ShonaTeam Jeremiah « 4 »

4Kana ukadzoka, Israeri, anoreva Jehovha, dzokera kwandiri; uye kana ukabvisa zvinyangadzo zvako kubva pachiso changu, zvino haungazungunuki.

2 Zvino muchapika: NaJehovha mupenyu, muchokwadi, mumutongo, nemukururama; uye marudzi achazviropafadza maari, nekuzvirumbidza maari.

Nyika yaJudha ichakombwa

3 Nokuti anoreva seizvi Jehovha kuvarume vaJudha nekuJerusarema: Zvivundirei gombo, uye musadzvara pakati peminzwa.

4 Zvidzingisirei Jehovha, uye bvisai zvikanda zvepamberi zvemoyo yenyu, varume vaJudha nevagari veJerusarema; zvimwe hasha dzangu dzingabuda semoto, ndokupisa zvekuti hapana angadzima, nekuda kwekuipa zvezviito zvenyu.

5 Paridza muJudha, ugonzwisa muJerusarema, ugoti: Ridzai hwamanda panyika, danai zvakazara muti: Zviunganidzei ngatiende kumaguta akakomberedzwa.

6 Simudzai mureza nechekuZiyoni, tizai, musamira; nokuti ndichauisa chakaipa kubva kumaodzanyemba, nekuparadza kukuru.

7 Shumba yakwira kubva mudenhere rayo, uye muparadzi wemarudzi wava munzira, wabuda panzvimbo yake, kuti aite nyika yako dongo; maguta ako achava matongo, kusava nemugari.

8 Nekuda kweizvi zvisungei zviuno nemasaga, rirai muungudze, nokuti kutsamwa kwaJehovha kunopfuta hakuna kudzoka kubva kwatiri.

9 Zvino zvichaitika pazuva iro, anoreva Jehovha, moyo wamambo uchaparara, nemoyo wemachinda, uye vapristi vachashamiswa, nevaporofita vachakanuka.

10 Ipapo ndakati: Haiwa, Ishe Jehovha! Zvirokwazvo makanyengera zvekuvanyengera vanhu ava neJerusarema, muchiti: Muchava nerugare. Asi munondo unosenerera pamweya weupenyu.

11 Nenguva iyo zvichanzi kuvanhu ava nekuJerusarema: Mhepo inopisa yemidunduru murenje, nzira yemukunda wevanhu vangu, isiri yekurudza uye isiri yekunatsa.

12 Mhepo izere inobva kunzvimbo idzi ichauya kwandiri. Ikozvino neni ndichataura mitongo yakanangana navo.

13 Tarirai, achakwira semakore, nengoro dzake sechamupupuri; mabhiza ake anokurumidza kukunda makondo. Nhamo kwatiri, nokuti taparadzwa.

14 Iwe Jerusarema, suka moyo wako pane zvakaipa, kuti uponeswe. Mirangariro yako isina maturo ichagara mukati mako kusvika rinhi?

15 Nokuti inzwi rinodanidzira kubva kuDhani, rinozivisa dambudziko kubva pagomo reEfuremu.

16 Revai kumarudzi, tarirai, zivisai muchirwisa Jerusarema; nharirire dzinobva kunyika iri kure; dzinosimudzira inzwi ravo kurwisana nemaguta aJudha.

17 Sevarindi vemunda vanomurwisa kukomberedza, nokuti wakandimukira, anoreva Jehovha.

18 Nzira yako nezviito zvako zvakuitira zvinhu izvi; uku kuipa kwako, nokuti zvinorwadza, nokuti zvinosenerera kumoyo wako.

19 Ura hwangu! Ura hwangu! Ndinorwadziwa pamasvingo emoyo wangu; moyo wangu unoita ruzha mukati mangu; handinyarari, nokuti iwe mweya weupenyu wangu wanzwa kurira kwehwamanda, mhere yehondo.

20 Kunodanidzirwa kuparara pamusoro pekuparara, nokuti nyika yose yaparara. Matende angu aparadzwa kamwe-kamwe, maketeni angu mukubwaira kweziso.

21 Kusvika rinhi ndichiona mureza, ndichinzwa kurira kwehwamanda?

22 Nokuti vanhu vangu mapenzi; ini havandizivi; vana matununu; uye havana kunzwisisa; vakachenjerera kuita zvakaipa, asi havazivi kuita zvakanaka.

23 Ndakaona nyika, zvino tarira, haina chimiro, isina chinhu; nematenga, asi chiedza chawo chakanga chisipo.

24 Ndakaona makomo, zvino tarira, akadedera; nezvikomo zvose zvakazungunuka.

25 Ndakaona, zvino tarira, hakuna munhu; neshiri dzose dzekumatenga dzatiza.

26 Ndakaona, zvino tarira, nzvimbo inobereka yava renje, nemaguta ayo ose akaputsirwa pasi, nekuda kwaJehovha, nekuda kwekutsamwa kwake kunopfuta.

27 Nokuti Jehovha wakareva saizvozvi: Nyika yose ichava dongo, asi handingapedzi chose.

28 Nekuda kweizvi nyika ichachema, nematenga kumusoro achava matema, nokuti ndataura, ndazvifunga, uye handingazvidembi, uye handingadzoki pazviri.

29 Guta rose richatiza ruzha rwevatasvi vemabhiza nevafuri veuta; vachaenda mumatenhere, nekukwira pamusoro pemabwe; guta rimwe nerimwe richasiiwa, uye hakungavi nemunhu anogaramo.

30 Zvino iwe wekuparadzwa, uchaitei? Kunyange ukazvipfekedza nezvishava, kunyange ukazvishongedza nezvishongo zvegoridhe, kunyange ukazodza meso ako nezvishanduro, uchazvinatsira pasina; vadikanwi vachakuzvidza, vachatsvaka upenyu hwako.

31 Nokuti ndanzwa inzwi seremukadzi anorwadziwa nemimba, marwadzo seeanobereka mwana wekutanga, inzwi remukunda weZiyoni, anofemedzeka, anotandavadza maoko ake, achiti: Nhamo kwandiri zvino! Nokuti mweya weupenyu wangu waziya nekuda kwevaurayi!