ShonaTeam Jeremiah « 5 »

Jehovha anotuka vanhu vake vakamurasa

5Endai uko neuko panzira dzemuguta dzeJerusarema, muone zvino, muzive, mutsvake pamigwagwa yaro inova gwenga, kana mungawana munhu, kana aripo anoita mutongo, anotsvaka chokwadi; ipapo ndicharikanganwira.

2 Kunyange havo vachiti: NaJehovha mupenyu; zvirokwazvo vanopika nhema.

3 Jehovha, meso enyu haasi pachokwadi here? Makavarova asi havana kurwadziwa; makavapedza, vakaramba kugamuchira kurairwa; vakaomesa zviso zvavo kupfuura dombo, vakaramba kudzoka.

4 Zvino ini ndakati: Zvirokwazvo, ava varombo, mapenzi, nokuti havazivi nzira yaJehovha, mutongo waMwari wavo.

5 Ini ndichaenda kuvakuru, uye ndichataura navo; nokuti ivo vanoziva nzira yaJehovha, mutongo waMwari wavo. Asi ivo pamwechete vakavhuna joko, vakadambura zvisungo.

6 Naizvozvo shumba kubuda musango ichavauraya, bere remumarenje richavaparadza, ingwe icharindira pamaguta avo, umwe neumwe anobudamo achabvamburwa; nokuti zvitadzo zvavo zvizhinji, kudzokera shure kwavo kwawedzerwa.

7 Ndingakukanganwira sei pane ichi? Vana vako vakandisiya, uye vakapika nevasiri vamwari. Pandaiva ndavagutsa ipapo vakaita upombwe, uye vakazviunganidza nemapoka muimba yechifeve.

8 Vakava mabhiza akaguta mangwanani, vanopfeza, umwe neumwe kumukadzi wewekwake.

9 Handingarangi here nekuda kwezvinhu izvi, anoreva Jehovha? Uye mweya weupenyu wangu haungazvitsiviri here kurudzi rwakadai?

10 Kwirai pamasvingo aro, muparadze; asi musaita kuguma kwakazara; bvisai matavi aro, nokuti haasi aJehovha.

11 Nokuti imba yaIsraeri neimba yaJudha vakaita nekunyengera kukuru kwandiri, anoreva Jehovha.

12 Vakaramba Jehovha, vakati: Haasi iye; uye chakaipa hachingavawiri, uye hatingaoni munondo kana nzara.

13 Zvino vaporofita vachava mhepo, neshoko hariko kwavari; zvichaitwa saizvozvo kwavari.

14 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha Mwari wehondo: Nokuti mataura shoko iri, tarirai, ndichaita mashoko angu mumuromo menyu ave moto, uye vanhu ava vave huni, zvino iwo uchavapedza.

15 Tarirai, ndichauisa pamusoro penyu rudzi rwunobva kure, imba yaIsraeri, anoreva Jehovha, rudzi rwune simba, rudzi rwekare, rudzi rurimi rwarwo rwamusingazivi, uye rwamusinganzwisisi zvarwunoreva.

16 Goba ravo iguva rakashama; vose varume vane simba.

17 Zvino rwuchadya goho rako nezvekudya zvako; vachadya vanakomana vako nevakunda vako; rwuchadya makwai ako nemombe dzako; rwuchadya muzambiringa wako nemuonde wako; rwuchaita maguta ako akakoshoshewa varombo nemunondo, awaivimba nawo.

18 Asiwo mumazuva iwawo, anoreva Jehovha, handingakuitii kuguma kwakazara.

19 Zvino zvichaitika pamuchati: Jehovha Mwari wedu wakatiitirei zvinhu izvi zvose? Ipapo achati kwavari: Sezvamakandisiya ndokushumira vamwari vevatorwa munyika yenyu, saizvozvo muchashumira vatorwa munyika isiri yenyu.

20 Danidzirai izvi muimba yaJakove, uye zvizivisei kwaJudha, muchiti:

21 Inzwai izvi ikozvino, imwi vanhu mapenzi, nemwi musinganzwisisi, mune meso, asi hamuoni, mune nzeve asi hamunzwi.

22 Musanditya, anoreva Jehovha? Hamungadederi pamberi pangu here? Ndakaisa jecha kuva muganhu wegungwa, chimiso chekusingaperi kuti risaudarika. Zvino kunyange mafungu aro achirovana, zvakadaro haangakundi; kunyange akaomba, zvakadaro haangaripfuuri.

23 Asi vanhu ava vane moyo unomukira uye unopanduka; vapanduka uye vaenda.

24 Zvino havati mumoyo mavo: Ngatityei ikozvino Jehovha Mwari wedu, anopa mvura, zvose yekutanga neyekupedzisira, panguva yake, anotichengetera mavhiki akatarwa egoho.

25 Zvitadzo zvenyu zvakatsausa zvinhu izvi, uye zvivi zvenyu zvakakunyimisai zvakanaka.

26 Nokuti pakati pevanhu vangu panowanikwa vakaipa; vakavandira sevanoteya shiri; vanoteya rudzingi rwunoparadza, ndokubata vanhu.

27 Sedendere rizere shiri, dzakadaro dzimba dzavo dzizere kunyengera; naizvozvo vava vakuru, vafuma.

28 Vakora, vobwinya; zvirokwazvo vanokurira mabasa ewakaipa; havamiririri mhaka, mhaka yenherera, zvakadaro vanobudirira; uye havatongi kodzero yevanoshaiwa.

29 Handingarangi pazvinhu izvi here? anoreva Jehovha. Mweya weupenyu wangu haungazvitsiviri parudzi rwakadai here?

30 Chinovhundusa nechinotyisa chaitika panyika.

31 Vaporofita vanoporofita nhema, nevapristi vanotonga nemaoko avo; zvino vanhu vangu vanoda zvakadaro; zvino muchaitei pakupedzisira kwazvo?