ShonaTeam Jeremiah « 6 »

Kuparadzwa kweJerusarema

6Imwi vana vaBhenjamini, zviunganidzirei kutiza kubva mukati meJerusarema, uye ridzai hwamanda muTekowa, uye misai chiratidzo chemoto paBheti-Hakeremu; nokuti chakaipa chinotarisa pasi kubva kumaodzanyemba, nekuparara kukuru.

2 Ndakafananidza mukunda weZiyoni newakanaka uye munyoro.

3 Vafudzi vachasvika kwariri nemapoka avo. Vachadzika matende kumurwisa mativi ose; umwe neumwe achadya panzvimbo yake.

4 Zvitsaurirei hondo kurwisana naro; simukai, ngatikwire masikati makuru. Nhamo kwatiri! Nokuti zuva rovira; nokuti mimvuri yemadekwani yareba.

5 Simukai, tikwire usiku, tiparadze mizinda yaro.

6 Nokuti anoreva seizvi Jehovha wehondo: Temerai miti pasi, mututire paJerusarema murwi wekurwa; ndiro guta richarangwa; mukati maro mune kumanikidza chete.

7 Setsime rinobudisa mvura yaro zhinji, saizvozvo anobudisa kuipa kwake. Kumanikidza nekupamba zvinonzwikwa maari; pamberi pangu pane marwadzo nemavanga nguva dzose.

8 Rairika, Jerusarema, zvimwe mweya weupenyu wangu ubve mauri, zvimwe ndikuite dongo, nyika isina kugarwa.

9 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Vachafuhurura zvekufuhurura vakasara vaIsraeri semuzambiringa; dzosa ruoko rwako mumatengu semukohwi wemazambiringa.

10 Ndichataura kuna ani ndigopa yambiro kuti vanzwe? Tarirai, nzeve yavo haina kudzingiswa, kuti havagoni kuteerera; tarirai, shoko raJehovha rava kwavari chinhu chinomhurwa, havarifariri.

11 Naizvozvo ndizere hasha dzaJehovha, ndaneta nekuzvidzora; ndichakudurura pamusoro pevana kunze nepamusoro peungano yemajaya pamwe chete; nokuti kunyange murume pamwe nemukadzi achabatwa, mutana pamwe newazara nemakore.

12 Zvino dzimba dzavo dzichapiwa kune vamwe, minda nevakadzi pamwe chete; nokuti ndichatandavadzira ruoko rwangu pamusoro pevagari vepanyika, anoreva Jehovha.

13 Nokuti kubva kumudiki wavo kusvika kumukuru wavo, umwe neumwe anokarira fuma yakaipa; uye kubva kumuporofita kusvika kumupristi, umwe neumwe anoita nekunyengera.

14 Uye vakapodza vanga revanhu vangu zvishomanana vachiti: Rugare, rugare; ipo pasina rugare.

15 Vakanyara here nokuti vakaita chinyangadzo? Kwete, havana kutombonyara, uye havana kuziva nyadzi; naizvozvo vachawa pane vanowa; panguva yekuvashanyira kwangu vachawisirwa pasi; anoreva Jehovha.

16 Anoreva seizvi Jehovha: Mirai padzinzira, muone, mugobvunza nezvemakwara ekare, kuti iripi nzira yakanaka, mugofamba nayo; zvino muchawana zororo remweya weupenyu wenyu. Asi vakati: Hatingafambi nayo.

17 Uye ndakaisa nharirire pamusoro penyu. Teererai kukurira kwehwamanda. Asi vakati: Hatingateereri.

18 Naizvozvo inzwai, imwi marudzi, mugoziva, iwe ungano, zviri pakati pavo.

19 Inzwa, iwe nyika, tarira, ndichauisa chakaipa pamusoro pevanhu ava, chibereko chendangariro dzavo, nokuti havana kuteerera kumashoko angu, kana kumurairo wangu, asi vakauramba.

20 Zvinouirei kwandiri zvipfungaidzo zvinonhuhwira kubva kuShebha, nenzimbe dzinonaka kubva kunyika iri kure? Zvipo zvenyu zvinopiswa hazvigamuchirwi, nezvibairo zvenyu hazvitapiri kwandiri.

21 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha: Tarirai, ndichaisa zvigumbuso pamberi pevanhu ava; zvino vana baba pamwe nevanakomana vachagumburwa pamwe nazvo, muvakidzani neshamwari yake, uye vachaparara.

22 Anoreva seizvi Jehovha: Tarira, vanhu vanobva kunyika yemaodzanyemba; uye rudzi rukuru ruchamutswa kubva kumativi enyika.

23 Vachabata uta nepfumo, vane utsinye, uye havana tsitsi; inzwi ravo rinoomba segungwa, uye vakatasva mabhiza; vakarongedzerwa sevarume vehondo kukurwisa, iwe mukunda weZiyoni.

24 Takanzwa guhu razvo; maoko edu anoshaiwa simba; kutambudzika kwatibata, kurwadziwa sekwemukadzi ari kusungunuka.

25 Regai kubudira kusango, uye regai kufamba nenzira; nokuti kune munondo wemuvengi, kutya pamativi ose.

26 Iwe mukunda wevanhu vangu, zvisunge chiuno nesaga, uye zviumburudze mumadota, zviite anochema mwanakomana umwe oga, mariro anorwadza chose, nokuti muparadzi achatiwira kamwe-kamwe.

27 Ndakakuisa kuva shongwe, nhare pakati pevanhu vangu, kuti uzive uye uidze nzira yavo.

28 Vose vapanduki vane nharo, vanofamba vachinyeya, indarira nedare, vose vakanganisi.

29 Mvuto inopfuta, mutobvu unopedzwa nemoto, munyungudusi anonyungudusa pasina, nokuti vakaipa havabviswi.

30 Vachanzi sirivha yakaraswa, nokuti Jehovha wakavaramba.