ShonaTeam Isaiah « 46 »

Vamwari veBhabhironi naMwari waIsraeri vanofananidzwa

46Bheri anokotama, Nebho anozvininipisa; zvifananidzo zvavo zvaiva zvezvipfuwo, uye zvaiva zvemombe; mitundu yenyu inorema mutoro wemhuka dzakaneta.

2 Vanokotama, vanofugama pamwe chete, havana kugona kununura mutoro, uye vakaenda muutapwa pachavo.

3 Nditeererei, imba yaJakove, nevose vakasara veimba yaIsraeri, vakatakurwa neni kubva mudumbu, vakasimudzwa kubva pachizvaro;

4 uye kusvika mukukwegura ndini iye, hongu, kusvika pakuchena musoro ini ndichakutakurai; ini ndakaita, hongu ini ndichasimudza, hongu ini ndichatakura uye ndichanunura.

5 Muchandifananidza nekundienzanisa nekunditodzanisa nani kuti tifanane?

6 Vanodurura goridhe kubva muhomwe, nekuyera sirivha nechiyero; vanoripira mupfuri, iye ndokuita mwari naro; vanowira pasi, hongu, vanonamata.

7 Vanomusimudza pafudzi, vanomutakura nekumuzorodza panzvimbo yake; zvino anomira, haafambi kubva panzvimbo yake; hongu, umwe anodanidzira kwaari, asi haapinduri, haamuponesi pakumanikidzwa kwake.

8 Rangarirai ichi, muzviratidze muri varume, zvidzosei muhana, imwi vadariki.

9 Rangarirai zvinhu zvekutanga zvekare; nokuti ndini Mwari, uye hakuna umwe, ndini Mwari, uye hakuna wakafanana neni;

10 anoparidza mugumo kubva pakutanga, nepanguva dzekare zvisati zvaitwa, anoti: Zano rangu rinomira uye ndinoita zvinondifadza zvose;

11 ndichidana gora kubva kumabvazuva, munhu wezano rangu kubva kunyika iri kure; zvirokwazvo ndakataura, uye ndichazviitisa, ndakazvitema, ndichazviitawo.

12 Nditeererei, imwi mune moyo yakasimba, muri kure nekururama.

13 Ndinoswededza kururama kwangu, hakungavi kure, neruponeso rwangu harwunganonoki; asi ndichapa ruponeso paZiyoni, kubwinya kwangu kwaIsraeri.