ShonaTeam Isaiah « 41 »

Jehovha ndiye anorwira vanhu vake

41Nyararai pamberi pangu, imwi zviwi; uye vanhu ngavavandudze simba; ngavaswedere, zvino vataure; ngatiswedere pamwe chete kumutongo.

2 Ndiani wakamutsa wakarurama kubva kumabvazuva? Akamudanira rutsoka rwake; akapa marudzi pamberi pake; akamuita atonge pamusoro pemadzimambo; akavapa seguruva kumunondo wake, sehundi inopepereswa kuuta hwake.

3 Akavadzingirira, akapfuura akachengetedzeka nenzira yaasina kumbofamba netsoka dzake.

4 Ndiani wakashanda, akazviita, achidana mazera kubva pakutanga? Ini Jehovha, wekutanga newekupedzisira; ndini iye.

5 Zviwi zvakaona zvikatya; migumo yenyika yakadedera, ikaswedera, yakasvika.

6 Vakabatsira umwe neumwe muvakidzani wake, uye kuhama yake anoti: Simba.

7 Zvino muvezi wakasimbisa mupfuri wegoridhe, anorodza nyundo wakasimbisa anorova pachipfuriro, achiti pamusoro pekunamatidza: Zvakanaka. Ndokuzvisimbisa nezvipikiri kuti zvisazungunuswa.

8 Asi iwe Israeri, muranda wangu, Jakove wandakasarudza, mbeu yaAbhurahama shamwari yangu,

9 iwe wandakatora kubva kumigumo yenyika, ndikakudana kuvakuru vayo, ndikati kwauri: Uri muranda wangu, ndakakusarudza, uye handina kukurasa.

10 Usatya, nokuti ndinewe; usacheuka-cheuka, nokuti ndiri Mwari wako; ndichakusimbisa, zvirokwazvo ndichakubatsira; zvirokwazvo ndichakutsigira neruoko rwerudyi rwekururama kwangu.

11 Tarira, vose vanokutsamwira vachanyadziswa vave nenyadzi; vanorwa newe vachava pasina uye vachaparara.

12 Uchavatsvaka, asi haungavawani; vanhu vanopikisana newe vachava sechinhu pasina; uye vanoita hondo newe vachava sechinhu chisina maturo.

13 Nokuti ini Jehovha, Mwari wako, ndinobata ruoko rwako rwerudyi, ndinoti kwauri: Usatya, ini ndichakubatsira.

14 Usatya iwe Jakove honye, imwi vanhu vekwaIsraeri, ini ndichakubatsirai, anoreva Jehovha, uye mudzikunuri wako, Mutsvene waIsraeri.

15 Tarira, ndakakuita mupuro wakapinza mutsva, une mazino; uchapura makomo, nekuaputsa-putsa, uye uchaita zvikomo zvive sehundi.

16 Uchaarudza, uye mhepo ichaabvisa, nechamupupuri chichaaparadzira; asi iwe uchafara muna Jehovha, uchazvirumbidza muMutsvene waIsraeri.

17 Varombo nevanoshaiwa vanotsvaka mvura, asi haipo; rurimi rwavo rwaoma nenyota. Ini Jehovha ndinovapindura, ini Mwari waIsraeri, handivasii.

18 Ndichazarura nzizi panzvimbo dzakakwirira, nematsime pakati pemipata; renje ndichariita dziva remvura, nenyika yakaoma zvitubu zvemvura.

19 Ndichasima parenje musidhari, muakasia, nemumirite, nemuti wemafuta; ndichaisa mugwenga musipiresi, nemupani, nemufiri pamwe chete;

20 kuti vaone uye vazive uye varangarire nekunzwisisa pamwe chete kuti ruoko rwaJehovha rwaita izvi, uye Mutsvene waIsraeri wakazvisika.

21 Swededzai nyaya yenyu, anoreva Jehovha; swededzai zvinodzivirira zvenyu, anoreva Mambo waJakove.

22 Ngavaswededze, uye vatiudze zvichaitika; ngavataure zvinhu zvekare kuti zvii, kuti tizviise mumoyo yedu, tizive mugumo wazvo; kana mutinzwise zvinhu zvinouya.

23 Revai zvinhu zvichauya pashure, kuti tizive kuti muri vamwari; hongu itai zvakanaka kana itai zvakaipa, zvino tichashamiswa titarise tose pamwe chete.

24 Tarirai, munobva pasina chinhu, uye basa renyu rinobva pasina, chinyangadzo kune anokusarudzai.

25 Ndamutsa umwe anobva kumaodzanyemba, zvino wasvika; anobva kumabudazuva, achadana zita rangu; uye achauya pamusoro pemachinda sedope, uye semuumbi anokanya ivhu.

26 Ndiani wakareva kubva pakutanga, kuti tizive? Uye kubva panguva yekumashure, kuti titi: Wakarurama? Zvirokwazvo hapana wakareva, zvirokwazvo hapana anonzwisa, zvirokwazvo hapana anonzwa mashoko enyu.

27 Wekutanga achati paZiyoni: Tarirai, uvatarire; uye ndichapa kuJerusarema anoparidza mashoko akanaka.

28 Nokuti ndakatarisa, uye kwaiva kusina munhu, uye pakati pavo kusina mupangi wemazano. Zvino ndakavabvunza vakadzosa shoko:

29 Tarirai, vose havana maturo; mabasa avo kushaya maturo; zvifananidzo zvavo zvakaumbwa nekunyungudusa imhepo nekusava nezviripo.