ShonaTeam Isaiah « 38 »

Kurwara kwaHezekia nekupora kwake

38Mumazuva iwawo Hezekia wakarwarira kufa. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi ndokusvika kwaari, ndokuti kwaari: Anoreva seizvi Jehovha: Raira imba yako, nokuti uchafa, uye haungararami.

2 Zvino Hezekia wakatendeudzira chiso chake kumadziro, ndokunyengetera kuna Jehovha,

3 ndokuti: Ndinokukumbirisai, Jehovha, dorangarirai kuti ndakafamba pamberi penyu muchokwadi uye nemoyo wakaperera, uye ndakaita zvakanaka pameso penyu. Hezekia ndokuchema nekuchema kukuru.

4 Zvino shoko raJehovha rakauya kuna Isaya richiti:

5 Enda, ugoti kuna Hezekia: Anoreva seizvi Jehovha, Mwari waDhavhidhi baba vako: Ndanzwa munyengetero wako, ndaona misodzi yako; tarira, ndichawedzera pamazuva ako makore gumi nemashanu.

6 Uye ndichakusunungura iwe neguta rino kubva muruoko rwamambo weAsiriya, uye ndichadzivirira guta rino.

7 Zvino ichi chiratidzo kwauri chinobva kuna Jehovha, kuti Jehovha achaita chinhu ichi chaataura:

8 Tarira, ndichadzosera shure mumvuri wenhanho dzawaiva waburuka nadzo panhanho dzaAhazi pazuva, nhanho gumi kumashure. Zvino zuva rakadzoka kumashure nhanho gumi panhanho dzaraiva raburuka nadzo.

Rwiyo rwekuvonga rwaHezekia

9 Chinyorwa chaHezekia mambo waJudha paairwara, apora paurwere hwake.

10 Ini ndakati: Pakugurwa kwemazuva angu ndichaenda pamasuwo eguva; nditorerwe akasara emakore angu.

11 Ndakati: Handichazooni Jehovha, Jehovha panyika yevapenyu; handichazotaririzve vanhu pamwe nevagari vepanyika.

12 Zera rangu rabva uye rabviswa kwandiri setende remufudzi wemakwai; ndapeta upenyu hwangu semuruki; achandigura kubva parushinda; kubva masikati kusvika pausiku munondigumisa.

13 Ndakamuisa kusvika mangwanani, seshumba, saizvozvo achavhuna mapfupa angu ose; kubva masikati kusvika pausiku munondigumisa.

14 Senyenganyenga kana kondo, saizvozvo ndakatsviriridza, ndakachema senjiva; meso angu akapera nekutarira kumusoro; Ishe, ndakamanikidzwa, ivai chibatiso changu.

15 Ndingatii? Zvaakataura kwandiri, uye iye wakazviita; ndichafamba zvinyoro-nyoro makore angu ose mukurwadziwa kwemweya weupenyu wangu.

16 Ishe, vanorarama neizvi; uye pazvinhu izvi zvose pane upenyu hwemweya wangu. Zvino muchandirapa, mundiraramise.

17 Tarirai, pachinzvimbo cherugare ndine kurwadziwa kukuru; asi imwi makada mweya weupenyu wangu kubva pagomba rekuparadzwa; nokuti makarasira zvivi zvangu zvose shure kwemusana wenyu.

18 Nokuti guva haringakuvongii, rufu harukurumbidzii; avo vanoburukira kugomba havangatariri chokwadi chenyu.

19 Mupenyu, mupenyu, iye achakuvongai, seni nhasi; baba vachazivisa vana pamusoro pechokwadi chenyu.

20 Jehovha wakazvigadzirira kundiponesa; naizvozvo tichaimba nziyo dzangu nemitengeranwa mazuva ose eupenyu hwedu muimba yaJehovha.

21 Nokuti Isaya waiva ati: Ngavatore sumbu remaonde varinamire pamota, zvino achapora.

22 Hezekiawo waiva ati: Chiratidzo ndechipi kuti ndichakwira kuimba yaJehovha?