika yeEgipita, muchoto chematare, ndichiti: Teererai inzwi rangu, muzviite, zvose sezvandakakurairai; ipapo muchava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wenyu;

5 kuti ndisimbise mhiko yandakapikira kumadzibaba enyu, kuvapa nyika inoyerera mukaka neuchi, sanhasi. Ipapo ndakapindura ndokuti: Ameni, Jehovha.

6 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Paridza mashoko awa ose pamaguta aJudha, nepanzira dzemuJerusarema, uchiti: Inzwai mashoko esungano iyi, uye muaite.

7 Nokuti ndakapupura zvekupupura maererano nemadzibaba enyu, pazuva rekuvakwidza kwangu kubva munyika yeEgipita kusvika zuva rino, ndichimuka mangwanani ndokupupura ndichiti: Teererai kushoko rangu.

8 Asi havana kuteerera, uye havana kurerekera nzeve yavo, asi vakafamba umwe neumwe mumurangariro wemoyo wavo wakaipa; naizvozvo ndichauisa pamusoro pavo mashoko ose esungano iyi, andakavaraira kuti vaite, asi havana kuita.

9 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Rangano yakaipa yawanikwa pakati pevanhu vaJudha nepakati pevagari veJerusarema.

10 Vakadzokera kuzvakaipa zvemadzitateguru avo, avo akaramba kunzwa mashoko angu; uye ivo vakatevera vamwe vamwari kuti vavashumire; imba yaIsraeri neimba yaJudha vakaputsa sungano yangu yandakaita nemadzibaba avo.

11 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha: Tarira, ndichauisa chakaipa pamusoro pavo, chavasingagoni kubuda pachiri; uye kunyange vakachema kwandiri, handingavanzwi.

12 Ipapo maguta aJudha nevagari veJerusarema vachaenda ndokuchema kuna vamwari vavakapisira zvipfungaidzo zvinonhuhwira; asi ivo havangatongovabatsiri panguva yedambudziko ravo.

13 Nokuti seuwandu hwemaguta ako vaiva vamwari vako, iwe Judha, uye seuwandu hwenzira dzeJerusarema wakamisa dziaritari kuva chinhu chinonyadzisa, aritari dzekupisira zvipfungaidzo zvinonhuhwira kuna Bhaari.

14 Naizvozvo iwe usanyengeterera vanhu ava, uye usavasimudzira kuchema nemunyengetero, nokuti handinzwi panguva yekudana kwavo kwandiri nekuda kwedambudziko ravo.

15 Mudikanwi wangu anei neimba yangu, zvaakaita chinyangadzo nevazhinji, uye nyama tsvene yapfuura kubva kwauri? Paunoita chakaipa, ipapo unofara.

16 Jehovha wakatumidza zita rako kuti: Muorivhi mutema, wakanaka, wezvibereko zvakanaka. Neruzha rwebongozozo guru wakavesa moto pamusoro pawo, nematavi awo avhunika.

17 Nokuti Jehovha wehondo, iye wakakusima, wakataura zvakaipa pamusoro pako, nekuda kwezvakaipa zveimba yaIsraeri nezveimba yaJudha, zvavakazviitira kunditsamwisa pakupisira Bhaari zvipfungaidzo zvinonhuhwira.

Zano rekuuraya Jeremiya

18 Jehovha wakandizivisa kuti ndizive; zvino wakandiratidza zviito zvavo.

19 Asi ini ndaiva ndakaita segwayana nyoro rinoiswa kunobayiwa; nokuti ndaiva ndisingazivi kuti vakarangana mazano kundirwisa, vachiti: Ngatiparadze muti pamwe nezvibereko zvawo, uye ngatimugure kubva panyika yevapenyu, kuti zita rake risazorangarirwazve.

20 Asi imwi Jehovha wehondo, munotonga zvakarurama, munoidza itsvo nemoyo, ngandione kutsiva kwenyu pavari, nokuti ndakaratidza kwamuri nyaya yangu.

21 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha pamusoro pevarume veAnatoti, vanotsvaka upenyu hwako vachiti: Usaporofita muzita raJehovha, kuti urege kufa neruoko rwedu.

22 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha wehondo: Tarirai, ndichavaranga; majaya achafa nemunondo, vanakomana vavo nevanasikana vavo vachafa nenzara.

23 Zvino havangavi nevakasara, nokuti ndichauisa chakaipa pamusoro pevarume veAnatoti pagore rekurohwa kwavo.