ShonaTeam Isaiah « 51 »

Kudzoswa kwaIsraeri

51Teererai kwandiri, imwi munotsvakisisa kururama, imwi munotsvaka Jehovha; tarirai kudombo pamakafomborwa, nekugomba remugodhi pamakacherwa.

2 Tarirai kuna Abhurahama baba venyu, nekuna Sara wakakuberekai; nokuti ndakamudana ari oga uye ndakamuropafadza ndokumuwanza.

3 Nokuti Jehovha achanyaradza Ziyoni; achanyaradza matongo aro ose; uye achaita renje raro rive seEdheni, negwenga raro rive sebindu raJehovha; mufaro nekupembera zvichawanikwamo, kuvonga, neinzwi rekuimba.

4 Teererai kwandiri, vanhu vangu; uye ipai nzeve kwandiri imwi rudzi rwangu; nokuti murairo uchabuda mandiri, uye ndichazorodza mutongo wangu uve chiedza chevanhu.

5 Kururama kwangu kuri pedo; ruponeso rwangu rwabuda; uye maoko angu achatonga vanhu; zviwi zvichandimirira, uye zvichavimba neruoko rwangu.

6 Simudzirai meso enyu kumatenga, uye mutarisise nyika pasi; nokuti matenga achanyangarika seutsi, nenyika ichasakara senguvo; nevagari vayo vachafa saizvozvo; asi ruponeso rwangu ruchava nekusingaperi, uye kururama kwangu hakungaparadzwi.

7 Teererai kwandiri, imwi munoziva kururama, rudzi mumoyo marwo mune murairo wangu; musatya kuzvidza kwemunhu, uye musavhunduswa nezvituko zvavo.

8 Nokuti chipfukuto chichavadya senguvo, nehonye ivadye semvere; asi kururama kwangu kuchavapo nekusingaperi, neruponeso rwangu kusvika kuzera remazera.

9 Muka, muka, zvifukidze simba, iwe ruoko rwaJehovha; muka sepamazuva ekare, pazera renguva dzekarekare. Hausi iwe here wakagura Rahabhi, wakakuvadza bukanana?

10 Hausi iwe here wapapwisa gungwa, mvura zhinji yeudziku ukuru, wakaita udziku ukuru hwegungwa huve nzira kuti vakadzikunurwa vapfuure nayo?

11 Naizvozvo vakadzikunurwa vaJehovha vachadzoka, uye vachauya nekuimba kuZiyoni, nemufaro wekusingaperi pamusoro pemusoro wavo. Vachawana mufaro nekupembera. Kusuwa nekugomera zvichatiza.

12 Ini, ndini ndinokunyaradzai; ndiwe ani kuti utye munhu anozofa? Kana mwanakomana wemunhu achaitwa uswa here?

13 Uye wakakanganwa Jehovha muiti wako, iye wakatatamura matenga, nekuteya nheyo dzenyika; unoramba uchitya mazuva ose nekuda kwehasha dzemumanikidzi, sezvinonzi akazvipira kuparara here? Zvino hasha dzemumanikidzi dziripi?

14 Musungwa wakatapwa anokurumidza kuti asunungurwe, kuti asafira mugomba, kuti kudya kwake kusashaikwa.

15 Nokuti ndini Jehovha Mwari wako anomutsa gungwa, kuti mafungu aro atinhire; Jehovha wehondo ndiro zita rake.

16 Zvino ndakaisa mashoko angu mumuromo mako, uye ndakakufukidza mumumvuri weruoko rwangu, kuti ndidzvare matenga, nekuteya nheyo dzenyika, uye nditi kuZiyoni: Muri vanhu vangu.

17 Muka, muka, simuka, Jerusarema, iwe wakanwa kubva paruoko rwaJehovha mukombe wekutsamwa kwake; wakanwa masese emukombe wekudederesa, ukaakweva.

18 Hakuna pakati pevanakomana vake vose vaakabereka angamutungamirira; uye hakuna angamubata neruoko pakati pevanakomana vose vaakarera.

19 Zviviri izvi zvakuwira; ndiani achakunzwira tsitsi? Kusiiwa nekuparadzwa nenzara nemunondo; ndichakunyaradza nani?

20 Vanakomana vako vaziya, varere panhongonya dzenzira dzose dzemumusha, sehando yesango mumambure; vazere hasha dzaJehovha, kutsiura kwaMwari wako.

21 Naizvozvo ikozvino inzwa ichi, iwe unotambudzika, uye wakadhakwa, asi kwete newaini.

22 Anoreva seizvi Ishe wako, Jehovha, naMwari wako, anoreverera nyaya yevanhu vake: Tarira, ndakabvisa muruoko rwako mukombe wekudzedzeresa, manzete emukombe wekutsamwa kwangu; haungazounwizve.

23 Asi ndichauisa muruoko rwevanokutambudza, ivo vakati kumweya weupenyu wako: Kotama, kuti tipfuure; iwe ukaita musana wako sevhu, uye senzira yemumusha kune vanopfuura.