ShonaTeam Isaiah « 60 »

Kunaka kweJerusarema rakavandudzwa

60Simuka, uvheneke, nokuti chiedza chako chasvika, nekubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako.

2 Nokuti, tarira, rima richafukidza nyika, nerima guru vanhu; asi Jehovha achabuda pamusoro pako, uye kubwinya kwake kuchaonekwa pamusoro pako.

3 Zvino vahedheni vachauya kuchiedza chako, nemadzimambo kukubwinya kwekubuda kwako.

4 Simudzira meso ako kumativi ose, uone, vose vanoungana pamwe, vanouya kwauri; vanakomana vako vachauya kubva kure, uye vakunda vako vacharerwa parutivi.

5 Ipapo uchaona, uye uchapenya, uye moyo wako uchadedera, uye uchakuriswa, nokuti kuwanda kwegungwa kuchashandurwa kwauri, varwi vemarudzi vachauya kwauri.

6 Uwandu hwemakamera huchakufukidza, mhuru dzemakamera eMidhiyani neEfa; ose anobva Shebha achauya, achaunza goridhe nezvinonhuhwira, achaparidza rumbidzo huru yaJehovha.

7 Makwai ose eKedhari achaunganidzirwa kwauri, makondohwe eNebhayoti achakushumira; achauya nekugamuchirika pamusoro pearitari yangu, uye ndicharumbidza imba yekukudzwa kwangu.

8 Ndivana ani ava vanobhururuka segore, uye senjiva dzinouya kumahwindo adzo?

9 Zvirokwazvo zviwi zvichandimirira, nezvikepe zveTarishishi pakutanga, kuunza vanakomana vako kubva kure, sirivha yavo negoridhe ravo pamwe navo, kuzita raJehovha Mwari wako, nekuMutsvene waIsraeri, nokuti wakakukudza.

10 Zvino vanakomana vevatorwa vachavaka masvingo ako, uye madzimambo avo achakushumira; nokuti mukutsamwa kwangu ndakakurova, asi munyasha dzangu ndakakunzwira tsitsi.

11 Zvino masuwo ako achagara akazaruka; haangapfigwi siku nesikati; kuti vakuvigire fuma yemarudzi, uye madzimambo avo aunzwe.

12 Nokuti rudzi neushe zvisingazokushumiri zvichaparara, hongu, marudzi achava matongo kwazvo.

13 Kubwinya kweRebhanoni kuchauya kwauri, mufiri*, mupaini nemusaipuresi pamwe chete, kushongedza nzvimbo yenzvimbo yangu tsvene; uye ndichabwinyisa nzvimbo yetsoka dzangu.

14 Nevanakomana veavo vanokutambudza vachauya kwauri vachikotama; nevose vaikuzvidza vachazvikotamisira pasi petsoka dzako; uye vachakutumidza kuti: Guta raJehovha, Ziyoni reMutsvene waIsraeri.

15 Pachinzvimbo chekuti usiiwe nekuvengwa, uye pasina anopfuura nemauri, ndichakuita uve nembiri nekusingaperi, mufaro wezera nezera.

16 Zvino uchanwa mukaka wemarudzi, uye uchanwa mazamu emadzimambo; uye uchaziva kuti ini Jehovha ndini Muponesi wako, neMudzikunuri wako, Wemasimbaose waJakove.

17 Panzvimbo yendarira ndichaunza goridhe, nepanzvimbo yedare ndichaunza sirivha, nepanzvimbo yematanda ndarira, nepanzvimbo yemabwe dare. Ndichaita vabati vako vave rugare, nevamanikidzi vako vave kururama.

18 Kuita nechisimba hakuchazonzwikwi panyika yako, kupamba nekuparadza pakati pemiganhu yako; asi uchadaidza masvingo ako kuti: Ruponeso; nemasuwo ako kuti: Rumbidzo.

19 Zuva harichazovi chiedza kwauri masikati, nemwedzi haungazokuvhenekeri kuve kupenya; asi Jehovha achava kwauri chiedza chisingaperi, naMwari wako ave kunaka kwako.

20 Zuva rako harichazoviri, nemwedzi wako haungazvibvisi; nokuti Jehovha achava chiedza chako chisingaperi, uye mazuva ekuchema kwako achaguma.

21 Uye vanhu vako vose vachava vakarurama; vachagara nhaka yenyika nekusingaperi, davi rekusima kwangu, basa remaoko angu, kuti ndikudzwe.

22 Mudiki achava churu, uye wakadukupa ave rudzi rwune simba. Ini Jehovha ndichazvikurumidzisa nenguva yake.