ShonaTeam Isaiah « 40 »

Jehovha anonyaradza vanhu vake

40Nyaradzai, munyaradze vanhu vangu, anoreva Mwari wenyu.

2 Taurirai kumoyo weJerusarema, mudanidzire kwariri kuti hondo yaro yapera, kuti kuipa kwaro kwaregererwa, nokuti rakagamuchira muruoko rwaJehovha zvakapetwa kaviri pazvivi zvaro zvose.

3 Inzwi reanodanidzira murenje achiti: Gadzirai nzira yaJehovha, ruramisirai Mwari wedu nzira huru mugwenga.

4 Mupata umwe neumwe uchasimudzwa, uye gomo rimwe nerimwe nechikomo zvichaderedzwa; uye pakakombama pacharuramiswa, nenzvimbo dzine makoronga dzichaenzaniswa.

5 Uye kubwinya kwaJehovha kucharatidzwa; nenyama yose ichaonekwa pamwe chete; nokuti muromo waJehovha wataura.

6 Inzwi rati: Danidzirai! Iye ndokuti: Ndichadanidzirei? Nyama yose uswa, nekunaka kwayo kose kwakaita seruva resango.

7 Uswa hunosvava, ruva rinobvuruvara, nokuti mweya waJehovha unofuridza pazviri; zvirokwazvo vanhu uswa.

8 Uswa hunosvava, ruva rinobvuruvara; asi shoko raMwari wedu rinomira nekusingaperi.

9 Iwe Ziyoni, unounza mashoko akanaka, kwira pagomo refu; iwe Jerusarema, unounza mashoko akanaka, simudza inzwi rako nesimba; simudza, usatya; iti kumaguta aJudha: Tarirai Mwari wenyu!

10 Tarira, Ishe Jehovha achauya nesimba, uye ruoko rwake rwuchamutongera; tarira, mubairo wake anawo, uye basa rake riri pamberi pake.

11 Achafudza boka rake semufudzi wemakwai; achaunganidza makwayana neruoko rwake, nekuatakura pachipfuva chake; achatungamirira zvakanaka anoyamwisa.

Ukuru hwaJehovha

12 Ndiyani wakayera mvura zhinji muchanza cheruoko rwake, nekuyera matenga neminwe yakatandavadzwa, nekutakura guruva repasi muchiyero, nekuyera makomo pachipimo, nezvikomo pachiyero?

13 Ndiyani wakayera Mweya waJehovha, kana wakamudzidzisa semupi wemazano wake?

14 Wakapangana nani, wakamuita anzwisise, nekumudzidzisa munzira yemutongo, nekumudzidzisa ruzivo, wamuzivisa nzira yekunzwisisa kukuru?

15 Tarirai, marudzi akaita sedonhwe rechirongo, uye anoverengwa seguruva diki rechiyero; tarirai, anosimudza zviwi sechinhu chidiki-diki.

16 NeRebhanoni harina kuringanira kutsva, uye mhuka dzaro hadzina kuringanira chipo chinopiswa.

17 Marudzi ose akaita seasiri chinhu pamberi pake, akaverengerwa kwaari pasi pakusava chinhu nekusava nechinhu.

18 Zvino mungafananidza Mwari nani? Kana mungamuenzanisa nemufananidzo upi?

19 Nyanzvi inonyungudusa chifananidzo chakavezwa, nemupfuri wegoridhe anochidzura negoridhe, nekupfura uketani hwesirivha.

20 Murombo asina chipo anosarudza muti usingavori, amutsvakire muvezi nyanzvi kuti agadzire chifananidzo chisingazungunuki.

21 Hamuna kuziva here? Hamuna kunzwa here? Hamuna kuzviudzwa kubva pakutanga here? Hamuna kunzwisisa kubva panheyo dzenyika here?

22 Ndiye agere pamusoro pedenderedzwa renyika, uye vagari vayo vakaita semhashu; uyo anotatamura matenga seketeni, nekuawaridza setende rekugara;

23 uyo anoita machinda asava chinhu; vatongi venyika anovaita vave sevasina maturo.

24 Zvirokwazvo havangasimwi, zvirokwazvo havangadzvarwi, zvirokwazvo hunde yavo haingadziki midzi muvhu; naiye achafuridza pamusoro pavo, vosvava, nechamupupuri chinovabvisa sehundi.

25 Zvino mungandifananidza nani, wandingaenzana naye? anoreva Mutsvene.

26 Simudzirai meso enyu kumusoro, muone ndiyani wakasika izvi, anobudisa hondo dzazvo neuwandu, anodana zvose zvazvo nezita, neukuru hwemasimba ake, nokuti wakagwinya pamasimba; hakune chimwe chinoshaikwa.

27 Unoreverei, iwe Jakove, uchitaura, iwe Israeri, uchiti: Nzira yangu yakavanzika kuna Jehovha, uye mutongo wangu unopfuudzwa kubva pana Mwari wangu?

28 Hauna kuziva here? Hauna kunzwa here? Mwari wekusingaperi, Jehovha, Musiki wemigumo yenyika, haaziyi, uye haaneti; njere dzake hadzinzvereki.

29 Anopa simba anoziya, uye anowedzera simba kune asina kugwinya kukuru.

30 Nevechidiki vachaziya nekuneta, nemajaya achawa zvekuwa;

31 asi vanomirira Jehovha vachavandudza simba; vachasimuka nemapapiro semakondo; vachamhanya vasinganeti; vachafamba vasingaziyi.