ShonaTeam Isaiah « 64 »

64Dai maibvarura matenga, maiburuka pasi, makomo ayerere pakuvapo kwenyu,

2 sekupisa kwemoto unonyungudusa, moto unovidza mvura, kuzivisa zita renyu kuvadzivisi venyu, marudzi adedere pakuvapo kwenyu!

3 Pamakaita zvinhu zvinotyisa, zvatisina kutarisira, imwi makaburuka pasi, makomo akayerera pakuvapo kwenyu.

4 Nokuti kubva kare havana kunzwa, havana kunzwisisa nenzeve, ziso harina kuona, Mwari, kunze kwenyu, anobatira vanomumirira.

5 Munochingamidza anofara neanoita kururama, anokurangarirai munzira dzenyu. Tarirai imwi makatsamwa, nokuti takatadza; mune ava mune kuenderera mberi, zvino tichaponeswa.

6 Asi tose takaita sewakasviba; uye kururama kwedu kose semucheka wemukadzi ari kumwedzi; uye tose tinobvuruvara seshizha; uye zvakaipa zvedu, semhepo, zvakatipeperesa.

7 Zvino hakuna anodana nezita renyu, anozvimutsira kubatirira kwamuri; nokuti makativanzira chiso chenyu, uye makatinyausa nekuda kwezvakaipa zvedu.

8 Asi ikozvino, Jehovha, imwi muri baba vedu; isu tiri ivhu, uye imwi muri muumbi wedu, uye tose tiri basa reruoko rwenyu.

9 Regai kutsamwa zvikurusa, Jehovha, uye regai kurangarira zvakaipa nekusingaperi; tarirai, doonai, tose tiri vanhu venyu.

10 Maguta enyu matsvene ava renje, Ziyoni rava renje, Jerusarema idongo.

11 Imba yedu tsvene uye yedu yakanakisa, madzibaba edu maaikurumbidzai, yapiswa nemoto; nezvinhu zvedu zvose zvinofadza zvava dongo.

12 Muchazvidzora here nekuda kwezvinhu izvi, Jehovha? Muchanyarara, matitambudza kupfuurisa here?