ShonaTeam Isaiah « 62 »

Jerusarema rakavandudzwa

62Nekuda kweZiyoni handinganyarari, uye nekuda kweJerusarema handingazorori, kusvika kururama kwaro kuchibuda sechiedza, neruponeso rwaro semwenje unopfuta.

2 Zvino marudzi achaona kururama kwako, nemadzimambo ose kubwinya kwako; uye uchadanwa nezita idzva, muromo waJehovha warichatumidza.

3 Zvino uchava korona yerunako muruoko rwaJehovha, neukomba hweumambo muruoko rwaMwari wako.

4 Hauchazonzi Musiiwa; nenyika yako haichazonzi Dongo; asi uchanzi Hefizi-Bha, nenyika yako Bheura; nokuti Jehovha anofadzwa newe, nenyika yako ichawanikwa.

5 Nokuti jaya sezvarinowana mhandara, saizvozvo vanakomana vako vachakuwana; uye muwani sezvaanofarira mwenga, saizvozvo Mwari wako achakufarira.

6 Ndakaisa nharirire pamusoro pemasvingo ako, Jerusarema; zuva rose neusiku hwose havangatongonyarari; imwi vayeudziri vezvaJehovha, regai kunyarara.

7 Uye musamuzorodza, kusvika asimbisa izvozvo, uye kusvika aita Jerusarema rive rumbidzo panyika.

8 Jehovha wakapika neruoko rwake rwerudyi uye neruoko rwesimba rake, achiti: Zvirokwazvo handichazopi zviyo zvako zvive kudya kwevavengi vako, nevanakomana vemutorwa zvirokwazvo havanganwi waini yako itsva yawakatamburira.

9 Asi vakazviunganidza vachazvidya, uye vacharumbidza Jehovha; uye vakaibwerengedza vachainwa pazvivanze zveutsvene hwangu.

10 Pfuurai, pfuurai nemumasuwo, gadzirai nzira yevanhu; simudzai, simudzai mugwagwa mukuru, bvisai mabwe, simudzirai vanhu mureza.

11 Tarirai, Jehovha wakanzwikwa kusvika kumugumo wenyika: Iti kumukunda weZiyoni: Tarira, ruponeso rwako rwunouya; tarira, mubairo wake anawo, uye zvaanoripira zviri pamberi pake.

12 Zvino vachavatumidza kuti: Vanhu Vatsvene, Vakadzikunurwa vaJehovha; newe uchatumidzwa kuti: Mutsvakwa, Guta risina kusiiwa.