ShonaTeam Isaiah « 48 »

Jehovha achadzosa vanhu vake

48Inzwai izvi, imwi imba yaJakove, makadanwa nezita raIsraeri, uye makabuda kumvura zhinji yekwaJudha; munopika nezita raJehovha, munorangaridza zvaMwari waIsraeri, pasiri pachokwadi uye pasiri pakururama.

2 Nokuti vanozviti veguta dzvene, uye vanozembera pana Mwari waIsraeri; zita rake ndiJehovha wehondo.

3 Ndakaparidza zvinhu zvekare kubva panguva iyoyo, uye zvakabuda kubva mumuromo mangu, uye ndakazvinzwisa; pakarepo ndakaita uye zvakasvika.

4 Nokuti ndaiziva kuti wakaoma, uye mutsipa wako runda rwedare, nehuma yako indarira;

5 zvirokwazvo kubva pakutanga ndakadanidzira kwauri, ndakakunzwisa zvisati zvaitika, zvimwe ungati: Chifananidzo changu chazviita, nechifananidzo changu chakavezwa, nechifananidzo changu chakaumbwa nekunyungudusa chazviraira.

6 Wakanzwa; tarira izvi zvose; zvino imwi hamungaparidzi here? Ndakakunzwisai zvinhu zvitsva kubva ikozvino, nezvinhu zvakavanzika zvawaiva usingazivi.

7 Zvasikwa ikozvino, uye kwete kubva ipapo; kunyange zuva risati rasvika hauna kumbozvinzwa, zvimwe ungati: Tarira, ndaizviziva.

8 Zvirokwazvo, hauna kunzwa, zvirokwazvo, hauna kuziva; zvirokwazvo, kubva panguva iyo nzeve yako yaiva isina kudziurwa; nokuti ndaiziva kuti wakaita zvekuita nekunyengera, ukanzi mudariki kubva pachizvaro.

9 Nekuda kwezita rangu ndichanonosa hasha dzangu, uye nekuda kwerumbidzo yangu ndichazvidzora pamusoro pako, kuti ndirege kukugura.

10 Tarira, ndakakunatsa, asi kwete nesirivha; ndakakusarudza mumvuto yedambudziko.

11 Nekuda kwangu, nekuda kwangu, ndichaita; nokuti zita rangu ringasvibiswa sei? Zvino handingapi rukudzo rwangu kune umwe.

12 Nditeererei, Jakove, newe Israeri wakadanwa wangu: Ndini iye, ndini wekutanga, uye ndini wekupedzisira.

13 Zvino ruoko rwangu rwakateya nheyo dzenyika, uye ruoko rwangu rwerudyi rwakatatamura matenga; ndinodana kwazviri, zvinomira pamwe chete.

14 Unganai imwi mose, munzwe; ndiani pakati pavo wakaparidza zvinhu izvi? Jehovha wakamuda, anoita chido chake paBhabhironi, uye ruoko rwake rwuri pavaKaradhiya.

15 Ini pachangu ndataura, hongu ndamudana, ndamupinza, uye achabudiririsa nzira yake.

16 Swederai kwandiri, munzwe ichi; handina kutaura pakavanda kubva pakutanga, kubva panguva yazvakaitika, ndiripo. Zvino ikozvino Ishe Mwari pamwe neMweya wake wandituma.

17 Anoreva seizvi Jehovha, Mudzikunuri wako, Mutsvene waIsraeri: Ndini Jehovha Mwari wako, anokudzidzisa kuti ubatsirike, anokutungamirira nenzira yaunofanira kufamba.

18 Dai wakateerera mirairo yangu! Apo rugare rwako rwaiva serwizi, nekururama kwako semafungu egungwa!

19 Uye mbeu yako yaiva sejecha, nechibereko cheura hwako serukangarabwe rwaro; zita rako risingagurwi uye risingaparadzwi kubva pamberi pangu.

20 Budai muBhabhironi, tizai vaKaradhiya; paridzai neinzwi rekuimba, munzwise izvi, zvibudisei kusvika kumugumo wenyika, muti: Jehovha wakadzikinura muranda wake Jakove.

21 Zvino havana kunzwa nyota paaivatungamirira mumarenje; wakavayereresera mvura zhinji kubva padombo; uye wakatsemura dombo, mvura zhinji ndokudzutuka.

22 Hakuna rugare, anoreva Jehovha, kune vakaipa.