ShonaTeam Isaiah « 65 »

Vanomukira Jehovha vacharohwa

65Ndakatsvakwa nevasina kundibvunza; ndakawanikwa nevasina kunditsvaka; ndakati: Nditarirei, nditarirei; kurudzi rwusina kudanwa nezita rangu.

2 Ndakatambanudzira maoko angu zuva rose kuvanhu vanopanduka, vanofamba nenzira isina kunaka, vachitevera ndangariro dzavo;

3 vanhu vanogara vachinditsamwisa pachiso changu, vanoita zvibairo mumabindu, uye vanopisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira pamusoro pezvitinha;

4 vanogara pakati pemakuva, uye vanorara panzvimbo dzakavandika; vanodya nyama yenguruve, uye muto wezvinhu zvinonyangadza mumidziyo yavo.

5 Vanoti: Iva pedo newe, usaswedera kwandiri, nokuti ndiri mutsvene kupfuura iwe. Ava utsi mumhino dzangu, moto unopfuta zuva rose.

6 Tarirai zvakanyorwa pamberi pangu: Handinganyarari, asi ndichatsiva, zvirokwazvo ndichatsiva pachipfuva chavo,

7 zvakaipa zvenyu, nezvakaipa zvemadzibaba enyu pamwe chete, anoreva Jehovha, vakapisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira pamusoro pemakomo, nekundinyomba pamusoro pezvikomo; naizvozvo ndichayera basa ravo rekutanga pachipfuva chavo.

8 Anoreva seizvi Jehovha: Waini itsva sezvainowaikwa musumbu remazambiringa, umwe akati: Usariparadza, nokuti ropafadzo iri mariri; ndichaita saizvozvo nekuda kwevaranda vangu, kuti ndisavaparadza vose.

9 Zvino ndichabudisa mbeu kubva muna Jakove, uye kubva muna Judha mugari wenhaka yemakomo angu; zvino vasanangurwa vangu vachaagara nhaka, uye varanda vangu vachagaramo.

10 Zvino Sharoni richava danga remapoka, nemupata weAkori nzvimbo yekurara mombe pasi, yevanhu vangu vakanditsvaka.

11 Asi imwi munosiya Jehovha, munokanganwa gomo rangu dzvene, munogadzirira Rombo Rakanaka tafura, nekuzadzira Mugumo waini yakavhenganiswa.

12 Naizvozvo ndichakuverengerai kumunondo, uye mose muchakotamira kubayiwa; nokuti pandakadana hamuna kupindura; pandakataura hamuna kunzwa; asi makaita zvakaipa pameso pangu, mukasarudza zvandisina kufadzwa nazvo.

13 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai, varanda vangu vachadya, asi imwi muchava nenzara; tarirai, varanda vangu vachanwa, asi imwi muchava nenyota; tarirai, varanda vangu vachafara, asi imwi muchanyadziswa;

14 tarirai, varanda vangu vachaimba nemufaro wemoyo, asi imwi muchachema nekurwadziwa kwemoyo, muchaungudza nekuputsika kwemweya.

15 Zvino muchasiya zita renyu rive chakatukwa kuvasanangurwa vangu; nokuti Ishe Jehovha achakuurayai, asi achadaidza varanda vake nerimwe zita;

16 kuti iye anozviropafadza panyika, achazviropafadza kuna Mwari wechokwadi; neanopika panyika achapika naMwari wechokwadi; nokuti matambudziko ekutanga akanganikwa, uye nokuti akavanzika pameso angu.

17 Nokuti tarirai, ndinosika matenga matsva nenyika itsva; uye zvinhu zvekutanga hazvingarangarirwi, uye hazvingapindi mumoyo.

18 Asi farai mufarisise nekusingaperi sezvandinosika, nokuti tarirai, ndinosika Jerusarema kuva mufaro, nevanhu varo kuva mufaro.

19 Zvino ndichafara muJerusarema, nekuva nemufaro nevanhu vangu; uye inzwi rekuungudza harichazonzwikwi mariri kana inzwi rekuchema.

20 Kubva ipapo hapangazovi nemucheche wemazuva mashoma, kana mutana asina kuzadzisa mazuva ake; nokuti mwana achafa ava nemakore zana, asi mutadzi ane makore zana achatukwa.

21 Zvino vachavaka dzimba ndokugara; uye vachadzvara minda yemizambiringa ndokudya michero yayo.

22 Havangavaki umwe ndokugara, havangadzvari umwe ndokudya, nokuti semazuva emuti, akadaro mazuva evanhu vangu. Zvino vasanangurwa vangu vachanakirwa nebasa remaoko avo nguva refu.

23 Havangashingairiri pasina, uye havangaberekeri dambudziko, nokuti ivo imbeu yevaropafadzwa vaJehovha, nezvibereko zvavo pamwe navo.

24 Zvino zvichaitika vasati vadana kuti ini ndichapindura; vachiri kutaura ini ndichanzwa.

25 Bumhi negwayana zvichafura pamwe chete, uye shumba ichadya uswa senzombe, uye guruva richava zvekudya zvenyoka. Hazvingakuvadzi uye hazvingaparadzi mugomo rangu dzvene rose; anoreva Jehovha.