ShonaTeam Isaiah « 54 »

Jehovha ane rudo rukuru neZiyoni

54Imba, iwe ngomwa, iye asina kubereka; pururudza, kuimba, uye danidzira, iwe usina kumborwadziwa nemimba; nokuti vana vewakasiiwa vazhinji kune vana vemukadzi wakawanikwa; anoreva Jehovha.

2 Kurisa nzvimbo yetende rako, uye ngavatatamure maketeni eugaro hwako uzhinji; usarega; rebesa mabote ako, uye usimbise mbambo dzako.

3 Nokuti uchapararira kuruoko rwerudyi nekuruboshwe; uye mbeu yako ichagara nhaka yevahedheni, iite maguta ari matongo agarwe.

4 Usatya, nokuti haunganyadziswi; uye usasvoda, nokuti haungavi nenyadzi; nokuti uchakanganwa nyadzi dzeudiki hwako, uye haungazorangariri kuzvidzwa kweuchirikadzi hwako.

5 Nokuti Muiti wako ndiye murume wako, Jehovha wehondo ndiro zita rake; uye Mudzikunuri wako ndiye Mutsvene waIsraeri; achanzi Mwari wenyika yose.

6 Nokuti Jehovha wakakudana semukadzi wakasiiwa ane shungu pamweya, uye mukadzi wechidiki paanorambiwa, anoreva Mwari wako.

7 Kwechinguvana chidiki ndakakusiya, asi nenyasha huru kwazvo ndichakuunganidza.

8 Nehasha dzinopupuma ndakakuvanzira chiso changu kwechinguvana; asi neunyoro husingaperi ndichakunzwira nyasha, anoreva Jehovha, Mudzikunuri wako.

9 Nokuti izvi zvakaita semvura zhinji yaNowa kwandiri, pandakapika kuti mvura zhinji yaNowa haingazodarikizve nepanyika; naizvozvo ndakapika kuti handichazokutsamwiri, kuti handichazokutsiuri.

10 Nokuti makomo achabva, nezvikomo zvizungunuke, asi unyoro hwangu haungabvi kwauri, uye sungano yangu yerugare haingazungunuki, anoreva Jehovha ane nyasha newe.

Jerusarema idzva

11 Iwe mutambudziki, wakaposerwa nedutu remhepo, usina kunyaradzwa, tarira, ndichaisa mabwe ako ave akanaka, uye ndichateya nheyo dzako nemabwe esafiri.

12 Zvino ndichaita shongwe dzako ne-agati*, nemasuwo ako nemabwe anovaima, nemuganhu wako wose nemabwe anofadza.

13 Nevana vako vose vachadzidziswa naJehovha, uye ruchava rukuru rugare rwevana vako.

14 Uchasimbiswa mukururama; uchava kure nemanikidzo, nokuti haungatyi, uye mukutya, nokuti hakungaswederi kwauri.

15 Tarirai, vachaungana zvirokwazvo, asi kwete neni. Ani nani uchaungana kurwa newe uchawa nekuda kwako.

16 Tarira, ini ndakasika mupfuri anopfutidza mazimbe mumoto, neanobudisa nhumbi yebasa rake; uye ini ndakasika muparadzi, kuti aparadze.

17 Hakuna chombo chipi nechipi chakagadzirirwa iwe chichabudirira; uye rurimi rumwe nerumwe rwunokukwirira pakutongwa ucharupa mhosva. Iyi inhaka yevaranda vaJehovha, nekururama kwavo kunobva kwandiri, anoreva Jehovha.