ShonaTeam Isaiah « 55 »

Uyai mutore ruponeso

55Nhai, imwi mose mune nyota, uyai kumvura zhinji; neasina mari, uyai, mutenge mudye; zvirokwazvo, uyai, mutenge pasina mari, uye pasina mutengo, waini nemukaka.

2 Sei muchiripira mari pane zvisiri zvekudya, nekushingaira kwenyu pane zvisingagutsi? Teererai kwazvo kwandiri, mugodya zvakanaka, uye mweya weupenyu wenyu ngauzvifadze nezvakakora.

3 Rerekai nzeve yenyu, mugouya kwandiri; inzwai, mweya weupenyu wenyu ugorarama. Zvino ndichaita sungano isingaperi nemwi, nyasha zhinji dzechokwadi dzaDhavhidhi.

4 Tarira, ndakamupa ave chapupu kuvanhu, mutungamiriri nemurairi kuvanhu.

5 Tarira, uchadana rudzi rwausingazivi, uye rudzi rwaiva rusingakuzivi ruchamhanyira kwauri, nekuda kwaJehovha Mwari wako, nekweMutsvene waIsraeri; nokuti wakakurumbidza.

6 Tsvakai Jehovha achiri kuwanikwa; mudanei achiri pedo.

7 Wakaipa ngaasiye nzira yake, nemunhu asakarurama ndangariro dzake; uye ngaadzokere kuna Jehovha; zvino iye achamunzwira tsitsi; nekuna Mwari wedu, nokuti achakanganwira zvikuru.

8 Nokuti ndangariro dzangu hadzisi ndangariro dzenyu, uye nzira dzenyu hadzisi nzira dzangu, anoreva Jehovha.

9 Nokuti matenga akakwirira kupfuura nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupfuura nzira dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.

10 Nokuti mvura sezvainoburuka, nemagada echando kubva kumatenga, uye zvisingazodzokeriko, asi zvinodiridza nyika, zvichiiberekesa nekuitungisa maruva, kuti ipe mbeu kumudzvari, uye zvekudya kumudyi,

11 richadaro shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina chinhu; asi richaita zvandinoda, richibudirira pane zvandakaritumira.

12 Nokuti muchabuda nemufaro, nekutungamirirwa nerugare; makomo nezvikomo zvichamukira mukuimba pamberi penyu; uye miti yose yesango ichaombera maoko.

13 Pachinzvimbo chemunzwa pachamera mufiri*, uye pachinzvimbo cherukato pachamera mumirite*; zvino zvichava kuna Jehovha zita, chive chiratidzo chisingaperi, chisingazogurwi.