ShonaTeam Isaiah « 59 »

Zvivi zvevanhu vaJehovha

59Tarirai, ruoko rwaJehovha harwuna kupfupiswa, kuti rwurege kuponesa; uye nzeve yake haina kuremerwa, kuti irege kunzwa.

2 Asi zvakaipa zvenyu zvakaparadzanisa pakati penyu naMwari wenyu, uye zvivi zvenyu zvakakuvanzirai chiso chake kuti arege kunzwa.

3 Nokuti maoko enyu akasvibiswa neropa, neminwe yenyu nezvakaipa; miromo yenyu yakataura nhema, rurimi rwenyu rwakagunun'una zvakashata.

4 Hakuna anodanidzira nekururama, uye hakuna anoreverera nechokwadi; vanovimba nezvisina maturo uye vanoreva nhema; vanobata pamuviri pezvakashata, ndokubereka zvakaipa.

5 Vanochochonya mazai emvumbi, nekuruka dandira redandemutande; anodya zvemazai aro achafa; nerinopwanyika rinobudisa nyoka ine uturu.

6 Matandira avo haangavi nguvo, uye havangazvifukidzi nemabasa avo. Mabasa avo mabasa ezvakaipa, uye kuita nechisimba kuri pamaoko avo.

7 Tsoka dzavo dzinomhanyira kune zvakaipa, uye vanokurumidza kuteura ropa risina mhosva; ndangariro dzavo indangariro dzezvakaipa; kuparadza nekuputsanya zviri panzira dzavo.

8 Nzira yerugare havaizivi; uye hapana mutongo pamakwara avo; vakazviminamisira nzira dzavo; ani nani anofamba maari haangazivi rugare.

9 Naizvozvo mutongo uri kure nesu, uye kururama hakungasvikiri kwatiri; tinorindira chiedza, asi tarirai, rima; tinorindira kubwinya kukuru, asi tinofamba parima guru.

10 Tinotsvangadzira pamadziro semapofu; hongu tinotsvangadzira sepasina meso; tinogumburwa masikati makuru sezvinonzi kosviba; tiri panzvimbo dzakaparara sevakafa.

11 Tinoomba tose semabheya, nekuchema zvikuru senjiva; tinorindira mutongo, asi hakuna; ruponeso, asi rwuri kure nesu.

12 Nokuti zvitadzo zvedu zvakawanda pamberi penyu, uye zvivi zvedu zvinotipupurira; nokuti zvitadzo zvedu zvinesu, uye tinoziva zvakaipa zvedu;

13 kudarikira, nekuramba Jehovha, nekubva pakutevera Mwari wedu, kutaura manikidzo nekumukira, kubata pamuviri nekutaura mashoko enhema anobva pamoyo.

14 Zvino mutongo unodzoserwa shure, uye kururamisira kunomira kure, nokuti chokwadi chawira pasi panzira yemumusha, uye kutendeka hakugoni kupinda.

15 Hongu, chokwadi chinoshaikwa, uye anoparadzana nechakaipa anozviita chakapambiwa. Uye Jehovha wakaona, zvino zvakava zvakaipa pameso ake kuti hakuna mutongo.

16 Zvino wakaona kuti kwaiva kusina munhu, wakashamiswa zvikuru kuti kwaiva kusina murevereri, naizvozvo ruoko rwake rwakauya neruponeso kwaari, uye kururama kwake ndiko kwakamutsigira.

17 Nokuti wakapfeka kururama senguvo yeutare, nengowani yeruponeso pamusoro wake, uye akapfeka nguvo dzetsivo sechipfeko, wakazvifukidza kushingaira sejazi.

18 Zvichienderana nezviito, saizvozvo acharipira, hasha kune vadzivisi vake, tsivo kuvavengi vake; kuzviwi acharipira tsivo.

19 Saizvozvo vachatya zita raJehovha kubva kumavirazuva, neukuru hwake kubva kumabudazuva; muvengi paachapinda sefashame, mweya waJehovha uchamusimudzira chiratidzo.

20 Zvino Mudzikunuri achasvika paZiyoni, nekune vanodzoka pakudarika pakati paJakove, anoreva Jehovha.

21 Kana ndirini, iyi isungano yangu navo, anoreva Jehovha: Mweya wangu uri pamusoro pako, nemashoko angu andakaisa mumuromo mako, hazvingabvi mumuromo mako, kana mumuromo wembeu yako, kana mumuromo wembeu yembeu yako, anoreva Jehovha, kubva zvino kusvika rinhi narinhi.