ShonaTeam Isaiah « 53 »

Kutambudzika kweMuranda waJehovha pachinzvimbo chedu

53Ndiani wakatenda mharidzo yedu? Uye ruoko rwaJehovha rwakazarurirwa kuna ani?

2 Nokuti achamera pamberi pake sechirimwa chichangomera, uye semudzi pavhu rakaoma; haana chimiro uye haana runako; patinomuona hapana rukwezvo kuti timude.

3 Anozvidzwa uye anorambwa nevanhu, munhu wekurwadziwa kukuru uye wakajaira marwadzo, setinovanza zviso kwaari; wakazvidzwa, uye hatina kumukudza.

4 Zvirokwazvo iye wakatakura marwadzo edu, ndokutakura kusuwa kukuru kwedu; asi isu takati wakarangwa, wakarohwa naMwari, uye wakatambudziwa.

5 Asi wakakuvadzwa nekuda kwezvitadzo zvedu, akapwanyiwa nekuda kweuipi hwedu; kurangwa kwerugare rwedu kwaiva pamusoro pake, uye takaporeswa nemavanga ake.

6 Isu tose semakwai takarasika, takatsauka umwe neumwe nenzira yake; uye Jehovha wakaburusira pamusoro pake uipi hwedu tose.

7 Wakamanikidzwa uye iye wakatambudzwa, zvakadaro haana kushamisa muromo wake; wakauyiswa pakubaiwa segwayana uye segwai rinyerere pamberi pevavevuri varo, saizvozvo haana kushamisa muromo wake.

8 Wakabviswa pakumanikidzwa nepakutongwa; zvino ndiani achazivisa zera rake? Nokuti wakagurwa akabviswa panyika yevapenyu. Nekuda kwechitadzo chevanhu vangu, shamhu yaiva paari.

9 Uye wakaita guva rake pamwe nevakaipa, uye akava pamwe nemufumi pakufa kwake, nokuti haana kuita chisakarurama, uye pasina kunyengera pamuromo wake.

10 Asi zvakafadza Jehovha kumupwanya, wakamurwarisa; kana mweya weupenyu wake uchiita chibairo chekudarika, achaona chibereko, acharebesa mazuva, uye mufaro waJehovha uchabudirira muruoko rwake.

11 Achaona zvinobva pakutambudzika kwemweya weupenyu wake, achagutiswa; kubudikidza neruzivo rwake muranda wangu wakarurama acharuramisira vazhinji, nokuti iye achatakura zvakaipa zvavo.

12 Naizvozvo ndichamugovera pamwe nevazhinji, uye achagoverana zvakapambiwa pamwe nevane simba; nokuti wakadurura mweya weupenyu wake pakufa, uye akaverengwa pamwe nevadariki, zvino iye wakatakura chivi chevazhinji, uye akareverera vadariki.