ShonaTeam Jeremiah « 9 »

9Haiwa, dai musoro wangu waiva mvura zhinji, neziso rangu tsime remisodzi, kuti ndicheme masikati neusiku nekuda kwevakaurawa vemukunda wevanhu vangu!

2 Haiwa, dai ndaiva nedumba revafambi murenje; ipapo ndaisiya vanhu vangu, ndikabva kwavari! Nokuti vose imhombwe, ungano yevanonyengera.

3 Zvino vanokunga rurimi rwavo seuta hwavo kureva nhema, asi havasimbiriri pachokwadi panyika, nokuti vanoenderera kubva pachakaipa kuenda pachakaipa, uye havandizivi, anoreva Jehovha.

4 Chenjererai umwe neumwe wekwake, uye musavimba nehama ipi neipi, nokuti hama imwe neimwe ichanyengera zvekunyengera, uye wekwake umwe neumwe achafamba nemakuhwa.

5 Zvino vachanyengera, umwe neumwe wekwake, uye havangatauri chokwadi; vachidzidzisa rurimi rwavo kutaura nhema, vanozvinetsa nekuita zvakaipa.

6 Ugaro hwenyu huri pakati pekunyengera; nekunyengera vakaramba kundiziva; anoreva Jehovha.

7 Naizvozvo, anoreva seizvi Jehovha wehondo: Tarira, ndichavachenesa, uye ndichavaidza; nokuti ndichaita sei pamusoro pemukunda wevanhu vangu?

8 Rurimi rwavo museve wekuuraya, rwunotaura kunyengera; umwe anotaura rugare nemuromo wake kune wekwake, asi mukati make anomuvandira.

9 Handingavarangi here nekuda kwezvinhu izvi? anoreva Jehovha; mweya weupenyu wangu haungazvitsiviri rudzi rwakadai here?

10 Ndichasimudzira makomo kuchema nekuungudza, nemariro kuugaro hwerenje, nokuti zvapiswa, zvekuti hapana angapfuura nemo; uye havanganzwi inzwi rezvipfuwo; kubva kushiri dzekumatenga kusvika kumhuka zvatiza, zvaenda.

11 Uye ndichaita Jerusarema mirwi, gara remabukanana; uye ndichaita maguta aJudha matongo, musina mugari.

12 Ndiyani munhu wakachenjera anonzwisisa izvi? Uye muromo waJehovha wakataura kuna ani kuti azvidudzire? Sei nyika yakaparara uye kupiswa serenje kuti pasava neanopfuura?

13 Zvino Jehovha wakati: Nokuti vakasiya murairo wangu wandakaisa pamberi pavo, uye havana kuteerera inzwi rangu, uye havana kufamba mariri,

14 asi vakatevera ukukutu hwemoyo wavo, vakatevera vana Bhaari, madzibaba avo zvaakavadzidzisa.

15 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Tarira, ndichadyisa vanhu ava gavakava, nekuvanwisa mvura yenduru.

16 Ndichavaparadzirawo pakati pemarudzi, avasina kuziva ivo kana madzibaba avo; uye ndichatumira munondo kuvatevera, kusvika ndavapedza.

17 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Ongororai, uye danai vakadzi vanochema kuti vauye, mutume kuvakadzi vakachenjera kuti vauye.

18 Zvino ngavakurumidze, vatisimudzire mariro, kuti meso edu aburuke misodzi, nemafunhiro emaziso edu adurure mvura zhinji.

19 Nokuti inzwi rekuchema rinonzwikwa richibva Ziyoni, richiti: Takaparadzwa sei! Takanyara kwazvo, nokuti takasiya nyika, nokuti vakakoromora nzvimbo dzedu dzekugara.

20 Asi inzwai, imwi vakadzi, shoko raJehovha, uye nzeve yenyu ngaigamuchire shoko remuromo wake; uye dzidzisai vakunda venyu kuchema mariro, uye umwe neumwe adzidzise wekwake kuungudza.

21 Nokuti rufu rwakakwira pamahwindo edu, rwakapinda mudzimba dzedu dzemadzimambo, kuti rwugure vanana vari kunze, majaya ari panzira dzemaguta.

22 Taura uti: Anoreva seizvi Jehovha: Hongu, chitunha chemunhu chichawira pasi semupfudze pachiso chemunda, uye setsama yehura dzinochekwa shure kwemukohwi, uye hapangavi neanounganidza.

23 Anoreva seizvi Jehovha: Wakachenjera ngaarege kuzvirumbidza pauchenjeri hwake, neane simba ngaarege kuzvirumbidza pasimba rake, wakafuma ngaarege kuzvirumbidza pafuma yake;

24 asi anozvirumbidza, ngaazvirumbidze pachinhu ichi, kuti unonzwisisa nekundiziva, kuti ndini Jehovha, anoita unyoro hwerudo, mutongo, nekururama panyika; nokuti ndinofarira zvinhu izvi, anoreva Jehovha.

25 Tarira, mazuva anouya, anoreva Jehovha, pandicharanga vose vakadzingiswa pakusadzingiswa;

26 Egipita, naJudha, naEdhomu, nevana vaAmoni, naMoabhu, nevose vakakandwa mumakona, vanogara kurenje; nokuti marudzi ose haana kudzingiswa, uye imba yose yaIsraeri haina kudzingiswa pamoyo.