ShonaTeam Isaiah « 42 »

Muranda waJehovha

42Tarira muranda wangu wandinotsigira, musanangurwa wangu; upenyu hwangu hunofadzwa maari; ndakaisa mweya weupenyu wangu pamusoro pake. Achabudisira marudzi mutongo.

2 Haangadani, uye haangasimudzi inzwi, uye haanganzwisi inzwi rake panze.

3 Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, netambo yemwenje inopfungaira haangaidzimi; achabudisira mutongo kuchokwadi.

4 Haanganeti uye haangapwanyiwi, kusvika agadza mutongo panyika; uye zviwi zvichamirira murairo wake.

5 Anoreva seizvi Mwari Jehovha, iye wakasika matenga nekuatatamura, iye anowaridza nyika nezvinobuda mairi, iye anopa kufema kuvanhu pamusoro payo, nemweya kune vanofamba pairi:

6 Ini Jehovha ndakudana nekururama, uye ndichabata ruoko rwako, nekukuchengeta, nekukupa uve sungano yevanhu, uve chiedza chemarudzi;

7 kuti usvinudze meso mapofu, kubudisa musungwa kubva mutirongo, vagere murima kubva muimba yetirongo.

8 Ndini Jehovha, iri izita rangu; uye handipi rukudzo rwangu kune umwe, kana kurumbidzwa kwangu kuzvifananidzo zvakavezwa.

9 Tarirai, zvinhu zvekare zvasvika; uye ndinoparidza zvinhu zvitsva; zvisati zvabukira ndinokuitai munzwe.

10 Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, rumbidzo yake kubva kumugumo wenyika, imwi munoburukira kugungwa, nekuzara kwaro, zviwi, nevagari vazvo.

11 Renje nemaguta aro ngazvisimudze inzwi, misha inogara Kedhari; vagari vemuibwe ngavaimbe, vadanidzire kubva pamusoro wemakomo.

12 Ngavape rukudzo kuna Jehovha, uye ngavaparidze kurumbidzwa kwake kuzviwi.

13 Jehovha achabuda semhare, achamutsa kushingaira semunhu wedzihondo; achadana, zvirokwazvo, achadanidzira, akunde vavengi vake.

14 Ndakanyarara kare, ndakati zii, ndakazvibata, ndichachema semukadzi anosununguka, ndichafemedzeka nekutakwaira pamwe chete.

15 Ndichaparadza makomo nezvikomo, nekuomesa zvose zvinomera zvazvo, uye nzizi ndichadziita zviwi, nemadziva ndichaaomesa.

16 Zvino ndichafambisa mapofu nenzira yaasingazivi; ndichaatungamirira mumakwara aasina kuziva. Ndichaita rima rive chiedza pamberi pavo, uye zvakakombama zvive zvakarurama. Ndichavaitira zvinhu izvi, uye handingavasii.

17 Vachadzoserwa shure, vachanyadziswa zvikuru, avo vanovimba nezvifananidzo zvakavezwa, vanoti kuzvifananidzo zvakaumbwa nekunyungudusa: Imwi muri vamwari vedu.

18 Imwi matsi, inzwai; uye imwi mapofu, mutarise kuti muone.

19 Ndiani bofu kunze kwemuranda wangu, uye matsi senhume yangu yandinotuma? Ndiani bofu sewakakwana, uye bofu semuranda waJehovha?

20 Iwe unoona zvinhu zvizhinji asi hauzvicherechedzi; iye anozarura nzeve asi haanzwi.

21 Jehovha anofara nekuda kwekururama kwake; achakudza murairo nekuuita uremekedzeke.

22 Asi ava vanhu vakabirwa nekupambiwa; vose vakateyiwa mumakomba, uye vakavigwa mudzimba dzetirongo; vava chakatapwa, uye hakuna anonunura; vava chinhu chakapambiwa, uye hakuna anoti: Dzosa.

23 Ndiani pakati penyu achapa nzeve kune izvi, ateerere nekunzwa panguva inouya?

24 Ndiani wakapa Jakove kukupambwa, naIsraeri kumakororo? Waiva asiri Jehovha here watakatadzira? Nokuti havana kuda kufamba munzira dzake, uye havana kuteerera kumurairo wake.

25 Naizvozvo wakadurura pamusoro pake kupfuta kwekutsamwa kwake, nesimba rehondo; uye zvakamupfutidzira moto kumativi ose, asi haana kuziva; zvino zvikamupisa, asi haana kuzviisa pamoyo.