ShonaTeam Isaiah « 56 »

Kuropafadzwa kwevahedheni vanobatirira pasungano yaJehovha

56Anoreva seizvi Jehovha: Chengetai mutongo, uye itai kururamisa, nokuti ruponeso rwangu rwava pedo kuuya, uye kururama kwangu kuti kuratidzwe.

2 Wakaropafadzwa munhu anoita izvi, nemwanakomana wemunhu anozvibatisisa; anochengeta sabata kubva pakurisvibisa, nekuchengeta ruoko rwake kubva pakuita chipi nechipi chakaipa.

3 Zvino asataura mwanakomana wemutorwa wakazvibatanidza kuna Jehovha, achiti: Jehovha wakandiparadzanisa kwazvo nevanhu vake; nemutenwa asati: Tarirai, ndiri muti wakaoma.

4 Nokuti anoreva seizvi Jehovha kuvatenwa vanochengeta masabata angu, nekusarudza zvinondifadza, nekubatirira pasungano yangu:

5 Ndichavapawo mumba mangu nemukati memasvingo angu nzvimbo nezita riri nani kune revanakomana nerevanasikana; ndichavapa zita risingaperi, risingazogurwi.

6 Nevanakomana vemutorwa vanozvisanganisa naJehovha, kumushumira, nekuda zita raJehovha, kuti vave varanda vake, umwe neumwe anochengeta sabata kubva pakurisvibisa, nekubatirira pasungano yangu;

7 neavo ndichavauisa pagomo rangu dzvene, ndivafadze muimba yangu yemunyengetero. Zvipo zvavo zvinopiswa nezvibairo zvavo zvichagamuchirwa pamusoro pearitari yangu; nokuti imba yangu ichanzi imba yemunyengetero yemarudzi ose.

8 Ishe Jehovha anounganidza vakadzingwa vaIsraeri, anoti: Ndichavaunganidzazve vamwe kwaari, kunze kwevakaunganidzwa vake.

9 Imwi mose zvikara zvesango, uyai kuzodya, imwi mose zvikara zviri mudondo.

10 Nharirire dzake mapofu, vose havana ruzivo; vose imbwa mbeveve, havagoni kuhukura, vachirara, vachizvambarara, vachida kutsumwaira.

11 Zvirokwazvo, imbwa dzinokara, dzisingazivi kuguta; hongu, vafudzi vasingazivi kunzwisisa; vose vakatsaukira kunzira yavo, umwe neumwe kufuma yake, kubva kumugumo wake.

12Vanoti: Uyai, ndichatora waini, uye tichazvigutisa nezvinwiwa zvinodhaka, uye mangwana achava sanhasi, akanyaya kukurisa.