ShonaTeam Isaiah « 44 »

44Zvino ikozvino, inzwa, iwe Jakove muranda wangu, newe Israeri wandakasarudza:

2 Anoreva seizvi Jehovha wakakuita, nekukuumba kubva muchizvaro, achakubatsira: Usatya, Jakove muranda wangu, newe Jeshuruni wandakasarudza.

3 Nokuti ndichadira mvura pamusoro peane nyota, nemafashame pamusoro pevhu rakaoma. Ndichadira mweya wangu pamusoro pembeu yako, neropafadzo yangu pamusoro pechizvarwa chako.

4 Zvino vachabukira pakati peuswa, semikonachando pahova dzemvura.

5 Umwe achati: Ndiri waJehovha; uye umwe azvidaidze nezita raJakove; umwezve achanyora muruoko rwake achiti: Ndiri waJehovha; nekuzvipa mutupo nezita raIsraeri.

Zvifananidzo hazvina maturo

6 Anoreva seizvi Jehovha, Mambo waIsraeri, neMudzikunuri wake, Jehovha wehondo: Ndini wekutanga uye ndini wekupedzisira; uye kunze kwangu hakuna Mwari.

7 Zvino ndiani angadana seni, nekuzviparidza, nekuzvirongedzera ini, kubva pandakagadza vanhu vekare? Nezvinhu zvinouya, nezvichauya, ngavazviparidze kwavari.

8 Musavhunduka uye musatya; handina kukunzwisai here kubva panguva iyo, ndikazviparidza? Zvino imwi muri zvapupu zvangu. Kuna Mwari here kunze kwangu? Zvirokwazvo hakuna rimwe Ibwe; handirizivi.

9 Vose vanoumba zvifananidzo zvakavezwa havana maturo, nezvinhu zvavo zvinodikanwa hazvibatsiri chinhu; ivowo zvapupu zvavo; havaoni uye havazivi, kuti vanyare.

10 Ndiani wakaumba mwari kana wakaumba nekunyungudusa chifananidzo chakavezwa chisingabatsiri chinhu?

11 Tarira, vose vafambidzani vake vachanyara, nevavezi vanobva pavanhu; ngavaunganidzwe vose, ngavasimuke, ngavatye, vanyare pamwe chete.

12 Mupfuri anopfura sanhu, anoshanda nemazimbe, nekuriumba nedzinyundo, nekurishanda nesimba reruoko rwake; zvirokwazvo ane nzara, simba rake rinopera, haanwi mvura, kusvika aneta.

13 Muvezi anotatamura chitariso, anotara nechinyoreso, anochiita nembezo, uye anochitara nekambasi*, anochiita nemufananidzo wemunhu, nerunako rwemunhu, kuti chigare mumba.

14 Anozvitemera misidhari, ndokutora musipiresi nemuouki, ndokuzvisimbisira iyo pakati pemiti yesango, anosima mupaini, mvura yekunaya ndokuukurisa.

15 Zvino zvichava zvemunhu kuti avese, uye achatora pazviri ndokudziya, zvirokwazvo anopfutidza ndokubika chingwa, zvirokwazvo anoita mwari, ndokumukotamira, wakachiita chifananidzo chakavezwa, ndokuchifugamira.

16 Anopisa hafu yacho mumoto; pane hafu yacho anodya nyama; anogocha mugochiwa ndokuguta; zvirokwazvo, anodziya ndokuti: Haiwa, ndadziya, ndaona moto.

17 Zvino zvakasara zvawo anozviita kuva mwari, zvive chifananidzo chake chakavezwa; anochifugamira ndokushumira nekunamata kwachiri, ndokuti: Ndinunurei, nokuti muri mwari wangu.

18 Havana kuziva uye havana kunzwisisa, nokuti wakanamira meso avo kuti vasaona, nemoyo yavo kuti vasanzwisisa.

19 Hakuna anorangarira mumoyo make, uye hakuna ruzivo, uye hakuna kunzwisisa, kuti ati: Ndapisa hafu yacho mumoto, uye zvirokwazvo ndabika chingwa pamusoro pemazimbe acho, ndagocha nyama ndikadya; zvino ndingaita chinonyangadza nezvakasara zvacho here? Ndingafugamira danda remuti here?

20 Anodya madota; moyo wakanyengerwa wamutsausa, uye haasununguri mweya weupenyu wake, uye haati: Hakuna nhema muruoko rwangu rwerudyi here?

21 Rangarira zvinhu izvi, Jakove, naIsraeri, nokuti ndiwe muranda wangu; ndakakuumba, uri muranda wangu; haiwa Israeri, haungakanganikwi neni.

22 Ndakadzima zvitadzo zvako segore rinorema, nezvivi zvako segore; dzokera kwandiri, nokuti ndakakudzikinura.

23 Imbai, matenga, nokuti Jehovha wakaita izvozvo; danidzirai, mativi ari pasi enyika; pururudzai nekuimba, makomo, sango nemuti umwe neumwe uri mariri; nokuti Jehovha wakadzikinura Jakove, wakazvirumbidza muna Israeri.

24 Anoreva seizvi Jehovha, Mudzikunuri wako, naiye wakakuumba kubva pachizvaro: Ndini Jehovha anoita zvinhu zvose, anotatamura matenga ari oga, anowaridza nyika ndomene;

25 anoshaisa maturo zviratidzo zvevane nhema, uye anopengesa vavuki, anodzosera shure vachenjeri, uye anoita ruzivo rwavo rwuve upenzi;

26 anosimbisa shoko remuranda wake, uye anopedzeredza zano renhume dzake; anoti pamusoro peJerusarema: Richagarwa; nepamusoro pemaguta aJudha: Muchavakwa; uye ndichamutsa matongo aro;

27 iye anoti kuudziku: Chipwa, uye ndichapwisa nzizi dzako;

28 iye anoti pamusoro paKoreshi: Mufudzi wangu, uye achapedzeredza mufaro wangu wose; uye ati pamusoro peJerusarema: Ngarivakwe; uye pamusoro petembere: Nheyo dzako ngadziteyiwe.