ShonaTeam Isaiah « 47 »

Kuwa kweBhabhironi

47Buruka ugare muguruva, iwe mhandara, mukunda weBhabhironi; gara pavhu pasina chigaro cheushe, iwe mukunda wevaKaradhiya; nokuti hauchazonzi une moyo wakapfava uye munyoro.

2 Tora makuyo, uye kuya upfu; bvisa chifukidziro chechiso chako, kurura rokwe, fukura gumbo, yambuka nzizi.

3 Kushama kwako kucharatidzwa pachena, hongu kunyara kwako kuchaonekwa; ndichatsiva, uye handisangani newe semunhu.

4 Mudzikunuri wedu, Jehovha wehondo ndiro zita rake, Mutsvene waIsraeri.

5 Gara unyerere, uye pinda murima, iwe mukunda wevaKaradhiya; nokuti hauchazonzi vahosi veushe huzhinji.

6 Ndakatsamwira vanhu vangu, ndakasvibisa nhaka yangu, uye ndakavapa muruoko rwako. Hauna kuvanzwira tsitsi huru, wakaisa joko rako rinorema kwazvo pamusoro pemutana.

7 Iwe wakati: Ndichava vahosi nekusingaperi; kudai kuti hauna kuisa zvinhu izvi mumoyo mako, hauna kurangarira mugumo wazvo.

8 Naizvozvo ikozvino inzwa izvi, iwe unozvinofadza, ugere wakatambarara, unoti mumoyo mako: Ndini, uye hakuna umwe kunze kwangu; handingagari ndiri chirikadzi, uye handingazivi kufirwa nevana.

9 Asi zvinhu izvi zviviri zvichakuwira mukubwaira kweziso, nezuva rimwe, kufirwa nevana, neuchirikadzi; zvichakuwira zvakaperedzerwa, nekuda kweuwandu hweuroyi hwako, nekuda kweuwandu ukuru hweun'anga hwako.

10 Nokuti wakavimba neuipi hwako; wakati: Hakuna anondiona. Uchenjeri hwako neruzivo rwako ndizvo zvakakutsausa; zvino wakati mumoyo mako: Ndini, uye hakuna umwe kunze kwangu.

11 Nechakaipa chichakusvikira; hauzivi kuedza kwacho; uye njodzi ichakuwira; haungagoni kuiitira rudzikunuro; uye kuparara kuchasvika pakarepo pamusoro pako; usingazivi.

12 Mira ikozvino neuroyi hwako uye neuwandu hweun'anga hwako, hwawakashingaira mahuri kubva paudiki hwako, zvimwe uchagona kuwana rubatsiro, zvimwe ungatyisa.

13 Waneta muuwandu hwemazano ako; ikozvino vadudziri vezvekudenga, vanoona zvenyeredzi, vanozivisa nezvemwedzi, ngavasimuke vakuponese pazvinhu zvichakuwira.

14 Tarira, vachava semashanga; moto uchavapisa; havangazvinunuri pasimba remurazvo; hakungavi nezimbe rekudziya, kana moto kugara mberi kwawo.

15 Vachava saizvozvo kwamuri vawakashingaira navo, vawakatengeserana navo kubva paudiki hwako, vachadzungaira umwe neumwe kunzvimbo yake; hakungavi nemuponesi wako.