ShonaTeam Isaiah « 39 »

Nhume dzinobva Bhabhironi dzinoshanyira Hezekia

39Panguva iyo Merodhaki-Bharadhani mwanakomana waBharadhani mambo weBhabhironi wakatuma dzitsamba nechipo kuna Hezekia; nokuti waiva anzwa kuti wairwara akapora.

2 Hezekia ndokufara pamusoro pavo, ndokuvaratidza imba yake yezvinokosha, sirivha, negoridhe, nezvinonhuhwira, nemafuta anokosha, neimba yose yezvombo zvake, nezvose zvaiwanikwa pafuma yake; kwaiva kusina chinhu muimba yake kana muushe hwake hwose Hezekia zvaasina kuvaratidza.

3 Zvino kwakauya Isaya muporofita kuna mambo Hezekia, ndokuti kwaari: Varume ava vati kudii? Uye vasvika kwauri vachibvepi? Hezekia ndokuti: Vabva kunyika iri kure, vachiuya kwandiri, vachibva kuBhabhironi.

4 Iye ndokuti: Vaonei muimba yako? Hezekia ndokuti: Vaona zvose zviri muimba yangu; hapana chinhu chandisina kuvaratidza pakati pezvakakosha zvangu.

5 Isaya ndokuti kuna Hezekia: Inzwa shoko raJehovha wehondo:

6 Tarira, mazuva achauya, apo zvose zviri muimba yako uye izvo madzibaba ako zvaakakuchengetera kusvika zuva rino zvichatakurirwa kuBhabhironi; hakuna chichasiiwa, anoreva Jehovha.

7 Zvino vachatora pavanakomana vako vachabuda mauri, vauchabereka, kuti vachava vatenwa mumuzinda wamambo weBhabhironi.

8 Hezekia ndokuti kuna Isaya: Rakanaka shoko raJehovha ramataura. Akatiwo: Nokuti kuchava nerugare nechokwadi pamazuva angu.