ShonaTeam Isaiah « 50 »

50Anoreva seizvi Jehovha: Rwuripiko rugwaro rwekurambana rwamai venyu vandakadzinga? Kana ndiani wevakweretesi vangu wandakakutengesai kwaari? Tarirai, makatengeswa nekuda kwezvakaipa zvenyu, uye mai venyu vakadzingwa nekuda kwekudarika kwenyu.

2 Sei ndakasvika asi kwaiva kusina munhu? Ndakadana asi kwaiva kusina anopindura? Ruoko rwangu rwakapfupiswa zvekupfupiswa here kuti rwusadzikinura? Kana hakuna simba here kwandiri rekununura? Tarira, nekutsiura kwangu ndakaomesa gungwa; ndakaita nzizi dzive renje, hove dzaro dzive kunhuhwa, nokuti hakuna mvura, dzife nekuda kwenyota.

3 Ndinofukidza matenga nekusviba, uye ndinoita saga rive chifukidziro chawo.

Kuteerera kweMuranda waJehovha

4 Ishe Jehovha wakandipa rurimi rwevakadzidza, kuti ndizive kutaura shoko nenguva yakafanira kune vakaneta; anomutsa mangwanani nemangwanani, anomutsa nzeve yangu kuti ndinzwe sevakadzidza.

5 Ishe Jehovha wakazarura nzeve yangu, uye ini handina kupanduka, handina kudzokera shure.

6 Ndakapa musana wangu kuvarovi, nematama angu kune vakatavura muparavara; handina kuvanza chiso changu pakunyomba kukuru nekupfirwa.

7 Nokuti Ishe Jehovha achandibatsira; naizvozvo handina kunyadziswa; naizvozvo ndakamisa chiso changu semusarasara, uye ndinoziva kuti handinganyadziswi.

8 Ari pedo iye anonditi handina mhosva. Ndiyani achandirwisa? Ngatimirisane. Ndiani mupikisi wangu pakutongwa? Ngaaswedere kwandiri.

9 Tarirai, Ishe Jehovha achandibatsira; ndiani achandipa mhosva? Tarirai, avo vose vachasakara senguvo; chipfukuto chichavadya.

10 Ndiani pakati penyu anotya Jehovha, anoteerera kuinzwi remuranda wake? Anofamba murima guru, uye asina chiedza, ngaavimbe nezita raJehovha, uye asendame kuna Mwari wake.

11 Tarirai, imwi mose munobatidza moto, munozvisunga zviuno neubaribari; fambai muchiedza chemoto wenyu, nepakati peubaribari hwamakabatidza. Muchava neizvi kubva muruoko rwangu; mucharara pasi mukurwadziwa.