ShonaTeam Isaiah « 61 »

Mashoko emufaro anoparidzirwa Ziyoni

61Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu; nokuti Jehovha wakandizodza kuti ndiparidze mashoko akanaka kuvanyoro; wakandituma kuti ndisunge vane moyo yakaputsika, kuti ndiparidze rusununguko kune vakatapwa, nekuzarurwa kwetirongo kune vakasungwa;

2 kuparidza gore renyasha dzaJehovha, nezuva retsivo raMwari wedu; kunyaradza vose vanorira;

3 kugadzira vanorira paZiyoni, kuvapa runako pachinzvimbo chemadota, mafuta emufaro pachinzvimbo chekurira, nguvo yekurumbidza pachinzvimbo chemweya wekuremerwa, kuti vanzi miti yakasimba yekururama, chakasimwa chaJehovha, kuti akudzwe.

4 Zvino vachavaka matongo ekare; vachasimudza kuparara kwekutanga; uye vachagadzirisa maguta ari matongo, akaparadzwa ezera nezera.

5 Zvino vatorwa vachamira vafudze mapoka enyu; nevanakomana vevaeni vave varimi venyu nevabati venyu veminda yemizambiringa.

6 Asi imwi muchanzi vapristi vaJehovha; vachakutii vashumiri vaMwari wedu; muchadya fuma yemarudzi, uye muchazvikudza mukubwinya kwawo.

7 Pachinzvimbo chechinyadzo chenyu muchapamhidzirwa kaviri; pakushorwa vachafarira mugove wavo; naizvozvo panyika yavo vachava nemigove miviri, mufaro usingaperi uve wavo.

8 Nokuti ini Jehovha ndinoda mutongo; ndinovenga kupamba pachibairo chinopiswa; zvino ndichapa mubairo wavo muchokwadi; uye ndichaita sungano yekusingaperi navo.

9 Zvino mbeu yavo ichazikanwa pakati pemarudzi, nezvibereko zvavo pakati pevanhu; vose vanovaona vachavaziva kuti imbeu Jehovha yaakaropafadza.

10 Ndichafara zvekufara muna Jehovha; mweya weupenyu wangu uchava nemufaro muna Mwari wangu; nokuti wakandipfekedza nguvo dzeruponeso, akandifukidza chipfeko chekururama, semuwani anoshonga korona, uye semwenga unozvishongedza neukomba hwake.

11 Nokuti nyika sezvainobudisa bukira rayo, nebindu sezvarinomeresa zvakadzvarwa zvaro, saizvozvo Ishe Jehovha achameresa kururama nekurumbidzwa pamberi pemarudzi ose.