ShonaTeam Isaiah « 66

Jehovha achatonga marudzi, acharopafadza Ziyoni

66Anoreva seizvi Jehovha: Matenga chigaro changu cheushe, nenyika chitsiko chetsoka dzangu. Iripi imba yamuchandivakira? Uye iripi nzvimbo yangu yekuzorora?

2 Nokuti zvose izvi maoko angu akazviita, uye zvose zvinhu izvi zviripo, anoreva Jehovha. Asi kune uyu ndichatarira, kune murombo, newemweya wakaputsika, neanodedera pashoko rangu.

3 Anouraya nzombe anorova munhu; anobaira gwayana anovhuna mutsipa wembwa; anopa chipo cheupfu anopa ropa renguruve; anopisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira anoropafadza chifananidzo. Zvirokwazvo ivo vakasarudza nzira dzavo, uye mweya weupenyu wavo unofara muzvinyangadzo zvavo.

4 Iniwo ndichasarudza zvinotambudza zvavo, uye ndichauyisa zvityiso zvavo pamusoro pavo, nokuti pandakadana hapana wakapindura, pandakataura havana kunzwa, asi vakaita zvakaipa pamberi pemeso angu, ndokusarudza zvandisina kufarira.

5 Inzwai shoko raJehovha, imwi munodedera neshoko rake: Hama dzenyu dzinokuvengai dzakakudzingai nekuda kwezita rangu, dzakati: Jehovha ngaarumbidzwe. Asi tichaona pamufaro wenyu, asi ivo vachanyadziswa.

6 Inzwi remhere-mhere rinobva muguta, inzwi rinobva mutembere, inzwi raJehovha rinodzosera tsivo kuvavengi vake.

7 Asati arwadziwa nemimba wakapona; marwadzo ake asati asvika wakabereka mwana mukomana.

8 Ndiani akambonzwa chinhu chakadai? Ndiani akamboona zvinhu zvakadai? Nyika ingaberekeswa nezuva rimwe here? Rudzi rwungazvarwe pakarepo here? Nokuti Ziyoni parangorwadziwa, rabereka vana varo.

9 Ini ndichaswededza pakubereka ndikasaberekesa here? anoreva Jehovha. Ini ndichaberekesa ndokudzivira chibereko here? anoreva Mwari wako.

10 Farai pamwe neJerusarema, mufarise naro, imwi mose munorida; pemberai nemufaro naro, imwi mose munorichema;

11 kuti muyamwe, mugute nemazamu enyaradzo yaro; kuti muyamwe kwazvo muzvifadze nekuwanda kwembiri yaro.

12 Nokuti anoreva seizvi Jehovha: Tarira, ndichatambanudzira rugare kwariri serwizi, nembiri yemarudzi serukova rwunoyerera; ipapo muchayamwa, muchatakurwa parutivi, nekuvaraidzwa pamabvi.

13 Seuyo mai vake vaanonyaradza, saizvozvo ndichakunyaradzai, zvino muchanyaradzwa muJerusarema.

14 Pamuchaona, moyo wenyu uchafara, uye mapfupa enyu achabuka sebundo; neruoko rwaJehovha rwuchazikanwa kuvaranda vake, uye achatsamwira vavengi vake.

15 Nokuti tarirai, Jehovha achauya nemoto, nengoro dzake sechamupupuri; kuti adzosere kutsamwa kwake nekupfuta, nekutsiura kwake nemirazvo yemoto.

16 Nokuti nemoto uye nemunondo wake Jehovha achapinda pamutongo nenyama yose; uye vakaurawa naJehovha vachava vazhinji.

17 Zvino vanozviita vatsvene nevanozvichenura mumabindu seri kwemuti umwe uri pakati, vachidya nyama yenguruve, nechinyangadzo, nembeva, vachapedzwa pamwe chete, anoreva Jehovha.

18 Nokuti ndinoziva mabasa avo nendangariro dzavo; kusvika pakuti ndichaunganidza marudzi ose nendimi dzose, zvino vachauya ndokuona kubwinya kwangu.

19 Uye ndichaisa chiratidzo pakati pavo, uye ndichatuma vakapukunyuka vavo kumarudzi; kuTarishishi, Puri, neRudhi, vanohwembura uta, kuTubhari, neJavhani, kuzviwi zviri kure zvisina kunzwa mbiri yangu, uye zvisina kuona kubwinya kwangu; uye vachazivisa kubwinya kwangu pakati pemarudzi.

20 Zvino vachauisa hama dzenyu dzose kuva chipo kuna Jehovha kubva kumarudzi ose, vari pamusoro pemabhiza, nemudzingoro, nemudzingoro dzine matenga, uye vari pamusoro pemahesera, nepamusoro pemhuka dzinomhanya, kuuya kugomo rangu dzvene Jerusarema, anoreva Jehovha, sevana vaIsraeri vachiuisa chipo mudziyo wakachena muimba yaJehovha.

21 Zvino ndichatorawo pavari vave vapristi, vave vaRevhi, anoreva Jehovha.

22 Nokuti sematenga matsva nenyika itsva, zvandichaita, zvichagara zviripo pamberi pangu, anoreva Jehovha, saizvozvo mbeu yako nezita rako zvichagara zviripo.

23 Zvino zvichava kubva pamwedzi kusvika pamwedzi waro, uye kubva paSabata kusvika paSabata raro, nyama yose ichauya kuzvifugamisa pamberi pangu, anoreva Jehovha.

24 Zvino vachabuda, ndokuona zvitunha zvevanhu vakanditadzira; nokuti honye yavo haingafi, nemoto wavo haungadzimwi; uye vachava chisemeso kunyama yose.