ShonaTeam Isaiah « 43 »

Jehovha mudzikunuri waIsraeri

43Asi ikozvino, anoreva seizvi Jehovha wakakusika, iwe Jakove, iye wakakuumba, iwe Israeri: Usatya, nokuti ini ndakakudzikinura; ndakakudana nezita rako, uri wangu.

2 Paunogura nemumvura zhinji, ndinewe, nemunzizi, hadzingakukukuri; paunofamba nemumoto, haungatsvi, nemurazvo haungakupfutidzi.

3 Nokuti ndini Jehovha Mwari wako, Mutsvene waIsraeri, muponesi wako; ndakapa Egipita kuva rudzikunuro rwako, Itiyopiya neShebha pachinzvimbo chako.

4 Sezvawaiva wakakosha pameso pangu, waikudzwa, uye ini ndakakuda; zvino ndakapa vanhu pachinzvimbo chako, nemarudzi pachinzvimbo cheupenyu hwako.

5 Usatya, nokuti ndinewe; ndichauisa mbeu yako kubva kumabvazuva, nekukuunganidza kubva kumavirazuva.

6 Ndichati kumaodzanyemba: Regedza; nekuchamhembe: Usanyima; uisai vanakomana vangu kubva kure, nevakunda vangu kubva kumigumo yenyika,

7 umwe neumwe anodanwa nezita rangu, nokuti ndakamusikira rukudzo rwangu, ndakamuumba, zvirokwazvo ndakamuita.

8 Budisai vanhu mapofu ane meso, nematsi dzine nzeve.

9 Marudzi ose ngaaungane pamwe chete, nevanhu vasangane. Ndiani pakati pavo angatiudza izvozvi? Kana vangatinzwisa zvinhu zvekare, ngavauise zvapupu zvavo, kuti vanzi havana mhosva, uye ngavanzwe vagoti: Ichokwadi.

10 Muri zvapupu zvangu, anoreva Jehovha, nemuranda wangu wandakasarudza, kuti muzive uye munditende, nekunzwisisa kuti ndini iye, mberi kwangu hakuna kumboumbwa mwari, uye shure kwangu hakungavi neumwe.

11 Ini, ndini Jehovha, uye kunze kwangu hakuna muponesi.

12 Ini ndakadanidzira, ndakaponesa, ndakaparidza; uye kwaiva kusina mwari wendudzi pakati penyu. Naizvozvo muri zvapupu zvangu, anoreva Jehovha, kuti ndini Mwari.

13 Zvirokwazvo, zuva risati ravapo, ini ndini iye, uye hakuna angadzikinura muruoko rwangu; ndichashanda, uye ndiani angadzosera kumashure?

14 Anoreva seizvi Jehovha, Mudzikunuri wenyu, Mutsvene waIsraeri: Nekuda kwenyu ndakatuma kuBhabhironi, ndikaburusira pasi vose vanotiza varo, nevaKaradhiya muzvikepe zvekuchema kwavo.

15 Ndini Jehovha, Mutsvene wenyu, Musiki waIsraeri, Mambo wenyu.

16 Anoreva seizvi Jehovha, anoita nzira mugungwa, negwara mumvura zhinji ine simba;

17 anobudisa ngoro nebhiza, hondo uye simba; zvicharara pamwe, hazvingamuki, zvichapera chose, zvidzime setambo yemwenje.

18 Musarangarira zvinhu zvekutanga, musafunganya zvinhu zvekare.

19 Tarirai, ndichaita chinhu chitsva; ikozvino chichabukira, hamungachizivi here? Ndichaitawo nzira murenje, nzizi mugwenga.

20 Mhuka dzesango dzichandirumbidza, mabukanana nevakunda vemazizi; nokuti ndinopa mvura zhinji murenje, nzizi mugwenga, kuti ndinwise vanhu vangu, vasarudzwa vangu.

21 Vanhu ava vandakazviumbira; vachaparidza rumbidzo yangu.

22 Zvakadaro hauna kudana kwandiri, Jakove, asi wakaneta neni, Israeri.

23 Hauna kundivigira makwai ako zvive zvipiriso zvako zvinopiswa; hauna kundiremekedza nezvibairo zvako; handina kukuita ushumire nechipo, uye handina kukunetesa nezvipfungaidzo zvinonhuhwira.

24 Hauna kunditengera ipwa nemari; hauna kundigutisa nemafuta ezvibairo zvako; asi wakandishandisa nezvivi zvako, wakandinetesa nezvakaipa zvako.

25 Ini, ini, ndini ndinodzima zvitadzo zvako nekuda kwangu, uye handicharangariri zvivi zvako.

26 Ndiyeudzire, ngatitongane; rondedzera iwe, kuti unzi hauna mhosva.

27 Baba vako vekutanga vakatadza, nevaturikiri vako vakandidarikira.

28 Naizvozvo ndakasvibisa machinda eimba tsvene, ndakapa Jakove kukuparadzwa, naIsraeri kukutukwa.