ShonaTeam Jeremiah « 10 »

Upenzi hwekunamata zvifananidzo

10Inzwai shoko Jehovha raanotaura kwamuri, imwi imba yaIsraeri.

2 Anoreva seizvi Jehovha: Regai kudzidza nzira yevahedheni, uye musavhunduswa nezviratidzo zvekumatenga; nokuti vahedheni vanovhunduswa nazvo.

3 Nokuti tsika dzevanhu hadzina maturo; nokuti kunotemwa muti kubva musango, basa remaoko enyanzvi, nedemo.

4 Vanoushongedza nesirivha negoridhe; vanousimbisa nezvipikiri nedzinyundo, kuti urege kuzununguka.

5 Zvakaita semuti wemurara webasa rakavezwa, asi hazvitauri; kunodikanwa kuti zvitakurwe, nokuti hazvifambi; musazvitya, nokuti hazviiti chakaipa, uyewo mazviri hamuna kuita chakanaka.

6 Sezvo kusina wakaita semwi, Jehovha, muri mukuru, uye zita renyu iguru pasimba.

7 Ndiani angarega kukutyai, imwi Mambo wemarudzi? Nokuti zvakakufanirai. Nokuti pakati pevose vakachenjera vemarudzi, nekuushe hwavo hwose, hakuna wakafanana nemwi.

8 Asi vose havana njere, mapenzi; danda idzidziso yezvisina maturo.

9 Isirivha yakapambadzirwa yakaunzwa kubva Tarishishi, negoridhe kubva kuUfazi, basa renyanzvi neremaoko emupfuri wegoridhe; zveruvara rwedenga nezveruvara rwehute zvipfeko zvavo; zvose ibasa revakachenjera.

10 Asi Jehovha ndiye Mwari wechokwadi; ndiye Mwari mupenyu, naMambo wekusingaperi; pakutsamwa kwake nyika inodedera; nemarudzi haagoni kumirisana nehasha dzake.

11 Muchareva seizvi kwavari: Vamwari vasina kuita matenga nenyika vachaparara kubva panyika nepasi pematenga awa.

12 Wakaita pasi nesimba rake, wakateya nyika neuchenjeri hwake, wakatatamura matenga nekunzwisisa kwake.

13 Kana achibudisa inzwi, kune mutinhiro wemvura zhinji kumatenga; uye anokwidza makore pamigumo yenyika; anoita dzimheni pamwe nemvura; uye anobudisa mhepo pamatura ake.

14 Munhu umwe neumwe haana njere paruzivo; mupfuri umwe neumwe wegoridhe unonyadziswa nechifananidzo chaakaveza; nokuti chifananidzo chake chakaumbwa nekunyungudusa ndechenhema, uye hakuna mweya mazviri.

15 Hazvina maturo, ibasa rekunyengera kukuru; panguva yekutsiviwa kwazvo zvichaparara.

16 Mugove waJakove hauna kuita saizvo, nokuti ndiye muumbi wezvose; naIsraeri itsvimbo yenhaka yake; Jehovha wehondo ndiro zita rake.

17 Unganidza nhumbi dzako kubvisa panyika, iwe mukadzi mugari wemunhare.

18 Nokuti anoreva seizvi Jehovha: Tarirai, ndichavapotsera panze vagari venyika nenguva iyi, uye ndichavamanikidza, kuti vazviwane.

19 Nhamo kwandiri pakuvhunika kwangu; ronda rangu rinorwadza; asi ini ndakati: Zvirokwazvo ndihwo urwere, uye ndinofanira kuhutakura.

20 Tende rangu rakaputswa, nemabote angu ose akadamburwa; vana vangu vabva kwandiri, zvino havapo; hakuchina ungatatamura tende rangu, kana kumisa maketeni angu.

21 Nokuti vafudzi vava vasina njere, uye havana kutsvaka Jehovha; naizvozvo havangabudiriri, neboka ravo rose rakapararira.

22 Tarirai, ruzha rweshoko rwasvika, nebope guru kubva kunyika yekumaodzanyemba, kuita maguta aJudha ave matongo, gara remabukanana.

23 Jehovha, ndinoziva kuti nzira yemunhu haizi yake amene; munhu, anofamba, haagoni kururamisa nhanho yake.

24 Jehovha, ndirangei, asi nemutongo; kwete nekutsamwa kwenyu, zvimwe mundideredze.

25 Dururirai kutsamwa kwenyu pamusoro pemarudzi asingakuziviyi, nepamusoro pemhuri dzisingadani zita renyu; nokuti vakadya Jakove, zvirokwazvo, vakamudya nekumupedza, vakaparadza ugaro hwake.