ShonaTeam Jeremiah « 2 »

Jehovha anotuka Israeri

2Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

2 Enda, undodanidzira munzeve dzeJerusarema uchiti: Anoreva seizvi Jehovha: Ndinokurangarira, unyoro hweudiki hwako, rudo rwepakuwanikwa kwako, pawainditevera murenje, munyika isina kudzvarwa.

3 Israeri waiva utsvene kuna Jehovha, zvibereko zvekutanga zvegoho rake; vose vanomudya vachava nemhosva; chakaipa chichavawira, anoreva Jehovha.

4 Inzwai shoko raJehovha, imba yaJakove, nemhuri dzose dzeimba yaIsraeri.

5 Anoreva seizvi Jehovha: Uipi rudzii madzibaba enyu hwaakawana mandiri, kuti vaende kure neni, nekufamba vachitevera zvisina maturo, uye vakava vasina maturo?

6 Uye havana kuti: Aripi Jehovha wakatikwidza kubva panyika yeEgipita, wakatitungamirira murenje, munyika yemagwenga nemakomba, munyika yakaoma neyemumvuri werufu, munyika munhu yaasina kumbopfuura namo, uye munhu maasina kumbogara?

7 Zvino ndakakuuisai munyika yezvibereko, kuti mudye zvibereko zvayo nezvakanaka zvayo; asi pamakapinda makasvibisa nyika yangu, mukaita nhaka yangu ive chinyangadzo.

8 Vapristi havana kuti: Aripi Jehovha? Nevaibata murairo havana kundiziva; vafudziwo vakanditadzira; uye vaporofita vakaporofita naBhaari, vachitevera zvisingabatsiri.

9 Naizvozvo ndichakakavadzanazve newe, anoreva Jehovha, uye ndichakakavadzana nevana vevana venyu.

10 Nokuti pfuurirai kuzviwi zveKitimi mugoona; uye tumai vanhu kuKedhari, mufungisise zvakanaka; zvino muone kana kune chinhu chakadai.

11 Rudzi rwakatsinhanisa vamwari, kunyange ivo vasiri vamwari here? Asi vanhu vangu vakatsinhanisa rukudzo rwavo nezvisingabatsiri.

12 Shamiswai, imwi matenga, neichi, uye mutye zvikuru, paradzwai kwazvo, anoreva Jehovha.

13 Nokuti vanhu vangu vakaita zvinhu zviviri zvakaipa. Vakandisiya ini tsime remvura mhenyu, kuzvicherera mativi, mativi akaputsika, asingachengeti mvura.

14 Israeri muranda here? Kana ndiye muranda akaberekerwa mumba here? Sei waiva wekupambwa?

15 Vana veshumba vakamuombera, vakapa inzwi ravo, vakaisa nyika yake kukuparara; maguta ake akapiswa pasina mugari.

16 Nevana veNofi neTapanesi vakadyira panhongonya yako.

17 Hauna kuzviitira izvi here, zvawakasiya Jehovha Mwari wako panguva yaakakutungamirira panzira?

18 Zvino ikozvino unei nenzira yeEgipita, kuti unwe mvura yeSihori here? Uye unei nenzira yeAsiriya, kuti unwe mvura yeRwizi?

19 Zvakaipa zvako zvichakuraira, nekudzokera kwako shure kuchakutsiura. Naizvozvo ziva ugoona kuti chinhu chakaipa uye chinovava kuti usiye Jehovha Mwari wako, uye kuti kunditya hakuko kwauri, anoreva Ishe Jehovha wehondo.

20 Nokuti kwava kare ndavhuna joko rako nekudimbura zvisungo zvako; iwe ndokuti: Handingashumiri; asi pamusoro pechikomo chipi nechipi chakakwirira nepasi pemuti upi neupi munyoro wakambeya-mbeya uchifeva.

21 Zvakadaro ini ndakakusima, uri muzambiringa wakaisvonaka, mbeu yakatendeka zvakazara. Zvino washanduka sei kuva davi rakaipa remuzambiringa wekumwe kwandiri?

22 Nokuti kunyange ukashamba nesoda*, ukazvitorera sipo zhinji, zvakadaro zvakaipa zvako zvakaita segwapa pamberi pangu, anoreva Ishe Jehovha.

23 Ungareva sei kuti: Handina kusvibiswa, handina kutevera vana Bhaari? Ona nzira yako pamupata, uzive chawakaita, hadzi yekamera inomhanya, inotara-tara nenzira dzayo.

24 Uri mbizi yakajaira renje, inofembedza mhepo pachishuwo chemoyo wayo; ndiani angaidzora pahavi yayo? Vose vanoitsvaka havangazvinetesi; pamwedzi wayo vachaiwana.

25 Dzora rutsoka rwako pakusava neshangu, nehuro dzako pakuva nenyota. Asi wakati: Hakuna tariro, kwete, nokuti ndakada vatorwa, uye ndichavatevera.

26 Mbavha sezvainonyara kana yawanikwa, saizvozvo veimba yaIsraeri vanyara, ivo, madzimambo avo, machinda avo, nevapristi vavo, nevaporofita vavo.

27 Ivo vanoti kudanda: Iwe uri baba vangu; nekuibwe: Iwe wakandibereka; nokuti vanotendeusira musana kwandiri, uye kwete chiso; asi panguva yedambudziko ravo vachati: Simukai mutiponese.

28 Asi varipi vana mwari vako vawakazviitira? Ngavasimuke kana vachakuponesa panguva yedambudziko rako; nokuti kuwanda kwemaguta ako ndiko kwevamwari vako, iwe Judha.

29 Munokakavadziranei neni? Imwi mose makanditadzira, anoreva Jehovha.

30 Ndakarova vana venyu pasina; havana kugamuchira kudzorwa. Munondo wenyu wapedza vaporofita venyu, seshumba inoparadza.

31 Imwi zera, onai shoko raJehovha. Ndanga ndiri renje here kuna Israeri? Kana nyika yerima here? Sei vanhu vangu vachiti: Tadzungaira, hatichauyizve kwauri?

32 Mhandara ingakanganwa zvishongo zvayo, kana mwenga undanyara hwake here? Asi vanhu vangu vakandikanganwa mazuva asingaverengeki.

33 Wagadzira nzira yako zvakanaka sei pakutsvaka rudo? Naizvozvo wakadzidzisawo vakadzi vakaipa nzira dzako.

34 Pamipendero yakowo panowanikwa ropa nemweya yeupenyu yevarombo vasina mhosva; handina kuvawana vachipaza, asi pamusoro peizvi zvose.

35 Zvakadaro unoti: Nokuti handina mhosva, zvirokwazvo hasha dzake dzichadzoka kubva kwandiri. Tarira, ndichakutonga, zvaunoti: Handina kutadza.

36 Unofambirei zvakadaro kushandura nzira yako? Iwewo uchanyara neEgipita, sezvawakanyara neAsiriya.

37 Hongu, uchabuda ubve pano, uye maoko ako ari pamusoro pemusoro wako; nokuti Jehovha wakaramba kuvimba kwako kukuru, newe haungabudiriri mazviri.