ShonaTeam Isaiah « 58 »

Kutsanya kwechokwadi

58Danidzira nehuro, usarega, simudza inzwi rako sehwamanda, uye taridza vanhu vangu chitadzo chavo, neimba yaJakove zvivi zvavo.

2 Zvakadaro vanonditsvaka zuva nezuva, uye vanoshuva ruzivo rwenzira dzangu, serudzi rwakaita kururama, uye rwusina kusiya mutongo waMwari warwo, vanondibvunza mitongo yekururama, vanoshuva kuswedera kuna Mwari.

3Vanoti: Takatsanyirei, zvino imwi mukasazviona? Sei takatambudza mweya weupenyu wedu, imwi mukasazviziva? Tarirai, pazuva rekutsanya kwenyu makawana mufaro, uye makamanikidza vabati venyu vose.

4 Tarirai, munotsanya kuti mupokane nekukakavadzana, nekurova netsiva yezvakaipa; musatsanya sanhasi, kuita kuti inzwi renyu rinzwike kumusoro.

5 Kutsanya kwandakasarudza kwakadaro here? Izuva rekuti munhu atambudze mweya weupenyu wake here? Kuti akotamise musoro wake serutsanga, nekuwarira masaga nemadota pasi pake here? Izvi ungazviti ndiko kutsanya uye zuva remufaro kuna Jehovha here?

6 Hakusi iko uku kutsanya kwandakasarudza here? Kusunungura mabote ezvakaipa, kusunungura makashu ejoko, kurega vakamanikidzwa vaende vakasununguka, uye kuti muvhune joko rimwe nerimwe here?

7 Hakusi iko kugovera ane nzara chingwa chako, nekupinza varombo vadzungairi mumba, paunoona wakashama ndokumufukidza, uye usazvivanza panyama yako here?

8 Ipapo chiedza chako chichadhuuka semambakwedza, uye kupora kwako kuchabukira nekukurumidza, zvino kururama kwako kuchafamba pamberi pako, kubwinya kwaJehovha kuchakurinda mumashure.

9 Ipapo uchadana, uye Jehovha achapindura; uchachema, zvino iye achati: Tarira, ndiri pano. Kana uchibvisa pakati pako joko, kutendeka nemunwe, nekutaura zvakaipa,

10 kana ukabudisira mweya weupenyu wako kune ane nzara, ukagutsa mweya weupenyu unotambudzika, ipapo chiedza chako chichabuda makasviba, nerima rako rive semasikati makuru.

11 Zvino Jehovha achakutungamirira rinhi narinhi, uye achagutisa mweya weupenyu wako munzvimbo dzakatsva, nekusimbisa mapfupa ako. Zvino uchava sebindu rakadiridzwa, uye sechitubu chemvura, mvura yacho isingaperi.

12 Uye vanhu vako vachavaka matongo ekare; uchamutsa nheyo dzemazera nemazera; uye uchanzi: Mushosheri wepakakoromoka, muvandudzi wenzira dzekugara.

13 Kana uchidzora rutsoka rwako kubva pasabata, kuita mufaro wako pazuva rangu dzvene, uchidana sabata kuti mafaro, dzvene raJehovha, rinoremekedzwa, uye uchariremekedza, usingaiti nzira dzako, usingawani mufaro wako, kana kutaura shoko;

14 ipapo uchazvifadza muna Jehovha; uye ndichakutasvisa pamusoro penzvimbo dzakakwirira dzenyika, nekukudyisa nhaka yaJakove baba vako; nokuti muromo waJehovha wataura.