ShonaTeam Isaiah « 63 »

Kutongwa kwemarudzi

63Ndiyani uyu anobva Edhomu, ane nguvo dzakatsvuka, anobva Bhozira? Uyu anorumbidzika nezvipfeko zvake, anofamba neukuru hwesimba rake? Ndini ndinotaura nekururama, ndine simba rekuponesa.

2 Sei zvipfeko zvenyu zvakatsvuka, nenguvo dzenyu seanotsika muchisviniro chewaini?

3 Ndakatsika chisviniro chewaini ndoga; uye kwaiva kusina munhu aiva neni pavanhu; nokuti ndakavatsika pakutsamwa kwangu, uye ndakavapwanya pakupfuta kwangu, neropa ravo rikatsatikira panguvo dzangu, uye ndakasvibisa zvipfeko zvangu zvose.

4 Nokuti zuva retsivo riri mumoyo mangu, uye gore revakadzikunurwa vangu rasvika.

5 Zvino ndakatarisa asi paiva pasina angabatsira, uye ndakashamisika zvikuru kuti paiva pasina angatsigira; naizvozvo ruoko rwangu rwakauisa ruponeso kwandiri, zvino kupfuta kwangu ndiko kwakanditsigira.

6 Zvino ndichatsika vanhu mukutsamwa kwangu, nekuvadhakisa nekupfuta kwangu, nekuburusira pasi simba ravo.

Kunaka kwaJehovha kuna Israeri

7 Ndicharangaridza rudo rweunyoro ukuru hwaJehovha, rumbidzo dzaJehovha, zvichienderana nezvose Jehovha zvaakatipa, nekunaka kukuru kuimba yaIsraeri, kwaakavapa zvichienderana nengoni dzake zhinji, uye zvichienderana neuwandu hwerudo rweunyoro ukuru hwake.

8 Nokuti wakati: Zvirokwazvo ivo vanhu vangu, vana vasingatauri nhema; naizvozvo wakava Muponesi wavo.

9 Padambudziko ravo rose iye wakatambudzika, uye mutumwa wekuvapo kwake wakavaponesa; murudo rwake nemutsitsi dzake iye wakavadzikinura; zvino wakavasimudza nekuvatakura mazuva ose ekare.

10 Asi ivo vakapanduka, ndokurwadzisa Mweya wake Mutsvene; naizvozvo wakashanduka kuva muvengi wavo, iye akarwa navo.

11 Zvino wakarangarira mazuva ekare, Mozisi, vanhu vake. Aripi iye wakavakwidza kubva mugungwa nemufudzi wemakwai weboka rake? Aripi iye wakaisa Mweya wake Mutsvene mukati make?

12 Wakatungamirira neruoko rwerudyi rwaMozisi neruoko rwake rwunobwinya; achiparadzanisa mvura pamberi pavo, kuti azviitire zita rekusingaperi?

13 Wakavatungamirira nemuudziku ukuru? Sebhiza murenje, havana kugumburwa.

14 Semombe inoburukira mumupata, Mweya waJehovha wakamuzorodza. Saizvozvo makatungamirira vanhu venyu, kuti muzviitire zita rine mukurumbira.

15 Tarirai pasi muri kumatenga, zvino muone kubva paugaro hweutsvene hwenyu uye hwekubwinya kwenyu. Kuripi kushingaira kwenyu, nemasimba enyu, kurira kweura hwenyu, nengoni dzenyu zhinji kwandiri, zvinozvidzora here?

16 Zvirokwazvo imwi muri baba vedu, kunyange Abhurahama asingatizivi, naIsraeri asingatibvumi; imwi Jehovha muri baba vedu, mudzikunuri wedu; zita renyu ririko nekusingaperi.

17 Jehovha, sei muchiita titsauke kubva panzira dzenyu, muchiomesa moyo yedu kuti tirege kukutyai? Dzokai nekuda kwevaranda venyu, marudzi enhaka yenyu.

18 Vanhu veutsvene hwenyu vakava nayo kwechinguvana; vavengi vedu vakatsika-tsika imba yenyu tsvene.

19 Tiri venyu; hamuna kumbotonga pamusoro pavo, havana kumbodanwa nezita renyu.