ShonaTeam Isaiah « 57 »

57Wakarurama anoparara, zvino hakuna munhu anozviisa pamoyo; uye vanhu vane tsitsi vanobviswa, pasina anorangarira kuti wakarurama anobviswa kubva pane zvakaipa.

2 Achapinda murugare, vachazorora pamibhedha yavo, umwe neumwe achifamba pauchokwadi hwake.

3 Asi swederai pano, imwi vanakomana vemukadzi muroyi, chibereko chemhombwe, nemukadzi chifeve.

4 Munotambira ani? Munoshamisira ani muromo, muchibudisa rurimi? Hamusi vana vekudarika, chibereko chenhema here?

5 Munozvipfutidza pakati pemiouki, pasi pemuti umwe neumwe mutema, muchiuraya vana mumipata, pasi pemikaha yemabwe.

6 Mugove wako uri pakati pemabwe anotedza erwizi, iwo, iwo achava mujenya wako, uye kwaari wakadurura chipo chechinwiwa, wakapa nechipo chechidyiwa. Ndichazvidemba pane izvi here?

7 Pamusoro pegomo rakareba uye rakakwirira wakaisa nhovo yako, wakakwirawo ipapo kubaira chibairo.

8 Zvino shure kwegonhi nemagwatidziro makaisa chirangaridzo chenyu; nokuti makazviratidza kune umwe kupfuura ini, uye makakwira; makakurisa mubhedha wenyu, mukazviitira sungano navo; wakada mubhedha wavo pawakamuona.

9 Zvino wakaenda kuna mambo nemafuta, uye wakawanza zvinonhuhwira zvako, ndokutuma nhume dzako kure, zvino ukazvidukupisa mugehena.

10 Wakaneta muukuru hwenzira yako, asi hauna kuti: Hakuna tariro. Wakawana upenyu hweruoko rwako; naizvozvo hauna kupera simba.

11 Zvino wakatya ani ukavhunduswa, kuti utaure nhema usingandirangariri, usina kuzviisa mumoyo mako? Handina kunyarara here, zvirokwazvo kwenguva refu, asi hauna kunditya?

12 Ini ndichaparidza kururama kwako, nemabasa ako, kuti hazvingakubatsiri.

13 Kana uchichema, zvaunga zvako ngazvikununure, asi mhepo ichavapeperesa vose, kushaya maturo kuchavatora; asi anovimba neni, nyika ichava yake, achagara nhaka yegomo rangu dzvene.

14 Zvino achati: Tutirai, tutirai, gadzirai nzira, bvisa chigumbuso panzira yevanhu vangu.

15 Nokuti anoreva seizvi ari pamusoro neakakwirira, anogara mukusingaperi, ane zita rinonzi Mutsvene: Ndinogara pakakwirira nepatsvene, uye pamwe naye ane mweya wakapwanyika uye wakazvininipisa, kuvandudza mweya wevakazvininipisa, nekuvandudza moyo wevakapwanyika.

16 Nokuti handingapikisi nekusingaperi, uye handingatsamwi nguva dzose; nokuti mweya ungapera simba pamberi pangu, nemweya yeupenyu ini yandakaita.

17 Nekuda kwekuipa kwekuchiva kwake ndakatsamwa, ndikamurova, ndikazvivanza, ndakatsamwa, asi wakaenderera achitsauka nenzira yemoyo wake.

18 Ndaona nzira dzake, uye ndichamuporesa, ndichamutungamirirawo, nekudzosa nyaradzo kwaari nekuvachemi vake.

19 Ndinosika chibereko chemiromo; rugare, rugare kune ari kure nekune ari pedo, anoreva Jehovha, zvino ndichamuporesa.

20 Asi vakaipa vakaita segungwa rakabvongodzwa; nokuti harigoni kuzorora, uye mvura yaro zhinji inobudisa matope nemarara.

21 Hakuna rugare, anoreva Mwari wangu, kune vakaipa.