ShonaTeam Isaiah « 49 »

Muranda waJehovha

49Ndinzwei, zviwi, uye teererai, imwi marudzi ari kure: Jehovha wakandidana ndiri muchizvaro, ndiri muura hwamai vangu wakareva zita rangu.

2 Zvino wakaita muromo wangu semunondo unopinza; wakandivanza mumumvuri weruoko rwake; uye wakandiita museve unopenya; wakandiviga mugoba rake.

3 Wakati kwandiri: Ndiwe muranda wangu; Israeri wandinozvirumbidza maari.

4 Zvino ini ndakati: Ndakashingairira pasina; simba rangu ndakariparadzira pasina chinhu nezvisina maturo; zvirokwazvo mutongo wangu uri kuna Jehovha, uye mubairo wangu uri kuna Mwari wangu.

5 Zvino ikozvino anoreva Jehovha, wakandiumba kubva muchizvaro kuva muranda wake wekudzosera Jakove kwaari: Kunyange Israeri asina kuunganidzwa, zvakadaro ndicharumbidzwa pameso paJehovha, uye Mwari wangu achava simba rangu.

6 Zvino wakati: Chinhu chidikisa kuti uve muranda wangu wekumutsa marudzi aJakove, nekudzosa vakachengetedzwa vaIsraeri. Ndichakupawo kuva chiedza kuvahedheni, kuti uve ruponeso rwangu kusvika kumugumo wenyika.

7 Anoreva seizvi Jehovha, Mudzikunuri waIsraeri, Mutsvene wake, kumweya weupenyu unozvidzwa, kune anosemewa nerudzi, kumuranda wevabati: Madzimambo achaona ndokusimuka, machinda naiwo achanamata, nekuda kwaJehovha wakatendeka, Mutsvene waIsraeri, wakakusarudza.

8 Anoreva seizvi Jehovha: Nenguva inogamuchirika ndakakupindura, uye nezuva reruponeso ndakakubatsira. Zvino ndichakuchengeta ndigokupa kuva sungano yevanhu, kumutsa nyika, kugarisa nhaka dzakaparara,

9 kuti uti kuvasungwa: Budirai; kune vari murima: Zviratidzei. Vachadya padzinzira, nerufuro rwavo rwuchava panzvimbo dzose dzakakwirira.

10 Havangavi nenzara uye havangavi nenyota, nekupisa uye zuva hazvingavarovi, nokuti iye anovanzwira tsitsi achavatungamirira, achavaruramisira kumatsime emvura.

11 Zvino ndichaita makomo angu ose ave nzira, nenzira dzangu huru dzichasimudzirwa.

12 Tarirai, ava vachabva kure, uye tarira ava kumaodzanyemba nekumavirazuva, neava kunyika yeSinimi.

13 Imbai imwi matenga, uye fara iwe nyika, mupururudze imwi makomo nekuimba, nokuti Jehovha wanyaradza vanhu vake, nevakarwadziswa vake anovanzwira tsitsi.

14 Asi Ziyoni rakati: Jehovha wakandisiya, uye Ishe wangu wakandikanganwa.

15 Mukadzi angakanganwa mwana wake anoyamwa here, kuti asava netsitsi kumwanakomana wechizvaro chake? Zvirokwazvo ivo vangakanganwa, asi ini handingakukanganwi.

16 Tarira, ndakakunyora nekufombora pazvanza zvangu; masvingo ako agere pamberi pangu.

17 Vana vako vachakurumidza; vaparadzi vako nevanokupedza vachabuda mauri.

18 Simudzira meso ako kumativi ose, utarise, vose ava vanoungana, vanouya kwauri. Neupenyu hwangu, anoreva Jehovha, zvirokwazvo uchazvifukidza navo vose sechishongo, uzvisunge chiuno navo semwenga.

19 Nokuti nzvimbo dzako dzakaparara nenzvimbo dzako dzakasiiwa nenyika yako yakaparadzwa, zvirokwazvo ikozvino muchatsikirirana nekuda kwevagari, uye vanokumedza vachava kure.

20 Vana vekufirwa kwako vachatizve munzeve dzako: Nzvimbo iyi yakamanikana zvikuru kwandiri, ndizarurirwe nzvimbo kuti ndigare.

21 Ipapo uchati mumoyo mako: Ndiani wakandiberekera ava, zvandakafirwa nevana, ndikava ngomwa, ndiri mutapwa, ndinoiswa uko neuko? Uye ndiani wakarera ava? Tarira ini ndaiva ndasara ndoga; ava vaiva varipi?

22 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarira, ndichasimudzira rudzi ruoko rwangu, ndimise rupawo rwangu pavanhu; uye vachaunza vanakomana vako pachifuva, nevakunda vako vakatakurwa papfudzi.

23 Zvino madzimambo achava varerirume vako; uye madzimambokadzi avo achava varerikadzi vako. Vachakufugamira nechiso muvhu, vachinanzva guruva retsoka dzako; ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha; kuti vanovimba neni havanganyadziswi.

24 Zvakapambiwa zvichatorwa here kune ane simba, kana wakapambiwa pamurairo asunungurwe?

25 Asi anoreva seizvi Jehovha: Zvirokwazvo, vakatapwa veane simba vachatorwa, nezvakapambiwa zvevanotyisa zvichasunungurwa, nokuti ini ndicharwisana neanorwisana newe, zvino ini ndichaponesa vana vako.

26 Uye ndichadyisa vamanikidzi vako nyama yavo, uye vachadhakwa neropa ravo serinenge waini inonaka. Uye nyama yose ichaziva kuti ini Jehovha ndiri Muponesi wako, neMudzikunuri wako, Wemasimbaose waJakove.