ShonaTeam Jeremiah « 8 »

8Nenguva iyo, anoreva Jehovha, vachabvisa mapfupa emadzimambo ekwaJudha nemapfupa emachinda awo nemapfupa evapristi nemapfupa evaporofita nemapfupa evagari veJerusarema pamakuva avo.

2 Zvino vachaaparadzira pazuva nepamwedzi nepahondo yose yekumatenga, zvavaida, nezvavaishumira, nezvavaitevera, nezvavaitsvaka, nezvavainamata; haangaunganidzwi, uye haangavigwi; achava emupfudze pachiso chenyika.

3 Zvino rufu rwuchasarudzwa kupfuura upenyu kuvasiiwa vose vevakasara vemhuri iyi yakaipa, kunzvimbo dzose dzevakasara kwandakavadzingira, anoreva Jehovha wehondo.

Zvivi nekutongwa kwazvo

4 Uchati kwavari zvekare: Anoreva seizvi Jehovha: Vachawa vakasamuka here? Vachatsauka vakasadzoka here?

5 Zvino vanhu ava veJerusarema vakadzokerei nekudzokera kusingatongoperi? Vanobatirira pakunyengera, vanoramba kudzoka.

6 Ndakateerera ndikanzwa; havana kutaura zvakanaka; hakuna munhu unozvidemba pakuipa kwake, achiti: Ndakaitei? Umwe neumwe anodzokera panhangemutange yake, sebhiza rinomhanyira kuhondo.

7 Zvirokwazvo shuramurove riri kumatenga rinoziva nguva dzaro dzakatarwa, nenjiva nenyenganyenga nekondo zvinochengetedza nguva dzekuuya kwazvo, asi vanhu vangu havazivi mutongo waJehovha.

8 Munoreva sei muchiti: Takachenjera, uye murairo waJehovha unesu? Tarirai, zvirokwazvo peni yenhema yevanyori inoshandira pasina.

9 Vakachenjera vakanyara, vakavhunduka uye vakabatwa; tarirai, vakaramba shoko raJehovha, zvino vane njere rudzii?

10 Naizvozvo ndichapa vakadzi vavo kune vamwe, neminda yavo kune vachavagara nhaka; nokuti umwe neumwe kubva kumudikisa kusvika kumukurusa vanokarira fuma yakaipa; kubva kumuporofita kusvika kumupristi umwe neumwe unoita nekunyengera.

11 Nokuti vakangopodza kuputsika kwemukunda wevanhu vangu zvishoma, vachiti: Rugare, rugare! ipo pasina rugare.

12 Vakanyara here pavaiita chinyangadzo? Kwete, havana kutombonyara, uye havana kuziva kunyara; naizvozvo vachawa pakati pevanowa; panguva yekushanyirwa kwavo vachawisirwa pasi, anoreva Jehovha.

13 Zvirokwazvo ndichavapedza, anoreva Jehovha; hakungavi nezvibereko zvemuzambiringa mumuzambiringa, uye hakungavi nemaonde pamuonde, uye mashizha achasvava, nezvandakavapa zvichapfuura kwavari.

14 Tinogarireiko? Unganai, tipinde mumaguta akashoshewa, tinyararirepo; nokuti Jehovha Mwari wedu wakatinyaradza, wakatinwisa mvura yenduru, nokuti takatadzira Jehovha.

15Takatarisira rugare, asi hakuna kuva nechakanaka; nguva yekurapiwa, asi tarira, dambudziko.

16 Kufembedza kwemabhiza ake kwakanzwikwa kubva paDhani; nyika yose yakadedera painzwi rekurira kweane simba ake; nokuti asvika, uye apedza nyika nekuzara kwayo, guta nevagere mariri.

17 Nokuti tarirai, ndinotuma pakati penyu nyoka, mvumbi, dzicharamba kuroyiwa; zvino dzichakurumai, anoreva Jehovha.

18 Ndichazvinyaradza pakusuruvara; moyo wangu unopera mandiri.

19 Tarirai, inzwi rekuchema kwemukunda wevanhu vangu, rinobva kunyika iri kure-kure, richiti: Jehovha haasi muZiyoni here? Mambo waro haasi mukati maro here? Vakanditsamwisirei nezvifananidzo zvavo zvakavezwa, nezvisina maturo zvevatorwa?

20 Kukohwa kwapfuura, zhizha rapera, asi isu hatina kuponeswa.

21 Ndinoputsika nekuda kwekuputsika kwemukunda wevanhu vangu; ndakasvibirirwa, kuvhunduka kwakandibata.

22 Hakuna mubharisami muGiriyadhi here? Hakuna murapiko here? Nokuti sei kurapwa kwemukunda wevanhu vangu kusingauyi?