ShonaTeam Isaiah « 45 »

Kudanwa kwaKoreshi

45Anoreva seizvi Jehovha kumuzodzwa wake, kuna Koreshi, weruoko rwake rwerudyi rwandakabata, kuti ndiise marudzi pasi pamberi pake, uye ndichisunungura zviuno zvemadzimambo, kuti ndizarure misuwo miviri pamberi pake, nemasuwo arege kuvharwa.

2 Ini ndichafamba pamberi pako, ndigotasanura nzvimbo dzakakombama; ndichaputsa-putsa misuwo yendarira, nekupamura mazariro egoridhe.

3 Uye ndichakupa zvinokosha zverima, nefuma zhinji yakavanzwa yepanzvimbo dzechivande, kuti uzive kuti ndini Jehovha anokudana nezita rako, Mwari waIsraeri.

4 Nekuda kwemuranda wangu Jakove, nekwaIsraeri musarudzwa wangu, zvirokwazvo ndakakudana nezita rako, ndakakupa mutupo kunyange waiva usina kundiziva.

5 Ndini Jehovha, uye hakuna umwe; kunze kwangu hakuna Mwari. Ndichakusunga chiuno kunyange waiva usina kundiziva.

6 Kuti vazive kubva kumabudazuva uye kubva kumavirazuva kuti hakuna umwe kunze kwangu; ndini Jehovha, uye hakuna umwe.

7 Ndinoumba chiedza, nekusika rima; ndinoita rugare, nekusika chakaipa; ini Jehovha ndinoita zvinhu izvi zvose.

8 Donhedzai madonwe, matenga, kubva kumusoro, nechadenga ngachidurure kururama. Nyika ngaizaruke, kuti ibudise ruponeso, uye kururama ngakumere pamwe chete; ini Jehovha ndakazvisika.

9 Nhamo kune anopokana neMuumbi wake, chaenga nezvaenga zvevhu! Ivhu ringati kune wakariumba here: Unoitei? Kana basa rako ringati here: Haana maoko?

10 Nhamo kune anoti kuna baba: Unoberekei? Kana kumukadzi: Unozvarei?

11 Anoreva seizvi Jehovha, Mutsvene waIsraeri, neMuumbi wake: Ndibvunzei pamusoro pezvinhu zvinouya, maererano nevanakomana vangu, uye maererano nebasa remaoko angu, mundiraire.

12 Ini ndakaita nyika, nekusika vanhu pamusoro payo; ini, maoko angu akatatamura matenga; uye ndakaraira hondo dzawo dzose.

13 Ini ndakamumutsa nekururama, uye ndicharuramisa nzira dzake dzose; iye achavaka guta rangu, nekusunungura vatapwa vangu, kwete nemutengo uye kwete nemubairo, anoreva Jehovha wehondo.

14 Anoreva seizvi Jehovha: Basa reEgipita, nezvitengeswa zveItiyopiya, nezvevaSabhiya, varume varefu, zvichapfuurira kwauri, uye zvive zvako; vachakutevera, vachayambukira vari mumaketani, uye vachafugama pamberi pako, vachaita mikumbiro kwauri vachiti: Zvirokwazvo Mwari uri mamuri, uye hakuna umwe, hakuna umwe Mwari.

15 Zvirokwazvo muri Mwari anozvivanza, Mwari waIsraeri, Muponesi.

16 Vachanyara, uyewo vachava nenyadzi vose; vachafamba vari chinyadzo pamwe chete, vavezi vezvifananidzo.

17Asi vaIsraeri vachaponeswa naJehovha neruponeso rwusingaperi; hamunganyadziswi uye hamungavi nenyadzi kusvika panguva dzekusingaperi.

18 Nokuti anoreva seizvi Jehovha wakasika matenga, Mwari amene wakaumba nyika nekuiita, iye akaisimbisa, asingaisikiri pasina, wakaiumbira kugarwa: Ndini Jehovha, hakuna umwe.

19 Handina kutaura pakavanda, panzvimbo yerima renyika; handina kuti kurudzi rwaJakove: Nditsvakei pasina. Ini Jehovha ndinotaura kururama, ndinoparidza zvakarurama.

20 Unganai muuye; swederai pamwe chete, imwi makapukunyuka kumarudzi; vanotakura matanda iri zvifananidzo zvavo zvakavezwa havazivi, zvino vanonyengetera kuna mwari asingaponesi.

21 Revai, muswededze, hongu avo vanopangana pamwe chete vachiti: Ndiani wakaparidza izvi kubva kare? Ndiani wakataura kubva panguva iyo? Handisi ini Jehovha here? Uye hakuna umwe Mwari kunze kwangu, Mwari wakarurama neMuponesi, hakuna umwe kunze kwangu.

22 Tarirai kwandiri zvino muchaponeswa imwi migumo yose yenyika, nokuti ndini Mwari uye hakuna umwe.

23 Ndakapika neni ndomene, shoko rabuda mumuromo mangu mukururama uye haringadzoki, kuti ibvi rimwe nerimwe richapfugama, rurimi rwumwe nerwumwe rwuchapika.

24 Zvirokwazvo umwe achati: Muna Jehovha ndine kururama nesimba; vachauya kwaari; asi vose vaiva vakamutsamwira vachanyara.

25 Muna Jehovha chizvarwa chose chaIsraeri chichanzi hachina mhosva uye chichazvirumbidza.